Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesi 21:9-19

Genesi 21:9-19 SNA2002

Zvino Sara akaona mwanakomana waHagari, muIjipiti, waakaberekera Abhurahamu, achiseka. Saka wakati kuna Abhurahamu, “Dzinga mubatiri uyu nomwanakomana wake, nokuti mwanakomana womubatiri uyu haangadyi nhaka pamwechete nomwanakomana wangu Isaka.” Shoko iro rakanga rakaipa kwazvo kuna Abhurahamu, nokuda kwomwanakomana wake. Ipapo Mwari akati kuna Abhurahamu, “Ngazvirege hazvo kuva zvakaipa kwauri nokuda kwomukomana nokwo mubatiri wako; uteerere Sara pazvinhu zvose zvaanotaura kwauri, nokuti rudzi rwako ruchatumidzwa nezita raIsaka. Naiye mwanakomana womubatiri ndichamuita rudzi rukuruwo, nokuti mwanakomana wako.” Abhurahamu akamuka mangwanani, akatora chingwa neguchu remvura, akapa Hagari, akazviisa pafudzi rake, nomwanawo, akamuendesa; iye akaenda akandodzungaira murenje reBheerishebha. Mvura yeguchu yakati yapera, akakanda mwana pasi munyasi megwenzi; iye akandogara pasi pakatarisana naye nhambwe inenge ingasvika museve kana wapotserwa, nokuti wakati, “Ndirege kuona hangu mwana achifa.” Akagara pakatarisana naye, akachema kwazvo. Mwari akanzwa izwi romukomana; mutumwa waMwari akadanidzira kuna Hagari, ari kudenga, akati kwaari, “Zvaita seiko Hagari? Usatya, nokuti Mwari wanzwa izwi romukomana apo paari. Simuka usimudze mukomana, umubate noruoko rwako, nokuti ndichamuita rudzi rukuru.” Ipapo Mwari akasvinudza meso ake, akaona tsime remvura; akaenda, akazadza guchu nemvura, akanwisa mukomana.

Verenga chikamu Genesi 21