Ezira 7:11-28
Ezira 7:11-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Aya ndiwo mashoko etsamba yaMambo Atazekisesi yaakapa Ezira muprista nomudzidzisi, murume akanga akadzidza pamusoro pezvemirayiro nemitemo yaJehovha kuIsraeri: Atazekisesi mambo wamadzimambo, kuna Ezira muprista nomudzidzisi woMurayiro waMwari wokudenga: Kwaziwa. Ini ndinotema chirevo kuti ani naani muIsraeri ari muumambo hwangu, kusanganisira vaprista navaRevhi, avo vanoda zvavo kuenda newe kuJerusarema, ngavaende. Uri kutumwa namambo navapi vake vamazano vanomwe kundobvunzisisa pamusoro peJudha neJerusarema maererano noMurayiro waMwari wako, uri muruoko rwako. Pamusoro pezvo unofanira kutora sirivha negoridhe rakapiwa namambo namakurukota ake nokuda kwavo kuna Mwari waIsraeri, iye agere muJerusarema, pamwe chete nesirivha negoridhe rose raungawana kubva kudunhu reBhabhironi, pamwe chetewo nezvipo zvavanhu zvavachapa nokuda kwavo nezvavaprista, zvetemberi yaMwari wavo muJerusarema. Nemari iyi unofanira kutenga hando, makondobwe, namakwayana makono, pamwe chete nezvipiriso zvazvo zvezviyo nezvinonwiwa, uye mugozvibayira paaritari yetemberi yaMwari muJerusarema. Ipapo iwe nehama dzako vaJudha mungaita zvenyu zvose zvamunoona zvakafanira nesirivha negoridhe rose rinenge rasara maererano nokuda kwaMwari wenyu. Ipai midziyo yose kuna Mwari weJerusarema iyo yamakapiwa kuti mushumire nayo mutemberi yaMwari wenyu. Uye zvimwe zvose zvinodiwa patemberi yaMwari wako zvaunofanira kuendesa kutemberi, unofanira kuzvitora kubva papfuma yamambo. Zvino ini, Mambo Atazekisesi, ndinorayira vabati vose vehomwe dzemari mhiri kwaYufuratesi kuti mupe nokushingairira zvose zvingakumbirwa naEzira muprista nomudzidzisi woMurayiro waMwari wokudenga, kusvikira pamatarenda esirivha zana, nezviyero zana zvezviyo namabhati zana ewaini, namabhati zana amafuta amaorivhi, uye nomunyu wose unodiwa. Chinhu chipi nechipi chakarayirwa naMwari wokudenga, ngachiitwe nokushingaira kutemberi yaMwari wokudenga. Ko, ushe hwamambo nohwavanakomana vake huchatsamwireiko? Ndinokuzivisaiwo kuti hamufaniri kuripisa mitero, nemhando dzose dzemitero, mutero womunhu mumwe nomumwe, kana mutero wokumuganhu kwenyika, kuvaprista, vaRevhi, vaimbi, varindi vemikova, navaranda vomutemberi kana vamwe vashandi vapaimba yaMwari. Uye iwe, Ezira, maererano nouchenjeri hwaMwari wako, hwaunahwo, ugadze vaongorori vemhosva, navatongi kuti vatonge nokururamisira vanhu vose vari mhiri kwaYufuratesi, vose vanoziva mirayiro yaMwari wako. Uye unofanira kudzidzisa vose vasingaizivi. Ani naani asingateereri murayiro waMwari wako uye nomurayiro wamambo, zvirokwazvo anofanira kurangwa norufu, kana kudzingwa, kana kutorerwa pfuma, kana kuiswa mutorongo. Jehovha ngaarumbidzwe, Mwari wamadzibaba edu, uyo akaisa izvi mumwoyo mamambo, kuti auyise kukudzwa kuimba yaJehovha muJerusarema nenzira yakadai, uye akandiitira nyasha dzake dzakanaka pamberi pamambo namakurukota ake namachinda ake ose ane simba. Nokuti ruoko rwaJehovha Mwari wangu rwakanga rwuri pamusoro pangu, ndikashinga uye ndikakoka varume vaikudzwa pakati pavaIsraeri kuti vaende neni.
