Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaHebheru 12:1-12

VaHebheru 12:1-12 SCLB

Naizvozvo zvatakakomberedzwa negore rezvapupu zvakawanda kudai, ngatichikandai pasi mitoro yose nezvitadzo zvinoramba zvakati nesu namata, timhanye nhangemutange yatakatarirwa takatarisa kuna Jesu muvambi akaita kuti chitendero chedu chive chakakwana. Iye, pamusana pemufaro waakanga anzi achawana, akatirira muchinjikwa achiona kunyadziswa sechinhu pasina, iye zvino agere kurudyi rwechigaro choumambo chaMwari. Fungai nezvake, iye akatirira ruvengo rwakadai rwaakaitirwa navatadzi kuti imi murege kuneta kana kurasa mwoyo. Mukurwisana kwenyu nechitadzo hamusati marwisa kusvika pakurasikirwa neropa. Ko munokanganwa here kukurudzirwa kuya; mukukurudzirwa mamunonzi vana? Mwanangu kana Mwari achikudzora rega kuzviona sechinhu chisina maturo kana kurasa mwoyo kana warangwa naye. Chikonzero chacho ndechokuti Tenzi anodzora uyo waanoda uye anoranga mwana wese waanotora somwana. Tirirai zvinokutambudzai nokuti kana muchirangwa, Mwari anenge achikubatai savana. Nokuti ndibaba vapi vasingarangi mwana wavo. Kana musingarangwi sokurangwa kunoitwa vamwe vose, muri voufambi hamusi vana chaivo. Chimwewo ndechokuti tina vanababa vapasi pano vaitiranga asi isu taingovaremekedza. Ko isu hatingatozviisa zvakatonyanya here pasi paBaba vezvemweya kuti tirarame. Nokuti vakatiranga kwechinguvana samaonero avo asi vanotiranga kuti tigoverane utsvene hwavo. Panguva iyoyo kurangwa kwose kunorwadza panze pokufadza asi pashure kunoberekera vadzidziswa nako muchero worugare wokururama. Naizvozvo chisimudzai maoko enyu akarengwendeka, mugwinyise mabvi enyu asina simba.