Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesi 4:17-26

Genesi 4:17-26 SNA2002

Kaini akaziva mukadzi wake, akatora mimba, akapona Enoki; akavaka guta, akatumidza guta zita romwanakomana wake Enoki. Enoki akaberekerwa Iradhi; Iradhi akabereka Mehujaeri; Mehujaeri akabereka Metushaeri; Metushaeri akabereka Rameki; Rameki akawana vakadzi vaviri, zita romumwe rainzi Adha, zita romumwe rainzi Zira. Adha akapona Jabhari; iye waiva baba vavanhu vanogara mumatende vane zvipfuwo. Zita romun'una wake raiva Jubhari; iye waiva baba vavose vanoridza mbira nenyere. Zira wakapona Tubharikaini, mupfuri wenhumbi dzose dzendarira nedare; hanzvadzi yaTubharikaini waiva Naama. Rameki akati kuvakadzi vake; “Adha naZira, inzwai izwi rangu, Imi vakadzi vaRameki, teererai zvandinotaura; Nokuti ndinouraya munhu unondikuvadza, Nejaya rinondipwanya; Kana Kaini achitsiviwa kanomwe; Zvirokwazvo Rameki kana makumi manomwe nenomwe.” Adhamu akazivazve mukadzi wake, akabereka mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Seti; nokuti wakati, “Mwari wandipa mumwe mwana pachigaro chaAbhero, zvaakaurawa naKaini.” NaSeti wakaberekerwa mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Enoshi. Nenguva iyo vanhu vakatanga kudana zita raJehovha.

Verenga chikamu Genesi 4