Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaHebheru 12:1-12

VaHebheru 12:1-12 SNA2002

Naizvozvo, nesuo, zvatakakomberedzwa negore rezvapupu rakakura rikadai, ngatibvisei zvose zvinoremedza, nezvivi zvinongotinamatira, ngatimhanye nokutsungirira nhangemutange yatakaisirwa, tichitarira kuna Jesu, muvambi nomukwanisi wokutenda kwedu, iye akatsunga pamuchinjikwa nokuda kwomufaro akaiswa pamberi pake, akashoora kunyadziswa kwawo, akandogara kurudyi rwechigaro choushe chaMwari. Nokuti cherekedzai uyo akatsunga pakukakavara kwakadai kwavatadzi, kuti imi murege kuneta nokupera simba mumweya yenyu. Muchigere kudzivirira kusvikira ropa richibuda pakurwa kwenyu nezvivi. Uye makakanganwa kwazvo kurayira kunotaura kwamuri sokuvanakomana, kuchiti, “Mwanakomana wangu, usazvidza kuranga kwaIshe, Usapera mwoyo kana uchirayirwa naye; Nokuti waanoda Ishe anomuranga, Anorova zvikuru mwanakomana mumwe nomumwe waanogamuchira.” Tsungai henyu mwoyo kuti murangwe; Mwari anobata imi savanakomana; nokuti ndoupi mwanakomana asingarangwi nababa? Asi kana musingarangwi, sezvinoitirwa vose, muri vana voupombwe, hamuzi vanakomana chaivo. Uyezve isu taiva namadzibaba edu enyama, vaitiranga, tikavakudza; ko hatingazviisi zvikuru pasi paBaba vemweya, kuti tirarame here? Nokuti ivo, zvirokwazvo, vakatiranga mazuva mashoma, sezvavaifunga, asi iye anotiranga kuti tibatsirwe, tigogoverwa utsvene hwake. Zvino kuranga kwose, kana kuchaitwa, kwakaita sokusingafadzi, kunochemedza; asi pashure kunoberekera ivo, vakadzidziswa nako, zvibereko zvorugare, ndizvo zvibereko zvokururama. Saka simbisaizve maoko akarembera pasi, namabvi anoshaiwa simba