Zvino Abhurahamu naSara vakanga vakwegura, vava namakore mazhinji; nomutoo wavakadzi wakanga watoguma kuna Sara. Sara akaseka mumwoyo make akati, “Ini ndingazvifarira here zvandachembera, naiye tenzi wangu akwegurawo?” Jehovha akati kuna Abhurahamu, “Sara wasekereiko, achiti, ‘Ko ini muchembere ndichabereka mwana zvirokwazvo here?’ Kune chinhu chingakunda Jehovha here? Nguva ino, gore rapfuura, ndichadzokera kwauri; Sara achava nomwanakomana.” Asi Sara akaramba achiti, “Handina kuseka,” nokuti akanga achitya. Iye akati, “Kwete waseka hako.”
Verenga chikamu Genesi 18
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Genesi 18:11-15
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo