Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesisi 26:1-16

Genesisi 26:1-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Zvino munyika makanga mune nzara, isati iri nzara iya yakatanga kuvapo panguva yaAbhurahama, uye Isaka akaenda kuna Abhimereki mambo wavaFiristia muGerari. Jehovha akazviratidza kuna Isaka akati, “Usaburuka kuIjipiti; gara munyika yandinokuudza kuti ugare. Gara hako munyika ino kwechinguva, uye ndichava newe uye ndichakuropafadza. Nokuti kwauri nokuzvizvarwa zvako ndichapa nyika iyi yose uye ndichasimbisa mhiko yandakapika kuna baba vako Abhurahama. Ndichaita kuti zvizvarwa zvako zviwande senyeredzi dzokudenga uye ndichavapa nyika dzose idzi, uye kubudikidza navana vako ndudzi dzose dzapanyika dzicharopafadzwa, nokuti Abhurahama akanditeerera uye akachengeta zvaidikanwa neni, nemitemo yangu, zvirevo zvangu uye nemirayiro yangu.” Saka Isaka akagara muGerari. Vanhu venyika iyo pavakamubvunza pamusoro pomukadzi wake, akati, “Ihanzvadzi yangu,” nokuti akanga achitya kuti, “Mukadzi wangu.” Akafunga mumwoyo make achiti, “Vanhu vomunyika muno vangandiuraye nokuda kwaRabheka, nokuti akanaka kwazvo.” Isaka akati agara ikoko kwenguva refu, Abhimereki mambo wavaFiristia akatarira pasi napawindo akaona Isaka achitamba nomukadzi wake Rabheka. Saka Abhimereki akadana Isaka akati, “Mukadzi wako chaiye uyu! Seiko wakati, ‘Ihanzvadzi yangu’?” Isaka akapindura akati, “Nokuti ndakafunga kuti ndingafa nokuda kwake.” Ipapo Abhimereki akati, “Chiiko ichi chawakaita kwatiri? Mumwe wavarume aigona kunge akavata nomukadzi wako, uye ungadai wakazouyisa mhosva pamusoro pedu.” Saka Abhimereki akarayira vanhu vake vose achiti, “Ani naani anobata murume uyu kana mukadzi wake achaurayiwa zvirokwazvo.” Isaka akadyara zviyo munyika uye mugore racho iroro akakohwa zvakapetwa kazana, nokuti Jehovha akamuropafadza. Murume uyu akava mupfumi, uye pfuma yake yakaramba ichiwanda kusvikira apfuma kwazvo. Akanga ana makwai mazhinji nemombe dzakawanda navaranda vakawanda zvokuti vaFiristia vakamuitira godo. Saka matsime ose akanga acherwa navaranda vababa vake panguva yababa vake Abhurahama, vaFiristia vakaadzivira, vachiazadza nevhu. Ipapo Abhimereki akati kuna Isaka, “Ibva uende kure nesu; wanyanya kuva nesimba zvokutipfuura.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Genesisi 26

Genesisi 26:1-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino nzara yakanga iripo panyika; isati iri nzara yakanga iripo pamazuva aAbhurahamu. Isaka akenda Gerari kuna Abhimereki, mambo wavaFirisitia. Jehovha akazviratidzazve kwaari akati, “Usaburukira Ijipiti, gara munyika yandakakuudza; gara hako munyika ino uri mutorwa; ini ndichava newe, ndichakuropafadza; nokuti ndichakupa iwe, navana vako, nyika idzi dzose; ndichasimbisa mhiko yandakapikira Abhurahamu, baba vako; ndichawanza vana vako senyeredzi dzedenga; ndudzi dzose dzenyika dzicharopafadzwa muvana vako; nokuti Abhurahamu wakateerera izwi rangu, akachengeta zvandakamuraira, nemirairo yangu, nemitemo yangu, nemirau yangu.” Isaka akagara Gerari; vanhu venyika iyoyo vakamubvunza pamusoro pomukadzi wake, akati, “Ihanzvadzi yangu;” nokuti wakanga achitya kuti, mukadzi wangu, achiti, “Zvimwe vanhu venyika ino vangandiuraya nokuda kwaRabheka;” nokuti akanga akanaka kumeso. Zvino wakati avapo nguva refu, Abhimereki, mambo wavaFirisitia, wakatarira napawindo, akaona Isaka achitamba naRabheka, mukadzi wake. Ipapo Abhimereki akadana Isaka akati, “Tarira, zvirokwazvo mukadzi wako; wakataura seiko uchiti, ‘Ihanzvadzi yangu?’ ” Isaka akati kwaari, “Nokuti ndakati, ‘Zvimwe ndingafa nokuda kwake.’ ” Abhimereki akati kwaari, “Ndokudiniko kuti watiitira chinhu ichi? Dai mumwe wavanhu aivata nomukadzi wako, ungadai watiisa pamhosva.” Abhimereki akaraira vanhu vose, akati, “Anobata munhu uyu kana mukadzi wake, achauraiwa zvirokwazvo.” Zvino Isaka akadyara zviyo munyika iyoyo, akawana gore iro rune zana; Jehovha akamuropafadza. Munhu uyu akava mukuru, akaramba achiwedzerwa, kusvikira ava mukuru kwazvo; akanga aine pfuma yamakwai, neyemombe, nemhuri huru; vaFirisitia vakamugodora. VaFirisitia vakadzivira matsime ose akanga acherwa navaranda vababa vake pamazuva ababa vake Abhurahamu, vakaafutsira nevhu. Abhimereki akati kuna Isaka, “Ibva hako kwatiri, nokuti watipfuura kwazvo nesimba.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Genesisi 26

Genesisi 26:1-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Zvino munyika imomo makaita nzara isati iri nzara iya yakamboitika pamazuva aAbhurahamu. Isaki akaenda kuGerari, kuna Abhimereki mambo wavaFirisitia. Tenzi akazviratidza kwaari akati, “Usadzike kuIjipiti, asi gara munyika yandichakuudza. Chimbogara zvako munyika ino. Ini ndichava newe. Ndichakukomborera. Ndichakupa nyika idzi dzose iwe navana vako. Ndichaita zviya zvandakapika kuna Abhurahamu, baba vako. Ndichaita kuti vana vako vawande senyenyedzi dzedenga. Ndichavapa nyika idzi dzose. Vana vako vachawanisawo ndudzi dzose dzavanhu vapasi pano makomborero, nokuti Abhurahamu aiteerera zvandaireva, aiita zvose zvandaimutemera kuita achitevedza zvirongwa zvangu, achichengetawo mirao yangu nokuteerera mitemo yangu.” Saizvozvo Isaki akagara kuGerari. Vanhu venyika iyoyo vakamubvunza nezvomukadzi wake, iye akati, “Ihanzvadzi yangu.” Izvozvo aitya kutaura kuti mudzimai wangu achiti zvimwe vanhu venyika ino vangandiuraye pamusana paRibheka nokuti akanga aine chimiro chakanaka kwazvo. Kuzoti Isaki agarapo nguva ndefu, Abhimereki mambo wavaFirisitia akatarisa napahwindo akaona Isaki achibata-bata Ribheka mudzimai wake. Ipapo Abhimereki akadaidza Isaki akati, “Ko zvaari mukadzi wako wani! Wakagotaurirei kuti, ‘Ihanzvadzi yangu.’ ” Isaki ndokuti, “Ndaiti zvimwe ndingaurayiwe pamusana pake.” Abhimereki akati, “Zvino, ndochii ichochi chawakatiitira ipapa? Mumwe munhu aigona kunge akatadza nomudzimai wako iwe wotiparisa mhosva.” Naizvozvo Abhimereki akayambira vanhu vake vose achiti, “Kuwana ane chakaipa chaanoita kune murume uyu, kana mudzimai wake anofanira kuurayiwa.” Isaki akarima mbesa munyika iyoyo, gore iroro akakohwa mbesa dzakawanda kwazvo, Tenzi akamukomborera akava mupfumi. Akaramba achibudirira kudzamara ava noupfumi hwakawanda. Akanga ano upfumi hwemombe nezvimwe zvipfuwo navaranda vazhinji zvokuti vaFirisitia vakamuitira shanje. VaFirisitia vakafushira vakazadza namavhu matsime ose akanga acherwa navaranda vababa wavo Abhurahamu, akacherwa Abhurahamu achiri mupenyu. Abhimereki akataurira Isaki kuti, “Chibvai zvenyu medu muno nokuti mava nesimba kupinda isu.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Genesisi 26

