Zvakaitika kuti Sara akaona Ishimaeri mwanakomana waHagari muIjipiti, mwana waakaberekera Abhurahamu achiita jee naIsaki. Akataurira Abhurahamu kuti, “Dzinga muranda uyu nomwanakomana wake nokuti mwana womuranda uyu haafanire kudya nhaka pamwechete nomwanakomana wangu Isaki.” Abhurahamu akashungurudzwa kwazvo mumwoyo nenyaya iyoyi yemwanakomana wake. Asi Mwari akataurira Abhurahamu achiti, “Rega kushungurudzwa zvako mumwoyo nezvomukomana uyu kana nezvomuranda uyu. Ita zvako zvose zvaunenge waudzwa naSara nokuti zvizvarwa zvako zvichadaidzwa nezita raIsaki. Ndichaitawo kuti mwana womuranda wako abereke vana vakawanda zvokutova rudzi rwavanhu nokuti mwana wakowo.” Naizvozvo Abhurahamu akafumomuka akatora chingwa neguchu redehwe rine mvura, akapa Hagari, akamuberekesa mwana kumusana akati aende zvake. Hagari akasumuka akaenda akandodzungaira ari murenje reBheerishebha. Kuzoti mvura iye yomuguchu yapera, Hagari akaisa mwana mune chimwe chigwenzi. Hagari akaenda chinhambwe chingasvike dombo rokukanda nemaoko, akagara pasi achichema ari pakanga pakatarisana napaya paiva nomwana nokuti aiti, “Handingadi zvangu kuona mwana achifa ndakatarisa.” Mwari akanzwa kuchema kwomukomana uyu, mutumwa waMwari, ari mudenga, akadaidzira kuna Hagari achiti kwaari, “Ko chanetsa chiiko Hagari? Usatye zvako nokuti Mwari anzwa kuchema kwemwana paari ipapo. Simuka utore mwana unyatsomubata noruoko nokuti ndichaita kuti ave navana vakawanda zvokutova rudzi rukuru.” Mwari akapengenutsa maziso aHagari akaona tsime remvura. Akaenda akazadza guchu riya nemvura akapa mwana.
Verenga chikamu Mavambo 21
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mavambo 21:9-19
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo