Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaHebheru 12:18-29

VaHebheru 12:18-29 SNA2002

Nokuti hamuna kuswedera kugomo ringabatwa namaoko, rinopfuta, uye kurima, nokusviba, nokudutu guru, nokukurira kwehwamanda, nokuzwi ramashoko; ivo vakarinzwa vakakumbira kuti shoko rimwe rirege kuzovataurirwa; nokuti vakakoniwa kutevera chakanga charayirwa, chokuti, “Kunyange nemhuka kana ikabata gomo, ichatakwa namabwe;” icho chakaonekwa chatyisa kudai, kuti naMosesi akati, “Ndinotya kwazvo, ndinodedera;” asi imi makaswedera kugomo reZioni, nokuguta raMwari mupenyu, Jerusaremu riri kudenga, nokumazana namazana avatumwa vasingaverengwi, nokuungano huru, nokukereke yamatangwe akanyorwa kudenga, nokuna Mwari, mutongi wavose, nokumweya yavakarurama vakakwaniswa, nokuna Jesu, Murevereri wesungano itsva, nokuropa rakasaswa, rinotaura zvakanaka kupfuura Abheri. Chenjerai kuti murege kuramba anotaura; nokuti kana avo vakamuramba nguva yaakavarayira panyika, vasina kupukunyuka, zvikuru isu kana tikafuratira iye wokudenga; izwi rake rakazunungusa nyika nenguva iyo; asi zvino akapikira, achiti, “Ndichabvundisazve kamwechete, isati iri nyika bedzi, asi nedengawo.” Zvino shoko iri rokuti, “Kamwechete,” rinoratidza kubviswa kwezvinozununguka, sezvinhu zvakaitwa, kuti izvo zvisingazununguki zvigare. Saka, zvatinopiwa ushe husingazununguki, ngative nokuvonga, kuti tishumire Mwari nako, tichimufadza nokukudza nokutya. Nokuti Mwari wedu moto unoparadza.