Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mavambo 41:17-57

Mavambo 41:17-57 SCLB

Farao ndokuti, “Ndakarota ndimire pamahombekombe aNairi, ndikaona murwizi muchibuda mhou nomwe dzakanaka, dzakakora dzichifura zvadzo mutsanga. Kwakazobudazve dzimwe mhou nomwe, dzakaondoroka, zvokusara dzava marangwanda chaiwo zvandisati ndamboona munyika yeIjipiti yose. Mhou dzakaondoroka dziye dzakadya mhou dzakakora dziya. Asi dzakasara dziya padzakadzidya hakuna aigona kuzviona kuti dzadya dzimwe nokuti dzakaramba dzakangoondoroka sapakutanga paya. Pakarepo ndakapepuka. Ndakarotazve ndichiona hura nomwe dzembesanwa dzaiva padzinde rimwechete dzine hura dzakasvika. Pakazobudawo dzimwe hura nomwe nhete dzisina kusvika dzakanga dzakaomeswa nemhepo yokumabvazuva. Hura nhete dzakamedza hura nomwe dziya dzakanga dzakasvika. Ndakarondedzera kun'anga hope dzangu, asi hakuna kana imwechete yadzo yakagona kudzidudzira.” Ipapo Josefi akati kuna Farao, “Changamire, hope dzenyu dziri mbiri dziri kunanga chinhu chimwechete. Mwari akuratidzai imi Farao zvaava kuda kuita. Mhou nomwe dzakakora zvinoreva makore manomwe. Hura nomwe dzakasvika zvinorevawo makore manomwe. Hope dzacho dzinongova dzimwechetedzo. Mhou nomwe dziye dzakaondoroka dzakazogumisira kubuda nehura nomwe dzembesanwa dzakanga dzisina kusvika dziya, dzakanga dzakaomeswa nemhepo yokumabvazuva, achava makore manomwe emvemve yenzara huru. Ndizvo zvandambotaura wani kwamuri Farao, kuti Mwari akuratidzai zvaava kuda kuita. Kuri kuuya makore manomwe emaguta chaiwoiwo munyika yose yeIjipiti. Asi kuchazouyawo makore manomwe enzara huru zvokuti vanhu vachakanganwa makore ose emaguta nokuti nyika yose yeIjipiti ichaparara nenzara. Makore emaguta achakanganikwa nokuti nzara yacho ichanyanyisa kuipa. Chiroto chenyu chapamhidzwa ruviri nokuti Mwari ndizvo zvaatoronga. Iye Mwari achakurumidza kuzviita. Zvino imi dai mukasarudza munhu akangwara anoziva kunyatsoronga zvingaitwe, mumuite mukuru mukuru anotarisa zvomunyika yeIjipiti. Musarudzewo vamwe vatariri munyika ino. Pamasaga mashanu embesanwa, imi mambo mutore rechishanu mumakore manomwe emaguta. Ngavaunganidze zvokudya zvose zvamakore akanaka achauya, vazvitutire pamunenge mavarayira, vazvichengetere mumaguta mavanogara. Ndizvo zvichachengeterwa nyika ino kuitira makore manomwe enzara huru ichabaya nyika yeIjipiti, nyika irege kuparara nenzara.” Farao namakurukota ake ose vakafadzwa nezano raJosefi, vakaribvuma. Farao akataura namakurukota ake achiti, “Ndokupi kwatingawane munhu anokunda uyu Josefi ane mweya waMwari?” Farao akatiwo, kuna Josefi, “Mwari zvaadai kukuratidza izvozvo zvose, hapana munhu mumwe akangwara sewe angazive kunyatsoronga zvokuita. Ndiwe wava mutongi mukuru wezvapamuzinda wangu. Vanhu vangu vose vanosungirwa kuita sokutaura kwaunenge waita. Asi kana zvava zvoumambo ndipo poga pandiri mukuru kwauri.” Farao akataurirawo Josefi kuti, “Chionaka, ndakugadza kuti utonge nyika yose yeIjipiti.” Farao akabvisa mhete yake youmambo pamunwe wake akaipfekedza pamunwe waJosefi. Akamupfekedzawo hanzu dzerineni dzakanaka kwazvo nenyembe yecheni dzendarama muhuro make. Mambo akati Josefi akwire mungoro yechipiri youmambo. Mberi kwake kukagotungamidzwa vaidaidzira vachiti, “Gwadamai muchimuremekedza.” Ndiko kugadzwa kwakaitwa Josefi kuti atonge nyika yose yeIjipiti. Farao akatiwo kuna Josefi, “Ini ndini mambo munyika yose yeIjipiti. Hapana munhu achaita chinhu kunyange chipi zvacho asina kubvumirwa newe.” Farao akatumidza Josefi zita rokuti Zafenatipanea, akamupawo mukadzi ainzi Asinati, mwana waPotifera mupristi weguta reOni. Naizvozvo Josefi akabuda akafamba neIjipiti achiona. Josefi akanga ava namakore makumi matatu nguva yaakapiwa basa naFarao mambo weIjipiti. Ndopaakandeya nenyika yose yeIjipiti. Pamakore manomwe emaguta nyika yakabereka mbesa zhinji kwazvo. Josefi akaunganidza zvokudya zvose zvamakore manomwe amaguta munyika yeIjipiti achiunganidza zvokudya izvo. Muguta rimwe nerimwe aitutira mbesa dzaikohwiwa muminda yakapoteredza guta racho iroro. Saizvozvo Josefi akaunganidza mbesanwa zhinji kwazvo, dzakawanda sejecha regungwa kusvikira arega zvokuverenga mbesanwa dzacho nokuti dzakanga dzawandisa. Makore enzara asati asvika, Josefi akaita vana vakomana vaviri, vaakaberekerwa naAsenati mwana waPotifera mupristi wokuOni. Josefi akatumidza mwana wake wedangwe zita rokuti Manase achiti, “Mwari andibatsira kukanganwa nhamo dzangu nemhuri yababa vangu yose.” Josefi akatumidza mwana wake wechipiri zita rokuti Efuremu, akati, “Mwari andipa vana ndiri munyika yenhamo yangu mandiri.” Makore manomwe emaguta muIjipiti akazopera. Makore manomwe enzara ndokubva atanga sezvakanga zvarehwa naJosefi. Panyika pose pakava nenzara asi muIjipiti yose maiva nezvokudya. Kuzoti nyika yose yeIjipiti yarumwawo nenzara vanhu vakachema kuna Farao vachichemera chokudya. Farao akataurira vaIjipiti vose achiti, “Endai kuna Josefi, muite zvaanokuudzai.” Pakanga zvino nzara yaruma panyika pose, Josefi akazozarura matura embesanwa akavamba kutengesera vaIjipiti vose zvokudya nokuti Ijipiti yakanga yaparara nenzara. Vanhu vedzimwe nyika dzose vakauya kuIjipiti kwaiva naJosefi kuzotenga zvokudya nokuti nzara yakanga yabaya pasi pose.

Verenga chikamu Mavambo 41