Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesi 26:1-16

Genesi 26:1-16 SNA2002

Zvino nzara yakanga iripo panyika; isati iri nzara yakanga iripo pamazuva aAbhurahamu. Isaka akenda Gerari kuna Abhimereki, mambo wavaFirisitia. Jehovha akazviratidzazve kwaari akati, “Usaburukira Ijipiti, gara munyika yandakakuudza; gara hako munyika ino uri mutorwa; ini ndichava newe, ndichakuropafadza; nokuti ndichakupa iwe, navana vako, nyika idzi dzose; ndichasimbisa mhiko yandakapikira Abhurahamu, baba vako; ndichawanza vana vako senyeredzi dzedenga; ndudzi dzose dzenyika dzicharopafadzwa muvana vako; nokuti Abhurahamu wakateerera izwi rangu, akachengeta zvandakamuraira, nemirairo yangu, nemitemo yangu, nemirau yangu.” Isaka akagara Gerari; vanhu venyika iyoyo vakamubvunza pamusoro pomukadzi wake, akati, “Ihanzvadzi yangu;” nokuti wakanga achitya kuti, mukadzi wangu, achiti, “Zvimwe vanhu venyika ino vangandiuraya nokuda kwaRabheka;” nokuti akanga akanaka kumeso. Zvino wakati avapo nguva refu, Abhimereki, mambo wavaFirisitia, wakatarira napawindo, akaona Isaka achitamba naRabheka, mukadzi wake. Ipapo Abhimereki akadana Isaka akati, “Tarira, zvirokwazvo mukadzi wako; wakataura seiko uchiti, ‘Ihanzvadzi yangu?’ ” Isaka akati kwaari, “Nokuti ndakati, ‘Zvimwe ndingafa nokuda kwake.’ ” Abhimereki akati kwaari, “Ndokudiniko kuti watiitira chinhu ichi? Dai mumwe wavanhu aivata nomukadzi wako, ungadai watiisa pamhosva.” Abhimereki akaraira vanhu vose, akati, “Anobata munhu uyu kana mukadzi wake, achauraiwa zvirokwazvo.” Zvino Isaka akadyara zviyo munyika iyoyo, akawana gore iro rune zana; Jehovha akamuropafadza. Munhu uyu akava mukuru, akaramba achiwedzerwa, kusvikira ava mukuru kwazvo; akanga aine pfuma yamakwai, neyemombe, nemhuri huru; vaFirisitia vakamugodora. VaFirisitia vakadzivira matsime ose akanga acherwa navaranda vababa vake pamazuva ababa vake Abhurahamu, vakaafutsira nevhu. Abhimereki akati kuna Isaka, “Ibva hako kwatiri, nokuti watipfuura kwazvo nesimba.”

Verenga chikamu Genesi 26