Zvino munyika imomo makaita nzara isati iri nzara iya yakamboitika pamazuva aAbhurahamu. Isaki akaenda kuGerari, kuna Abhimereki mambo wavaFirisitia. Tenzi akazviratidza kwaari akati, “Usadzike kuIjipiti, asi gara munyika yandichakuudza. Chimbogara zvako munyika ino. Ini ndichava newe. Ndichakukomborera. Ndichakupa nyika idzi dzose iwe navana vako. Ndichaita zviya zvandakapika kuna Abhurahamu, baba vako. Ndichaita kuti vana vako vawande senyenyedzi dzedenga. Ndichavapa nyika idzi dzose. Vana vako vachawanisawo ndudzi dzose dzavanhu vapasi pano makomborero, nokuti Abhurahamu aiteerera zvandaireva, aiita zvose zvandaimutemera kuita achitevedza zvirongwa zvangu, achichengetawo mirao yangu nokuteerera mitemo yangu.” Saizvozvo Isaki akagara kuGerari. Vanhu venyika iyoyo vakamubvunza nezvomukadzi wake, iye akati, “Ihanzvadzi yangu.” Izvozvo aitya kutaura kuti mudzimai wangu achiti zvimwe vanhu venyika ino vangandiuraye pamusana paRibheka nokuti akanga aine chimiro chakanaka kwazvo. Kuzoti Isaki agarapo nguva ndefu, Abhimereki mambo wavaFirisitia akatarisa napahwindo akaona Isaki achibata-bata Ribheka mudzimai wake. Ipapo Abhimereki akadaidza Isaki akati, “Ko zvaari mukadzi wako wani! Wakagotaurirei kuti, ‘Ihanzvadzi yangu.’ ” Isaki ndokuti, “Ndaiti zvimwe ndingaurayiwe pamusana pake.” Abhimereki akati, “Zvino, ndochii ichochi chawakatiitira ipapa? Mumwe munhu aigona kunge akatadza nomudzimai wako iwe wotiparisa mhosva.” Naizvozvo Abhimereki akayambira vanhu vake vose achiti, “Kuwana ane chakaipa chaanoita kune murume uyu, kana mudzimai wake anofanira kuurayiwa.” Isaki akarima mbesa munyika iyoyo, gore iroro akakohwa mbesa dzakawanda kwazvo, Tenzi akamukomborera akava mupfumi. Akaramba achibudirira kudzamara ava noupfumi hwakawanda. Akanga ano upfumi hwemombe nezvimwe zvipfuwo navaranda vazhinji zvokuti vaFirisitia vakamuitira shanje. VaFirisitia vakafushira vakazadza namavhu matsime ose akanga acherwa navaranda vababa wavo Abhurahamu, akacherwa Abhurahamu achiri mupenyu. Abhimereki akataurira Isaki kuti, “Chibvai zvenyu medu muno nokuti mava nesimba kupinda isu.”
Verenga chikamu Mavambo 26
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mavambo 26:1-16
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo