Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mavambo 37:18-28

Mavambo 37:18-28 SCLB

Zvino vakoma vake vakamuona achiri kure, asati asvika pedyo navo, vakarangana kuti vamuuraye. Vakataurirana vachiti, “Heyo shasha iye yokurota yauya. Ngatimuurayei, timukande mune rimwe gomba, tozoti akadyiwa nechikara, tigoona kuti kurota kwake kwacho kuchasvikepi.” Rubheni paakazvinzwa, akanunura Josefi mumaoko avo achiti, “Ngatiregei kumuuraya.” Rubheni akatizve, “Ngatiregei kudeura ropa. Mukandei zvenyu mugomba iri riri pano murenje muno asi musawane chamunoita kwaari.” Akareva izvozvo achida kununura Josefi mumaoko avo kuti azomudzosera kuna baba vake. Kuzoti Josefi asvika kuvakoma vake, vakamukatanura hanzu yake aya yaakanga akapfeka, yakanga yakareba, yemaoko marefu. Vakamubata vakamukanda mugomba risina mvura. Vakagara pasi vava kudya zvavo, ndokubva vaona dungwerungwe revaIshimaeri vaibva kuGiriadhi vachienda kuIjipiti. Vakanga vaine ngamera dzavo dzakanga dzakatakura zvokuzora zvinonhuhwira zvinoti, gamu neBharimu tunonhuhwirira. Zvino Judha akati, kuvakoma navanun'una vake, “Kuuraya munun'una wedu, tichizoramba mhosva yacho kunobatsireiko? Uyai timutengese kuvaIshimaeri tirege kumukuvadza nokuti munun'una wedu chaiye, tiri veropa rimwechete.” Vakoma navanunun'una vake vakabva vamuteerera. Kuzoti vashambadzi vorudzi rwevaMidhiani ava vasvikapo, vakoma vake vakakweva Josefi vachimuburitsa mugomba umu, vakabva vamutengesa kuvaIshimaeri ndokupiwa mari yesirivha makumi maviri, vaIshimaeri ava ndokuenda naye kuIjipiti.

Verenga chikamu Mavambo 37