Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mavambo 37:1-11

Mavambo 37:1-11 SCLB

Jakobho aigara munyika yeKanani maimbogara baba vake achiti apa garei tamei apa garei. Heinoi nhoroondo yemhuri yaJakobho. Josefi paakanga ava jaya rine makore gumi namanomwe aienda navakoma vake kundofudza zvipfuwo. Vakoma vake ava vaiva vana vaBhiriha naZiripa vakadzi vababa vake. Josefi aigarovachera kuna Isiraeri baba vake. Isiraeri aida Josefi chaizvo kupfuura vamwe vana vake vose nokuti akazoberekwa ivo vakwegura. Akasonera Josefi hanzu yakanga yakareba, yemaoko marefu. Vakoma vake vakazviona kuti baba vavo vaimuda kupfuura vamwe vose, vakamuvenga vakatadzawo kunyatsotauriranawo naye zvakanaka. Rimwe zuva Josefi akarota hope dzake. Paakadziudza vakoma vake, vakabva vatonyanya kumuvenga. Akati, “Donzwai hope dzangu dzandarota. Tanga tichisunga zvisote zvekoroni mumunda, wanei chisote changu chakanyatsoti twi-i kumira. Zvisote zvenyu zvakomberedza changu zvikabva zvazochikotamira.” Vakoma vake vakati, kwaari “Heya! Saka unofunga kuti uchava ishe wedu ugotitonga tose nhai!” Vakanyanya kumuvengera zviroto zvake nezvaaitaura. Akazorota zvakare dzimwe hope, ndokuudza vakoma vake achiti, “Ndarotazve dzimwe hope. Ndaona zuva nomwedzi nenyenyedzi gumi neimwe zvichindikotamira.” Asi paakaudza baba vake navakoma vake izvozvo, baba vake vakamutsiura vachiti, “Ko iwe dzako ihopei dzaunongoti ndarota ndarota? Heya unoreva kuti ini namai vako navakoma vako, chaizvoizvo tichazogwadamira iwe nhai?” Vakoma vake ndokubva vava kumuitira shanje, asi baba vake vakazvipfundira mumwoyo mavo.

Verenga chikamu Mavambo 37