Zvino Jakobho akagara munyika youtorwa hwababa vake, munyika yeKenani. Marudzi aJakobho ndiwo: Josefa akanga ana makore ane gumi namanomwe, akafudza makwai pamwechete navakoma vake; akanga achiri mukomana pamwechete navanakomana vaBhiriha, navanakomana vaZiripa, vakadzi vababa vake; Josefa akasivaudzira kuna baba vavo. Zvino Isiraeri akanga achida Josefa kupfuura vana vake vose, nokuti akanga ari mwanakomana woutana hwake; akamuitira nguo yakanga yakareba ina maoko. Vakoma vake vakaona kuti baba vavo vanomuda kupfuura vakoma vake vose; vakamuvenga, vakasagona kutaura naye nomufaro. Zvino Josefa akarota hope, akaudza vakoma vake, ipapo vakanyanya kumuvenga. Akati kwavari, “Inzwaiwo hope dzangu dzandarota. Tarirai, takanga tichisunga zvisote mumunda, onei chisote changu chikasimuka, chikaramba chimire; ndikaona zvisote zvenyu zvichikomba changu, zvikakotama pamberi pechisote changu.” Vakoma vake vakati kwaari, “Ko iwe uchabata ushe pamusoro pedu kani? Ko iwe uchava nesimba pamusoro pedu kani?” Vakanyanya kumuvenga nokuda kwokurota kwake nokwamashoko ake. Akapamha kurotazve, akaudza vakoma vake, akati, “Tarirai, ndarotazve dzimwe hope; ndakaona zuva, nomwedzi, nenyeredzi dzine gumi neimwe, dzichikotamira pamberi pangu.” Akaudza baba vake navakoma vake izvozvo; baba vake vakamutuka, vakati kwaari, “Kurota kwako uku kwawarota kurota kunyi? Ini namai vako navakoma vako tichauya tikakotama pasi pamberi pako kani?” Vakoma vake vakamugodora; asi baba vake vakachengeta shoko iro.
Verenga chikamu Genesi 37
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Genesi 37:1-11
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo