Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mavambo 11:1-9

Mavambo 11:1-9 SCLB

Pasi chigare, vanhu vose vaingotaura mutauro mumwechete, vaine mazwi mamwechetewo. Mukutamatama kwaiita vanhu kumabvazuva, vakazondogara vakaita musha wavo mubani reShinari kuBhabhironi. Vakazorangana vachiti, “Ngatikanyei zvidhina tinyatsozvipisa zvakanaka.” Zvidhina ndozvaiva matombo avo, dhaka ravo rokuvakisa riri tara. Vakazoti, “Ngatizvivakirei guta rine nhungamakore yeshongwe, tiite zita rino mukurumbira, tirege kungopararira nenyika.” Tenzi akaburuka kudenga kuzoona guta neshongwe zvakanga zvavakwa navanhu. Tenzi akati, “Onai vanhu ava vose vanongova rudzi rwumwechete uye vose vanotaura mutauro mumwechete. Idzi imviromviro chete dzezvavachaita. Hakuna chichavatadzisa kuita chinhu chose chose chavanofunga kuita. Ngatiburukei tindopesanisa mutauro wavo vagorega kunzwana pakutaura.” Tenzi akavaparadzanisa vakapararira nenyika yose, vakabva varega kuvaka guta riya. Saka zita reguta iroro rakanzi Bhabheri nokuti Tenzi akapesanisa mutauro wapasi pose. Tenzi akavaparadzanisa vakapararira nenyika, pasi pose.

Verenga chikamu Mavambo 11