Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaHebheru 3:1-6

VaHebheru 3:1-6 SCLB

Naizvozvo, imi hama varurami, vechikwata chavakadaidzirwa denga, chimbofungai nezvaJesu, mupositori nomupristi mukuru wechitendero chedu. Aiva munhu wakatendeka kuna iye wakamusarudza; sokutendekawo kwakanga kwakaita Mosesi mumba maMwari. Asi Jesu akakodzera kukudzwa kupinda Mosesi sezvinoitwa muvaki wemba; anokudzwa kupinda imba. Nokuti imba ipi neipi ine wakaivaka asi muvaki wezvinhu zvose ndiMwari. Zvino Mosesi, somuranda akanga akatendeseka muimba yose yaMwari, achipa uchapupu hwezvinhu zvakanga zvichazotaurwa. Asi Kristu, iye mukuru wemba yaMwari akatendeseka somwana. Ndisu iyesu imba yake, chero tikaramba tichingovimba chete, nokudada nechitarisiro chedu.

Verenga chikamu VaHebheru 3