Hamuna kuswedera pane chisingabatwe, kana kumoto unon'anduma kana kurima dema rakati kwirindindi kana kudutu remhepo, nokurira kwebhosvo namaungira amazwi akaita kuti vaizvinzwa vakumbire kuti pasataurwezve kwavari nokuti vakanga vasingakwanisi kuchengeta zvakanga zvarayirwa zvaiti, “Kunyange mhuka ikangogunzva gomo inofanira kutemwa namabwe.” Zvakaonekwa zvaityisa zvokuti Mosesi akazoti, “Ndinodedera nokutya.” Asi imi makaswedera kugomo reZioni nokuguta raMwari mupenyu, kuJerusaremu rokudenga, nokuvatumwa vasingaverengeki vari pagungano rokufara uye kuungano yamatangwe akanyorwa kudenga nokumutongi ari Mwari wavose nokumweya yakanaka yakaruramiswa uye nokuna Jesu mukumbanidzi pachitendero chitsva nokuropa rakasaswa rinoreva zvinhu zviri nane kupinda raAbheri. Onai kuti musarambe kuteerera iye ari kutaura. Kana avo vakanyeverwa nomunhu wapasi pano vasina kupunyuka pavakaramba kuteerera iye aivayambira ko kutozoti isu tichapunyuka sei kana tikaramba kunyeverwa kunobva kudenga. Izwi rake rakazungunutsa pasi. Asi iye akatsidza kuti haachazozungunutsa zvake nyika chete asi nedengawo. Izwi iri rokuti, “Zvakare” raratidza kubviswa kwezvinozungunutswa kuti zvisingazungunutswi zvirambe zviripo. Saka ngatitendei kugamuchira kwatakaita umambo husingazunguniki. Nokudaro ngatipirei kuna Mwari kunamata kunogamuchirika kuno rukudzo nokutya nokuti Mwari wedu moto unoparadza.
Verenga chikamu VaHebheru 12
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: VaHebheru 12:18-29
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo