Genesisi 4:17-26
Genesisi 4:17-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kaini akarara nomukadzi wake, akava nemimba akamuberekera Enoki. Ipapo Kaini akanga achivaka guta, uye akaritumidza zita romwanakomana wake Enoki. Enoki akaberekerwa Iradhi, uye Iradhi akanga ari baba vaMehujaeri, uye Mehujaeri akanga ari baba vaMetushaeri, uye Metushaeri akanga ari baba vaRameki. Rameki akawana vakadzi vaviri, mumwe ainzi Adha uye mumwe ainzi Zira. Adha akabereka Jabhari, ndiye akanga ari baba vavaya vanogara mumatende vaichengeta zvipfuwo. Zita romununʼuna wake rainzi Jubhari; akanga ari baba wavose vanoridza rudimbwa nenyere. Zira akanga ane mwanakomana, Tubhari-Kaini, aigadzira nhumbi dzemhando dzose dzendarira nedzesimbi. Hanzvadzi yaTubhari-Kaini yainzi Naama. Rameki akati kuvakadzi vake, “Adha naZira, nditeererei; imi vakadzi vaRameki, inzwai mashoko angu. Ndauraya munhu nokuti andikuvadza, nejaya nokuti randipwanya. Kana Kaini achitsiviwa kanomwe, naizvozvo Rameki kana makumi manomwe namanomwe.” Adhamu akararazve nomukadzi wake, akabereka mwanakomana akamutumidza zita rokuti Seti, achiti, “Mwari andipa mumwe mwana panzvimbo yaAbheri, sezvo Kaini akamuuraya.” Setiwo akava nomwanakomana, akamutumidza zita rokuti Enoshi. Panguva iyo vanhu vakatanga kudana kuzita raJehovha.
Genesisi 4:17-26 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Kaini akaziva mukadzi wake, akatora mimba, akapona Enoki; akavaka guta, akatumidza guta zita romwanakomana wake Enoki. Enoki akaberekerwa Iradhi; Iradhi akabereka Mehujaeri; Mehujaeri akabereka Metushaeri; Metushaeri akabereka Rameki; Rameki akawana vakadzi vaviri, zita romumwe rainzi Adha, zita romumwe rainzi Zira. Adha akapona Jabhari; iye waiva baba vavanhu vanogara mumatende vane zvipfuwo. Zita romun'una wake raiva Jubhari; iye waiva baba vavose vanoridza mbira nenyere. Zira wakapona Tubharikaini, mupfuri wenhumbi dzose dzendarira nedare; hanzvadzi yaTubharikaini waiva Naama. Rameki akati kuvakadzi vake; “Adha naZira, inzwai izwi rangu, Imi vakadzi vaRameki, teererai zvandinotaura; Nokuti ndinouraya munhu unondikuvadza, Nejaya rinondipwanya; Kana Kaini achitsiviwa kanomwe; Zvirokwazvo Rameki kana makumi manomwe nenomwe.” Adhamu akazivazve mukadzi wake, akabereka mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Seti; nokuti wakati, “Mwari wandipa mumwe mwana pachigaro chaAbhero, zvaakaurawa naKaini.” NaSeti wakaberekerwa mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Enoshi. Nenguva iyo vanhu vakatanga kudana zita raJehovha.
Genesisi 4:17-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kaini akasangana nomudzimai wake. Mudzimai wake akabva ava napamuviri ndokubereka Enoki. Akavaka guta akaritumidza zita romwana wake rokuti Enoki. Enoki akabereka Iradhi, Iradhi akabereka Mehuyaeri. Mehuyaeri akabereka Metushaeri. Metushaeri akabereka Rameki. Rameki aiva navakadzi vaviri, mumwe ainzi Adha mumwe achinzi Zira. Adha akabereka Jabhari, ndiye aiva baba vavanhu vanogara mumatendhe vanochengeta zvipfuwo. Munun'una wake ainzi Jubhari, ndiye akatanga kuridza madimbwa nenyere. Zira akabereka Tubharikaini, mupfuri wesimbi dzendarira noutare. Hanzvadzi yaTubharikaini yainzi Naama. Rameki akati kumadzimai ake: “Adha naZira, ndinzwei. Imi vakadzi vaRameki teererai zvandava kureva. Ini pachangu ndakauraya murume akandikuvadza, kunyange iye akandidenha aiva chigwindiri chaicho. Kana kuuraya Kaini kuchitsiviwa kakapetwa kanomwe, kuuraya ini kunotsiviwa makumi manomwe akapetwa kanomwe.” Adhamu nomudzimai wake vakaberekazve mumwe mwana mukomana. Evha akamutumidza zita rokuti Seti achiti, “Mwari andipa zvakare mumwe mwana panzvimbo yaAbhero uya akaurayiwa naKaini.” Seti akabereka mwana mukomana akamutumidza zita rokuti Enoshi. Panguva iyoyo vanhu vakatanga kunamata Tenzi.
Genesisi 4:17-26 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kaini akaziʋa mukadzi wake, akatora mimba, akapona Enoki; akaʋaka guta, akatumidza guta zita romŋanakomana wake Enoki. Enoki akaɓerekerwa Iradi; Iradi akaɓereka Mehujaeri; Mehujaeri akaɓereka Metushaeri; Metushaeri akaɓereka Rameki; Rameki akawana ʋakadzi ʋaʋiri, zita romumŋe rainzi Ada, zita romumŋe rainzi Zira. Ada akapona Jabari; iye waiʋa ɓaɓa ʋaʋanhu ʋanogara mumatente ʋaneɀipfuwo. Zita romunuŋuna wake raiʋa Jubari; iye waiʋa ɓaɓa ʋaʋose ʋanoridza mbira nenyere. Zira wakapona Tubarikaini, mupfuri wenhumbi dzose dzendarira neɗare; hanɀadzi yaTubarikaini waiʋa Naama. Rameki akati kuʋakadzi ʋake: Ada naZira, inzwai inzwi raŋgu; Imi ʋakadzi ʋaRameki, tererai ɀandinotaura; Nokuti ndinoʋuraya munhu unondikuʋadza, Nejaya rinondipxanya; Kana Kaini acatsibga kanomŋe, Ɀirokwaɀo Rameki kanamakumi manomŋe nenomŋe. Adama akaziʋa ɀe mukadzi wake; akaɓereka mŋanakomana, akamutumidza zita rinonzi Seti; nokuti wakati, Mŋari wandipa mumŋe mŋana pacigaro caAberi, ɀaakaʋurawa naKaini. NaSeti wakaɓerekerwa mŋanakomana, akamutumidza zita rinonzi Enoshi. Neŋguʋa iyo ʋanhu ʋakataŋga kuɗana zita raJehova.
Genesisi 4:17-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)