Genesisi 26:1-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino nzara yakaŋga iri’po panyika; isati iri nzara yakaŋga iri’po pamazuʋa aAbrahama. Isaka akaenda Gerari kunaAbimereki, mambo waʋaFiristia. Jehova akaɀiratidza ɀe kwaari, akati: Usaɓurukira Egipita; gara munyika yandakakuʋudza; gara hako munyika ino uri mutorwa; ini ndicaʋa newe, ndicakuropafadza; nokuti ndicakupa iwe, naʋana ʋako, nyika idzi dzose; ndicasimbisa mhiko yandakapikira Abrahama, ɓaɓa ʋako; ndicawanza ʋana ʋako senyeredzi dzeɗeŋga; ndudzi dzose dzenyika dzicaropafadzwa muʋana ʋako; nokuti Abrahama wakaterera inzwi raŋgu, akaceŋgeta ɀandakamuraira, nemirairo yaŋgu, nemitemo yaŋgu, nemirau yaŋgu. Isaka akagara Gerari; ʋanhu ʋenyika iyo ʋakamubvunza pamsoro pomukadzi wake, akati: Ihanɀadzi yaŋgu; nokuti wakaŋga acitya kuti, mukadzi waŋgu, aciti: Ɀimŋe ʋanhu ʋenyika ino ʋaŋgandiʋuraya nokuɗa kwaRebeka; nokuti wakaŋga akanaka kumeso. Ɀino wakati aʋa’po ŋguʋa refu, Abimereki, mambo waʋaFiristia, wakatarira napawindi, akaʋona Isaka acitamba naRebeka, mukadzi wake. Ipapo Abimereki akaɗana Isaka, akati: Tarira, ɀirokwaɀo mukadzi wako; wakataura seiko uciti, ihanɀadzi yaŋgu — Isaka akati kwaari: Nokuti ndakati: Ɀimŋe ndiŋgafa nokuɗa kwake. Abimereki akati kwaari: Ndokuɗiniko kuti watiitira cinhu ici — Ƌai mumŋe waʋanhu aiʋata nomukadzi wako, uŋgaɗai watiisa pamhoȿa. Abimereki akaraira ʋanhu ʋose, akati: Unoɓata munhu uyu kana mukadzi wake, ucaʋurawa ɀirokwaɀo. Ɀino Isaka wakadɀara ɀiyo munyika iyo, akawana gore iro runezana; Jehova akamuropafadza. Munhu uyu akaʋa mukuru, akaramba aciwedzerwa, kuȿikira waʋa mukuru kwaɀo; wakaŋga anefuma yamakwai, neyeŋombe, nemhuri huru; ʋaFiristia ʋakamugoɗora. ƲaFiristia ʋakadziʋira matsime ose akaŋga acerwa naʋaranda ʋaɓaɓa ʋake pamazuʋa aɓaɓa ʋake Abrahama, ʋakaafusira nevu. Abimereki akati kunaIsaka; Ibva hako kwatiri, nokuti watipfuʋura kwaɀo nesimba.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Genesisi 26

Genesisi 26:1-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)