Zvino ndinoti mugari wenhaka paanenge chete achiri mwana muduku, haana zvaanosiyana nomuranda nyangwe zvazvo ari iye muridzi wezvinhu zvenhaka zvose izvozvo. Asi achiri mumaoko avabereki navatariri kusvikira pazuva rakatarwa nababa. Ndizvozvowo zvinesu, pataiva vana vaduku takanga tiri varanda vemweya yomudenga'mu nezvapasi pano. Nguva payakakwana Mwari akatuma Mwanakomana wake akaberekwa nomukadzi. Akaberekwa ari pasi pomutemo kuti anunure vanhu vakanga vari pasi pomutemo kuti tiwane nhaka savana. Pamusana pokuti muri vana, Mwari akatuma Mweya woMwanakomana wake mumwoyo yedu watinokwanisa naye kudaidza tichiti, “Abha, Baba.” Nezvo nokuna Mwari, hauchisiri muranda, wava mwana. Zvino kana uri mwana naizvozvo uri mugari wenhaka. Kare pamakanga musingazivi Mwari maiva varanda vezvinhu zvisiri Mwari. Asi zvino, pamavakuzivana naMwari, kana kuti pamavakuzivikanwa naMwari, mungapindukire seizve kumweya yezvinhu zvisina simba uye isina chayo yamavakuda kuva varanda vayozve. Munochengeta mazuva makuru, nemwedzi nemwaka namakore. Inga ndinokaronge ndakashandira pasina. Hama, ndinokukumbirisai kuti ivai sezvandiri nokuti iniwo ndakava sezvamuri. Imi hapana chamakanditadzira sezvamunongozivawo kuti pamusana pezvaindirwadza munyama'mu zvakaita kuti ndiparidze Shoko Rakanaka kwamuri pakutanga paya. Kunyange zvazvo zvandaiva chaiva chiedzo kwamuri, hamuna kundisema kana kundishora asi makatondigamuchira sokunge ndaiva mutumwa waMwari, saKristu Jesu. Ko kufara kwenyu kuyazve kuripi? Ndinokupupurirai kuti dai zvaikwanisika mungadai makatosvukunura maziso enyu muchiapa kwandiri. Ko zvino ndava muvengi wenyu pamusana pokukutaurirai chokwadi here? Vamwe vanhu vaya vanoratidza savanokudai kwazvo. Asi chinangwa chavo chaicho hachina kunaka. Chavari kungoda kukuparadzanisai neni kuti muvadewo ivo. Chinhu chakanaka nguva dzose kuva nechido chakakura kudaro kana chinangwa chacho chakanaka kwete kana ndiinemi chete. Vanangu, ndinorwadziwazve saamai vave panguva yokuda kusununguka kusvikira Jesu aumbwa mamuri. Ndinodisa chaizvo kuti dai ndanga ndiinemi iye zvino. Ndaibva ndasandura maitiro andiri kuita, nokuti ndiri kushaya kuti ndokutaurirai ndichiti kudii.
Verenga chikamu Vagaratia 4
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Vagaratia 4:1-20
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo