VaGaratia 4:1-20
VaGaratia 4:1-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvandinoreva ndezvokuti kana mudyi wenhaka achiri mwana, haana kusiyana nenhapwa, kunyange hazvo ari muridzi wezvinhu zvose. Ari pasi pavatariri navachengeti kusvikira panguva yakatarwa nababa vake. Saizvozvowo, patakanga tiri vana, takanga tiri muutapwa pasi pezvokuvamba zvenyika. Asi nguva yakati yakwana, Mwari akatuma Mwanakomana wake, akaberekwa nomukadzi, akaberekwa pasi pomurayiro, kuti adzikinure avo vari pasi pomurayiro, kuti tigamuchire kodzero yakazara yavanakomana. Nokuda kwokuti muri vanakomana, Mwari akatuma Mweya woMwanakomana wake mumwoyo yedu, Mweya anodana achiti, “Abha, Baba.” Saka hamuchisiri nhapwa, asi vanakomana; uye sezvo muri vanakomana, Mwari akakuitaiwo vadyi venhaka. Kare, pamakanga musingazivi Mwari, makanga muri nhapwa kuna avo vakanga vasiri vamwari chaivo. Asi zvino zvamava kuziva Mwari, kana kuti munozivikanwa naMwari, seiko mava kudzokera kune zvokuvamba zvisina simba uye zvinonzwisa urombo? Munodazve kuitwa nhapwa nazvo here? Muri kucherechedza mazuva akasarudzika uye mwedzi nemwaka namakore! Ndinokutyirai kuti zvichida ndakatambisa simba rangu pamusoro penyu. Ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama, kuti muve seni, nokuti ini ndakaita semi. Hamuna kunditadzira. Sezvamunoziva imi, kuti nokuda kwourwere ndakatanga kuparidza vhangeri kwamuri. Kunyange zvazvo kurwara kwangu kwaiva muedzo kwamuri, hamuna kundisema kana kundimhura. Asi, makandigamuchira sokunge ndaiva mutumwa waMwari, sokunge ndakanga ndiri Jesu Kristu chaiye. Ko, chii chakaitika kumufaro wenyu wose uya? Ndinogona kupupura kuti dai zvaibvira, mungadai makatumbura meso enyu makaapa kwandiri. Zvino ndava muvengi wenyu zvandakuudzai chokwadi here? Vanhu ivavo vanoshingaira kuti vakubatei, asi pazvinhu zvisina kunaka. Zvavanoda ndezvokukutsausai kubva kwatiri, kuitira kuti imi mugovashingairira. Zvakanaka kwazvo kushingaira, kana chinangwa chacho chakanaka, uye kuti muite izvozvo nguva dzose kwete kana ndinemi bedzi. Vana vangu vanodikanwa, vandinotamburirazve pakubereka kusvikira Kristu aumbwa mamuri, ndaida sei kuti ndive nemi zvino uye ndishandure matauriro angu, nokuti ndiri kukanganisika nokuda kwenyu.
VaGaratia 4:1-20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino ndinoti, mudyi wenhaka, kana achiri mwana, haatongosiyani nomuranda, kunyange ari ishe wazvose; asi ari pasi pavatariri navachengeti kusvikira panguva yakatarwa nababa. Saizvozvo nesuo, tichiri vana, takanga takasungwa pasi pezvokuvamba zvenyika; zvino nguva yakati yazara kwazvo, Mwari akatuma Mwanakomana wake, akaberekwa nomukadzi, akaberekwa pasi pomurayiro, kuti adzikinure vari pasi pomurayiro, kuti tipiwe umwana hwedu. Zvino zvamuri vanakomana, Mwari akatuma Mweya woMwanakomana wake mumwoyo medu unodana, achiti, “Aba, baba!” Saka iwe hauchiri muranda, asi mwanakomana, kana wava mwanakomana, wava mudyi wenhaka naMwari. Asi nenguva iyo, zvamakanga musingazivi Mwari, maiva varanda vavamwari vasati vari vezvokwadi; asi zvino, zvamunoziva Mwari, zvikuru zvamunozikanwa naMwari, modzokerazve seiko kunezvokuvamba zvisina simba, zvourombo, muchidazve kutanga kuva varanda vazvo? Munochengeta misi nemwedzi, nenguva namakore. Ndinotya pamusoro penyu, kuti zvimwe ndakabata basa kwamuri pasina. Ndinokumbira kwamuri, hama dzangu, kuti muve seni, nokuti ini ndakaita semi. Hamuna kundiitira chinhu chimwe chisakarurama; zvino munoziva kuti ndakakuparidzirai Vhangeri pakutanga nokuda kwokurwara panyama; nechinhu icho panyama yangu, chakanga chiri muedzo kwamuri, hamuna kuchizvidza, kana kuchisema; asi makandigamuchira somutumwa waMwari, saiye Kristu Jesu. Zvino kufara kwenyu kuripiko? Nokuti ndinokupupurirai, kuti kana maigona, maitumbura meso enyu mukandipa iwo. Zvino ndava muvengi wenyu, zvandakakuudzai chokwadi here? Vanokushingairirai nomutoo usakanaka; asi vanoda kukupfigirai kunze, kuti imi muvashingairire. Zvino zvakanaka kuti pachinhu chakanaka kushingairirwe nguva dzose, zvirege kuitwa kana ndiri kwamuri bedzi. Vana vangu vaduku, vandinotamburirazve kubereka, kusvikira Kristu aumbwa mukati menyu. Ndaida kuti ndive nemi zvino, ndishandure izwi rangu; nokuti ndinokanganiswa nokuda kwenyu.
VaGaratia 4:1-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino ndinoti mugari wenhaka paanenge chete achiri mwana muduku, haana zvaanosiyana nomuranda nyangwe zvazvo ari iye muridzi wezvinhu zvenhaka zvose izvozvo. Asi achiri mumaoko avabereki navatariri kusvikira pazuva rakatarwa nababa. Ndizvozvowo zvinesu, pataiva vana vaduku takanga tiri varanda vemweya yomudenga'mu nezvapasi pano. Nguva payakakwana Mwari akatuma Mwanakomana wake akaberekwa nomukadzi. Akaberekwa ari pasi pomutemo kuti anunure vanhu vakanga vari pasi pomutemo kuti tiwane nhaka savana. Pamusana pokuti muri vana, Mwari akatuma Mweya woMwanakomana wake mumwoyo yedu watinokwanisa naye kudaidza tichiti, “Abha, Baba.” Nezvo nokuna Mwari, hauchisiri muranda, wava mwana. Zvino kana uri mwana naizvozvo uri mugari wenhaka. Kare pamakanga musingazivi Mwari maiva varanda vezvinhu zvisiri Mwari. Asi zvino, pamavakuzivana naMwari, kana kuti pamavakuzivikanwa naMwari, mungapindukire seizve kumweya yezvinhu zvisina simba uye isina chayo yamavakuda kuva varanda vayozve. Munochengeta mazuva makuru, nemwedzi nemwaka namakore. Inga ndinokaronge ndakashandira pasina. Hama, ndinokukumbirisai kuti ivai sezvandiri nokuti iniwo ndakava sezvamuri. Imi hapana chamakanditadzira sezvamunongozivawo kuti pamusana pezvaindirwadza munyama'mu zvakaita kuti ndiparidze Shoko Rakanaka kwamuri pakutanga paya. Kunyange zvazvo zvandaiva chaiva chiedzo kwamuri, hamuna kundisema kana kundishora asi makatondigamuchira sokunge ndaiva mutumwa waMwari, saKristu Jesu. Ko kufara kwenyu kuyazve kuripi? Ndinokupupurirai kuti dai zvaikwanisika mungadai makatosvukunura maziso enyu muchiapa kwandiri. Ko zvino ndava muvengi wenyu pamusana pokukutaurirai chokwadi here? Vamwe vanhu vaya vanoratidza savanokudai kwazvo. Asi chinangwa chavo chaicho hachina kunaka. Chavari kungoda kukuparadzanisai neni kuti muvadewo ivo. Chinhu chakanaka nguva dzose kuva nechido chakakura kudaro kana chinangwa chacho chakanaka kwete kana ndiinemi chete. Vanangu, ndinorwadziwazve saamai vave panguva yokuda kusununguka kusvikira Jesu aumbwa mamuri. Ndinodisa chaizvo kuti dai ndanga ndiinemi iye zvino. Ndaibva ndasandura maitiro andiri kuita, nokuti ndiri kushaya kuti ndokutaurirai ndichiti kudii.
VaGaratia 4:1-20 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ndinoti, mudyi wenhaka, kana aciri mŋana, haatoŋgosiyani nomuranda, kunyaŋge ari ishe waɀose; asi uri pasi paʋatariri naʋaceŋgeti kuȿikira paŋguʋa yakatarwa naɓaɓa. Saiɀoɀo nesu ʋo, ticiri ʋana, takaŋga takasuŋgwa pasi peɀokuʋamba ɀenyika; ɀino ŋguʋa yakati yazara kwaɀo, Mŋari akatuma Mŋanakomana wake, wakaɓerekwa nomukadzi, wakaɓerekwa pasi pomurairo, kuti adzikinure ʋari pasi pomurairo, kuti tipiwe ʋumŋana bgeɗu. Ɀino ɀamuri ʋanakomana, Mŋari wakatuma Mŋeya woMŋanakomana wake mumŋoyo meɗu, unoɗana, aciti: Aba, Ƃaɓa! Saka iwe hauciri muranda, asi mŋanakomana; kana waʋa mŋanakomana, waʋa mudyi wenhaka naMŋari. Asi neŋguʋa iyo, ɀamakaŋga musiŋgaziʋi Mŋari, maiʋa ʋaranda ʋaʋamŋari ʋasati ʋari ʋeɀokwaɗi; asi ɀino, ɀamunoziʋa Mŋari, ɀikuru ɀamunozikanwa naMŋari, modzokera ɀe seiko kuneɀokuʋamba ɀisinesimba, ɀoʋurombo, muciɗa ɀe kutaŋga kuʋa ʋaranda ʋaɀo? Munoceŋgeta misi nemŋedzi, neŋguʋa namakore. Ndinotya pamsoro penyu, kuti ɀimŋe ndakaɓate‐ɓasa kwamuri pasina. Ndinokumbira kwamuri, hama dzaŋgu, kuti muʋe seni, nokuti ini ndakaita semi. Hamuna‐kundiitira cinhu cimŋe cisakarurama; ɀino munoziʋa kuti ndakakuparidzirai Evaŋgeri pakutaŋga nokuɗa kwokurwara panyama; necinhu ico panyama yaŋgu, cakaŋga ciri muidzo kwamuri, hamuna‐kuciɀidza, kana kucisema; asi makandigamucira somutumŋa waMŋari, saiye Kristu Jesu. Ɀino kufara kwenyu kuripiko? Nokuti ndinokupupurirai, kuti kana maigona, maitumbura meso enyu mukandipa iwo. Ɀino ndaʋa muʋeŋgi wenyu, ɀandakakuʋudzai ɀokwaɗi here? Ʋanokushiŋgairirai nomutoʋo usakanaka; asi ʋanoɗa kukupfigirai kunze, kuti imi muʋashiŋgairire. Ɀino ɀakanaka kuti pacinhu cakanaka kushiŋgairirwe ŋguʋa dzose, ɀirege kuitwa kana ndiri kwamuri ɓedzi. Ʋana ʋaŋgu ʋaɗuku, ʋandinotamburira ɀe kuɓereka, kuȿikira Kristu aʋumbga mukati menyu. Ndaiɗa kuti ndiʋe nemi ɀino, ndishandure inzwi raŋgu; nokuti ndinokaŋganiswa nokuɗa kwenyu.
VaGaratia 4:1-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)