Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mavambo 4:17-26

Mavambo 4:17-26 SCLB

Kaini akasangana nomudzimai wake. Mudzimai wake akabva ava napamuviri ndokubereka Enoki. Akavaka guta akaritumidza zita romwana wake rokuti Enoki. Enoki akabereka Iradhi, Iradhi akabereka Mehuyaeri. Mehuyaeri akabereka Metushaeri. Metushaeri akabereka Rameki. Rameki aiva navakadzi vaviri, mumwe ainzi Adha mumwe achinzi Zira. Adha akabereka Jabhari, ndiye aiva baba vavanhu vanogara mumatendhe vanochengeta zvipfuwo. Munun'una wake ainzi Jubhari, ndiye akatanga kuridza madimbwa nenyere. Zira akabereka Tubharikaini, mupfuri wesimbi dzendarira noutare. Hanzvadzi yaTubharikaini yainzi Naama. Rameki akati kumadzimai ake: “Adha naZira, ndinzwei. Imi vakadzi vaRameki teererai zvandava kureva. Ini pachangu ndakauraya murume akandikuvadza, kunyange iye akandidenha aiva chigwindiri chaicho. Kana kuuraya Kaini kuchitsiviwa kakapetwa kanomwe, kuuraya ini kunotsiviwa makumi manomwe akapetwa kanomwe.” Adhamu nomudzimai wake vakaberekazve mumwe mwana mukomana. Evha akamutumidza zita rokuti Seti achiti, “Mwari andipa zvakare mumwe mwana panzvimbo yaAbhero uya akaurayiwa naKaini.” Seti akabereka mwana mukomana akamutumidza zita rokuti Enoshi. Panguva iyoyo vanhu vakatanga kunamata Tenzi.

Verenga chikamu Mavambo 4