Ezira 7:11-28 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino ndiwo mashoko en’wadhi iyo mambo Aritashasita yaakapa Ezira mupristi nomunyori iye munyori wamashoko emirairo yaJehovha nezvaakatemera Isiraeri, “Aritashasita mambo wamadzimambo, kuna Ezira mupristi, munyori womurayiro waMwari wokudenga, wakakwana, namamwe mashoko akadai. “Ini ndinotema chirevo, kuti vanhu vose vaIsiraeri, navapristi vavo, navaRevhi, vari paushe hwangu, vanoda nokuda kwazvo kuenda Jerusaremu, ngavaende havo newe. Zvawatumwa namambo namakurukota ake manomwe kundobvunzisisa pamusoro paJudha neJerusaremu, sezvakarehwa nomurayiro waMwari wako uri muruoko rwako. “Nokuenda nesirivha nendarama yakapiwa namambo namakurukota ake nokuda kwavo Mwari waIsiraeri, iye agere Jerusaremu, nesirivha nendarama yose yaungawana parutivi rwenyika yose yeBhabhironi, pamwechete nezvipo zvavanhu zvavachapa nokuda kwavo, nezvavapristi, zvavachapa imba yaMwari wavo iri paJerusaremu nomwoyo yavo; zvino unofanira kukurumidza kutenga nemari iyo nzombe, namakondohwe, namakwayana, pamwechete nezvipiriso zvazvo zvoupfu, nezvinodururwa, ugozviisa paaritari paimba yaMwari wenyu iri Jerusaremu. “Kana iri sirivha nendarama yakasara, itai nazvo sezvamunofunga, iwe nehama dzako, sezvinodikanwa naMwari wenyu. Nemidziyo yaunopiwa kundobata nayo paimba yaMwari wako, uiise pamberi paMwari weJerusaremu. Nezvimwe zvinhu zvipi nezvipi zvinodikanwa paimba yaMwari wako, zvaunofanira kuripa, uzviripe uchitora paimba yepfuma yamambo. “Ini, iyeni mambo Aritashasita, ndinoraira vachengeti vose vepfuma mhiri kworwizi, ndichiti, ‘Zvose Ezira mupristi, munyori womurayiro waMwari wokudenga, zvaanokumbira kwamuri, ngazviitwe nokukurumidza, kusvikira pamatarenta esirivha ane zana, nezviyero zvine zana zvezviyo, namabhati ewaini ane zana, namabhati amafuta ane zana, nomunyu usingaverengwi.’ Zvose zvinorairwa naMwari wokudenga, ngazviitirwe zvakanaka imba yaMwari wokudenga; nokuti ushe hwamambo nohwavanakomana vake huchatsamwirweiko? Tinokuzivisaiwo, kuti kana vari vapristi vose, navaRevhi, navaimbi, navarindi vemikova, navaNetinimi, navaranda veimba iyi yaMwari, havangaripiswi mutero, kana zvipo, kana muripo wenzira. “Zvino iwe Ezira, nenjere dzaMwari wako, dzawakapiwa iwe, chigadza vatambi vemhosva, navatongi, vangatongera vanhu vose vari mhiri kworwizi mhaka dzavo, vave vanhu vanoziva mirairo yaMwari wako, ugodzidzisa mumwe nomumwe asingaizivi. Ani naani, asingadi kuita murayiro waMwari wako, nomurayiro wamambo, ngaakurumidze kupiwa mhaka, kana yorufu, kana yokudzingwa kana yokutorerwa nhumbi dzake, kana yokusungwa mutorongo. “Jehovha Mwari wamadzibaba edu ngaakudzwe, iye akaisa chinhu chakadai mumwoyo wamambo, kuti anatse imba yaJehovha iri Jerusaremu; iye akandinzwisa tsitsi pamberi pamambo, napamberi pamakurukota ake, napamberi pamachinda ose ane simba amambo. Ini ndikasimbiswa nokuti ruoko rwaJehovha Mwari wangu rwakanga ruri pamusoro pangu, ndikakoka varume vakuru pakati paIsiraeri, kuti vaende neni.”
