Naizvozvo, hama tsvene, vagoverani neni pakudanwa kunobva kudenga, fungai zvakanaka Mupostori noMupristi mukuru wokupupura kwedu, iye Jesu, akanga akatendeka kuna iye akamugadza, saMosesiwo mumhuri yake yose. Nokuti uyu akanzi akafanira kukudzwa kupfuura Mosesi, muvaki weimba wezvaanokudzwa kupfuura imba; nokuti imba imwe neimwe inovakwa nomunhu, asi iye, akavaka zvose, ndiye Mwari. Zvino Mosesi akanga akatendeka muimba yake yose somuranda, kuti ave chapupu chezvinhu zvaifanira kuzotaurwa, asi Kristu soMwanakomana, akaiswa pamusoro pemhuri yake; iye, tiri mhuri yake isu, kana tikabatisisa kusvika pakuguma kusatya kwedu netariro yatinozvirumbidza pamusoro payo.
Verenga chikamu VaHebheru 3
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: VaHebheru 3:1-6
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo