Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesi 37:18-28

Genesi 37:18-28 SNA2002

Ivo vakamuona achiri kure; zvino asati asvika kwavari, vakarangana kuti vamuuraye. Vakataurirana, vachiti, “Hoyo muroti uya wauya. Uyai zvino timuuraye, timukandire mune rimwe ramakomba aya, tigoti, ‘Wadyiwa nechikara;’ tigoona kuti kurota kwake kuchazoitwa seiko.” Rubheni akazvinzwa, akamurwira mumaoko avo, akati, “Ngatirege kumuuraya.” Rubheni akati kwavari, “Musadurura ropa; mukandirei mugomba iri riri musango, asi regai kutambanudza maoko enyu kwaari;” kuti amurwire pamaoko avo, agomudzosera kuna baba vake. Zvino Josefa akati asvika kuvakoma vake, vakabvisira Josefa nguo yake, nguo iya yakanga yakareba ina maoko, yaakanga akafuka; vakamutora, vakamukandira mugomba; gomba rakanga risina chinhu, makanga musina mvura. Vakagara pasi, vakadya zvokudya; zvino vakasimudza meso avo, vakatarira, vakaona boka ravaIshimaeri vachifamba, vachibva Gireadhi, makamera avo akatakura zvinhu zvinonhuwira, nebarisami, nemura, vachindozviisa Ijipiti. Zvino Judha akati kuvana vababa vake, “Tingawaneiko kana tikauraya mun'una wedu tichivanza ropa rake? Uyai timutengese kuvaIshimaeri; maoko edu arege kuva kwaari; nokuti mun'una wedu, nyama imwe nesu.” Vana vababa vake vakamuteerera. Zvino vatengesi vavaMidhiani vakapfuurapo, vakakwidza Josefa vachimubudisa mugomba, vakatengesa Josefa kuvaIshimaeri namashekeri ana makumi maviri; ivo vakaisa Josefa Ijipiti.

Verenga chikamu Genesi 37