Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ezira 7:11-28

Ezira 7:11-28 SCLB

Tsamba yakapiwa namambo Atakizesesi kumupristi Ezira munyori uya, muzivisisi wezvemitemo nemirao yaTenzi yaakapa Isiraeri; ndeyiyi yaiti: “Ini Atakizesesi mambo wemadzimambo ndiri kukunyorera iwe Ezira mupristi nyanzvi yomutemo waMwari Wedenga. Zvino ndatema chirevo chokuti: Ani naani zvake wechiIsiraeri kunyange mupristi kana muRevhi munyika mangu anozvipira zvake kuenda kuJerusaremu ngaaende zvake newe. Sezvo ini namakurukota angu manomwe tirisu tiri kukutumai kundoongorora nezvemutemo waMwari wenyu uri mumaoko enyu kwaJudha nomuJerusaremu uye muendewo nesirivha nendarama yakapiwa zvayo namambo namakurukota ake sechipo kuna Mwari weIsiraeri ane musha wake muJerusaremu pamwechete nesirivha nendarama yamuchawana munyika yose yeBhabhironi pamwechetewo nomupiro wokupa zvavanotsidza zvavo kupirira imba yaMwari wavo iri kuJerusaremu. “Munyatsoona kuti nemari iyoyi manyatsotengawo handira nehondohwe nehwayana pamwechete nemipiro yazvo yembesanwa nemipirowo yazvo yokuteura. Munofanira kupira izvozvo paatari yepaimba yaMwari wenyu iri muJerusaremu. Zvamunenge maonawo imi nehama dzenyu kuti zvakanaka kuitwa nesirivha nendarama inenge yasara, itai zvenyu maererano nezvinenge zvichidiwa naMwari wenyu. Midziyo yamakapiwa yokushandisa mumba yaMwari wenyu, mundozviturira kuna Mwari weJerusaremu. Kana pane chimwezve chingadiwe pamba yaMwari wenyu chinenge chichifanira kuti imi mubvise munotora zvenyu mudzimba dzinochengeterwa upfumi hwokwamambo. “Zvino ini mambo Atakizesesi ndatemera chirevo vanasahomwe vose vari kunyika yokuMhiri kweRwizi rwaYufuratesi chokuti: chose zvacho chinenge charehwa kwamuri nomupristi vaEzira, nyanzvi yomutemo waMwari wedenga nyatsochiitai nomazvo chaimo; sirivha ngaive ingasvike zvayo matani mana ane makirogiramu mazana mana chete; koroni ivewo ingasvike gumi rezviuru zvemakirogiramu chete; waini ive zvayo inosvika zviuru zviviri zvemarita chete; mafuta eorivhi avewo zvawo angasvike zviuru zviviri zvemarita chete; munyu uve usina muganhu. Chose chinenge charehwa naMwari wedenga chepamba yaMwari iyeyo nyatsochiitai nokukurumidza angadaro akavirukira umambo hwangu nehwavanakomana vangu nehasha. Tinokuzivisaiwo kuti vapristi nevaRevhi kana vaimbi kana vachengetedzi vepamisuo mikuru kunyange vashandi vepaTemberi kana vamwe vashandi zvavo vepaTemberi yaMwari hamuchabvumirwa nomurao kuvabvisisa mutero kana zvirehwarehwa zvokwamambo kunyange mutero wenzira. Zvino iwe Ezira maererano noungwaru hwaMwari hwako hwaunahwo, sarudza vokutonga dzimhosva navatongi vakuru vanotongera vanhu vose venyika iri Mhiri kweRwizi rwaYufuratesi, vose zvavo vanoziva mitemo yaMwari wako, vasingaizive wovadzidzisawo. Ani naani zvake anongorega chete kuteerera mutemo waMwari wako nomutemo wamambo ngaatongwe zvakaomarara kungave kunzi aurayiwe kana kudzingwa munyika kunyange kunzi atorerwe zvinhu zvake zvaanazvo kana kuiswa muusungwa.” “Ngaarumbidzwe Tenzi, Mwari wemadzibaba edu akaisa izvozvi zvakadai izvi mupfungwa dzamambo zvokushongedza imba yaTenzi iri muJerusaremu akaita kuti mwoyochena wake usvikewo kwandiri ndionekwewo somunhu namambo namakurukota ake ndionekwewo somunhu nevakuru vakuru chaivo vepamusoro vokwamambo. Zvakabva zvandikurudzirawo nokuti ruoko rwaTenzi Mwari wangu rwaiva pandiri ndikakokorodza varume vechiIsiraeri vakuru vakuru ndikakwira kuenda navo.”

Verenga chikamu Ezira 7