Nyika yose yakanga ino rurimi rumwe nokutaura kumwe. Zvino vakati vachitamira mabvazuva, vakawana bani munyika yeShinari, vakagarako. Vakataurirana, vachiti, “Uyai, ngatiite zvidhina, tizvipise kwazvo.” Zvidhina zvakava mabwe avo, nebitumini rakava dope ravo. Vakati, “Uyai, ngatizvivakire guta, norusvingo, runomusoro unosvikira kudenga; tizvimutsire mukurumbira, kuti tirege kupararira panyika yose.” Ipapo Jehovha wakaburuka kuzotarira guta norusvingo, rwakanga ruchivakwa navanakomana vavanhu. Jehovha akati, “Tarirai, vanhu ava ndivamwe, vanorurimi rumwe vose; zvino ndizvo zvavanotanga kuita; zvino hakuchina chinhu chavangada kuita chavangadziviswa. Hendei, tiburuke, tinopesanisa rurimi rwavo ipapo, kuti varege kunzwana kana votaurirana.” Jehovha akavaparadzira ipapo, vakapararira panyika yose, vakarega kuvaka guta ravo. Naizvozvo vakaritumidza Bhabheri, nokuti ipapo Jehovha wakapesanisa rurimi rwenyika yose; Jehovha akavaparadzira ipapo, vakaenda kunyika dzose.
Verenga chikamu Genesi 11
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Genesi 11:1-9
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo