Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mavambo 18:11-15

Mavambo 18:11-15 SCLB

Abhurahamu naSara vakanga vachembera vakwegura. Sara akanga aguma, asisateveri. Sara akabva aseka zvake nechomumwoyo achiti, “Iyeni ndachembera kudai, ndokunge ndichada zvomurume. Handiti vatenzi vangu kukwegura kwavaita izvozvi.” Tenzi akabvunza Abhurahamu achiti, “Ko seiko Sara aseka, achiti, ‘Ini pangu pano ndachembera kudai ndingaberekewo mwana here?’ Pane chinhu chingaomere Tenzi here? Saka gore rinouya panguva ino yepfumvudza ndichakushanyirazve, Sara achange ava nomwana mukomana.” Asi Sara akaramba akati, “Handina kuseka ini,” nokuti akanga ava kutya. Mwari akati, “Aiwa, waseka iwe.”

Verenga chikamu Mavambo 18