Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Vagaratiya 4:1-20

Vagaratiya 4:1-20 SNA2002

Zvino ndinoti, mudyi wenhaka, kana achiri mwana, haatongosiyani nomuranda, kunyange ari ishe wazvose; asi ari pasi pavatariri navachengeti kusvikira panguva yakatarwa nababa. Saizvozvo nesuo, tichiri vana, takanga takasungwa pasi pezvokuvamba zvenyika; zvino nguva yakati yazara kwazvo, Mwari akatuma Mwanakomana wake, akaberekwa nomukadzi, akaberekwa pasi pomurayiro, kuti adzikinure vari pasi pomurayiro, kuti tipiwe umwana hwedu. Zvino zvamuri vanakomana, Mwari akatuma Mweya woMwanakomana wake mumwoyo medu unodana, achiti, “Aba, baba!” Saka iwe hauchiri muranda, asi mwanakomana, kana wava mwanakomana, wava mudyi wenhaka naMwari. Asi nenguva iyo, zvamakanga musingazivi Mwari, maiva varanda vavamwari vasati vari vezvokwadi; asi zvino, zvamunoziva Mwari, zvikuru zvamunozikanwa naMwari, modzokerazve seiko kunezvokuvamba zvisina simba, zvourombo, muchidazve kutanga kuva varanda vazvo? Munochengeta misi nemwedzi, nenguva namakore. Ndinotya pamusoro penyu, kuti zvimwe ndakabata basa kwamuri pasina. Ndinokumbira kwamuri, hama dzangu, kuti muve seni, nokuti ini ndakaita semi. Hamuna kundiitira chinhu chimwe chisakarurama; zvino munoziva kuti ndakakuparidzirai Vhangeri pakutanga nokuda kwokurwara panyama; nechinhu icho panyama yangu, chakanga chiri muedzo kwamuri, hamuna kuchizvidza, kana kuchisema; asi makandigamuchira somutumwa waMwari, saiye Kristu Jesu. Zvino kufara kwenyu kuripiko? Nokuti ndinokupupurirai, kuti kana maigona, maitumbura meso enyu mukandipa iwo. Zvino ndava muvengi wenyu, zvandakakuudzai chokwadi here? Vanokushingairirai nomutoo usakanaka; asi vanoda kukupfigirai kunze, kuti imi muvashingairire. Zvino zvakanaka kuti pachinhu chakanaka kushingairirwe nguva dzose, zvirege kuitwa kana ndiri kwamuri bedzi. Vana vangu vaduku, vandinotamburirazve kubereka, kusvikira Kristu aumbwa mukati menyu. Ndaida kuti ndive nemi zvino, ndishandure izwi rangu; nokuti ndinokanganiswa nokuda kwenyu.