Genesisi 6:1-8
Genesisi 6:1-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vanhu vakati vatanga kuwanda panyika uye vanasikana vakaberekwa kwavari, vanakomana vaMwari vakaona kuti vanasikana vavanhu vakanga vakanaka, uye vakazviwanira upi zvake wavakasarudza. Ipapo Jehovha akati, “Mweya wangu haungarambi uchigara mumunhu nokusingaperi, nokuti inyama; mazuva ake achava makore zana namakumi maviri.” VaNefirimu vakanga vari panyika mumazuva iwayo, uyewo mushure maizvozvo, vanakomana vaMwari vakapinda kuvasikana vavanhu vakaita vana navo. Vakanga vari mhare dzakare, vanhu vaiva nomukurumbira. Jehovha akaona kuti kuipa kwomunhu panyika kwakanga kuri kukuru sei, uye kuti ndangariro dzomwoyo wake dzakanga dzakaipa bedzi nguva dzose. Jehovha akazvidemba kuti akanga aita munhu panyika, uye mwoyo wake wakazara nokurwadziwa. Saka Jehovha akati, “Ndichabvisa vanhu pamusoro penyika ivo vanhu vandakaisa, vanhu nemhuka, nezvisikwa zvinokambaira pamusoro pevhu, neshiri dzedenga, nokuti ndinozvidemba kuti ndakazviita.” Asi Noa akawana nyasha pamberi paJehovha.
Genesisi 6:1-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vanhu vakati votanga kuwanda panyika, vachiberekerwa vanasikana, vanakomana vaMwari vakaona vakunda vavanhu kuti vakanaka, vakazvisarudzira pakati pavose vavakada kuva vakadzi vavo. Ipapo Jehovha akati, “Mweya wangu haungarambi uchigara mumunhu nokusingaperi, zvaari wenyamawo hake; naizvozvo mazuva ake achava makore ane zana namakumi maviri.” Panguva iyo kwakanga kuna vanhu varefu kwazvo panyika, napashurewo, kana vanakomana vaMwari vakapinda kuvanasikana vavanhu, ivo vakavaberekera vana. Ndivo vaiva vanhu vane simba vakare, vakanga vakakurumbira. Zvino Jehovha wakaona kuti kuipa kwavanhu kwakanga kuri kukuru panyika, nendangariro dzokufunga kwemwoyo yavo dzakanga dzakaipa bedzi nguva dzose. Jehovha akazvidemba pamusoro pokuita kwake vanhu panyika, akava neshungu pamwoyo pake. Jehovha akati, “Ndichaparadza vanhu vandakasika ndivabvise panyika vanhu, nemhuka, nezvinokambaira, neshiri dzedenga; nokuti ndinozvidemba kuti ndakazviita.” Asi Noa wakawana tsitsi pamberi paJehovha.
Genesisi 6:1-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vanhu pavakatanga kuwanda panyika, vakabereka vana vasikana. Vanakomana vaMwari vakaona kuti vasikana ivavo vakanga vakanaka, vakasarudza zvavo vakadzi vavakada, vakavaroora. Tenzi akati, “Handichabvumiri kuti mweya wangu uri mumunhu ugare maari nokusingaperi nokuti munhu ndowenyama, anofa. Saka haachagara panyika nguva inodarika zana ramakore rina makore makumi maviri.” Mazuva iwayo namazuva akatevera, panyika paiva nemazihofori chaiwo avanhu vakareba vakaberekwa navanakomana vaMwari pavakatorana navanasikana vavanhu. Vana vacho ndivo magamba aye makuru akarekare aiva nomukurumbira. Tenzi akaona kuti uipi hwevanhu hwakanga hwanyanya kuwanda panyika. Akaonawo kuti twavaiswerofunga zuva rose mumwoyo yavo, hwaiva huipi hwoga hwoga. Mwari akakungura kuti dai zvake asina kusika munhu pasi pano, zvikamushungurudza mumwoyo. Tenzi akati, “Ndichatsakatisa panyika vanhu vandakasika, ivo vanhu nemhuka nezvinokambaira nezvinozvova napasi, neshiri dzedenga. Ndino urombo kuti ndakasika vanhu.” Asi Tenzi akafadzwa zvake naNowa.
Genesisi 6:1-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋanhu ʋakati ʋotaŋga kuwanda panyika, ʋaciɓerekerwa ʋanasikana, ʋanakomana ʋaMŋari ʋakaʋona ʋakunda ʋaʋanhu kuti ʋakanaka, ʋakaɀitsaurira pakati paʋose ʋaʋakaɗa kuʋa ʋakadzi ʋaʋo. Ipapo Jehova akati: Mŋeya waŋgu hauŋgarambi ucigara mumunhu nokusiŋgaperi, ɀaari wenyama ʋo hake; naiɀoɀo mazuʋa ake acaʋa makore anezana namakumi maʋiri. Paŋguʋa iyo kwakaŋga kunaʋanhu ʋarefu kwaɀo panyika, napashure ʋo, kana ʋanakomana ʋaMŋari ʋakapinda kuʋanasikana ʋaʋanhu, iʋo ʋakaʋaɓerekera ʋana. Ndiʋo ʋaiʋa ʋanhu ʋanesimba ʋakare, ʋakaŋga ʋakakurumbira. Ɀino Jehova wakaʋona kuti kuipa kwaʋanhu kwakaŋga kuri kukuru panyika, nendaŋgariro dzokufuŋga kwemŋoyo yaʋo dzakaŋga dzakaipa ɓedzi ŋguʋa dzose. Jehova akaɀidemba pamsoro pokuita kwake ʋanhu panyika, akaʋa neshuŋgu pamŋoyo pake. Jehova akati: Ndicaparadza ʋanhu ʋandakasika ndiʋabvise panyika — ʋanhu, nemhuka, neɀinokambaira, neshiri dzeɗeŋga; nokuti ndinoɀiɗemba kuti ndakaɀiita. Asi Noa wakawana tsitsi pamberi paJehova.
Genesisi 6:1-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)