Mavambo 6:1-8
Mavambo 6:1-8 SCLB
Vanhu pavakatanga kuwanda panyika, vakabereka vana vasikana. Vanakomana vaMwari vakaona kuti vasikana ivavo vakanga vakanaka, vakasarudza zvavo vakadzi vavakada, vakavaroora. Tenzi akati, “Handichabvumiri kuti mweya wangu uri mumunhu ugare maari nokusingaperi nokuti munhu ndowenyama, anofa. Saka haachagara panyika nguva inodarika zana ramakore rina makore makumi maviri.” Mazuva iwayo namazuva akatevera, panyika paiva nemazihofori chaiwo avanhu vakareba vakaberekwa navanakomana vaMwari pavakatorana navanasikana vavanhu. Vana vacho ndivo magamba aye makuru akarekare aiva nomukurumbira. Tenzi akaona kuti uipi hwevanhu hwakanga hwanyanya kuwanda panyika. Akaonawo kuti twavaiswerofunga zuva rose mumwoyo yavo, hwaiva huipi hwoga hwoga. Mwari akakungura kuti dai zvake asina kusika munhu pasi pano, zvikamushungurudza mumwoyo. Tenzi akati, “Ndichatsakatisa panyika vanhu vandakasika, ivo vanhu nemhuka nezvinokambaira nezvinozvova napasi, neshiri dzedenga. Ndino urombo kuti ndakasika vanhu.” Asi Tenzi akafadzwa zvake naNowa.