Ezira 7:11-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tsamba yakapiwa namambo Atakizesesi kumupristi Ezira munyori uya, muzivisisi wezvemitemo nemirao yaTenzi yaakapa Isiraeri; ndeyiyi yaiti: “Ini Atakizesesi mambo wemadzimambo ndiri kukunyorera iwe Ezira mupristi nyanzvi yomutemo waMwari Wedenga. Zvino ndatema chirevo chokuti: Ani naani zvake wechiIsiraeri kunyange mupristi kana muRevhi munyika mangu anozvipira zvake kuenda kuJerusaremu ngaaende zvake newe. Sezvo ini namakurukota angu manomwe tirisu tiri kukutumai kundoongorora nezvemutemo waMwari wenyu uri mumaoko enyu kwaJudha nomuJerusaremu uye muendewo nesirivha nendarama yakapiwa zvayo namambo namakurukota ake sechipo kuna Mwari weIsiraeri ane musha wake muJerusaremu pamwechete nesirivha nendarama yamuchawana munyika yose yeBhabhironi pamwechetewo nomupiro wokupa zvavanotsidza zvavo kupirira imba yaMwari wavo iri kuJerusaremu. “Munyatsoona kuti nemari iyoyi manyatsotengawo handira nehondohwe nehwayana pamwechete nemipiro yazvo yembesanwa nemipirowo yazvo yokuteura. Munofanira kupira izvozvo paatari yepaimba yaMwari wenyu iri muJerusaremu. Zvamunenge maonawo imi nehama dzenyu kuti zvakanaka kuitwa nesirivha nendarama inenge yasara, itai zvenyu maererano nezvinenge zvichidiwa naMwari wenyu. Midziyo yamakapiwa yokushandisa mumba yaMwari wenyu, mundozviturira kuna Mwari weJerusaremu. Kana pane chimwezve chingadiwe pamba yaMwari wenyu chinenge chichifanira kuti imi mubvise munotora zvenyu mudzimba dzinochengeterwa upfumi hwokwamambo. “Zvino ini mambo Atakizesesi ndatemera chirevo vanasahomwe vose vari kunyika yokuMhiri kweRwizi rwaYufuratesi chokuti: chose zvacho chinenge charehwa kwamuri nomupristi vaEzira, nyanzvi yomutemo waMwari wedenga nyatsochiitai nomazvo chaimo; sirivha ngaive ingasvike zvayo matani mana ane makirogiramu mazana mana chete; koroni ivewo ingasvike gumi rezviuru zvemakirogiramu chete; waini ive zvayo inosvika zviuru zviviri zvemarita chete; mafuta eorivhi avewo zvawo angasvike zviuru zviviri zvemarita chete; munyu uve usina muganhu. Chose chinenge charehwa naMwari wedenga chepamba yaMwari iyeyo nyatsochiitai nokukurumidza angadaro akavirukira umambo hwangu nehwavanakomana vangu nehasha. Tinokuzivisaiwo kuti vapristi nevaRevhi kana vaimbi kana vachengetedzi vepamisuo mikuru kunyange vashandi vepaTemberi kana vamwe vashandi zvavo vepaTemberi yaMwari hamuchabvumirwa nomurao kuvabvisisa mutero kana zvirehwarehwa zvokwamambo kunyange mutero wenzira. Zvino iwe Ezira maererano noungwaru hwaMwari hwako hwaunahwo, sarudza vokutonga dzimhosva navatongi vakuru vanotongera vanhu vose venyika iri Mhiri kweRwizi rwaYufuratesi, vose zvavo vanoziva mitemo yaMwari wako, vasingaizive wovadzidzisawo. Ani naani zvake anongorega chete kuteerera mutemo waMwari wako nomutemo wamambo ngaatongwe zvakaomarara kungave kunzi aurayiwe kana kudzingwa munyika kunyange kunzi atorerwe zvinhu zvake zvaanazvo kana kuiswa muusungwa.” “Ngaarumbidzwe Tenzi, Mwari wemadzibaba edu akaisa izvozvi zvakadai izvi mupfungwa dzamambo zvokushongedza imba yaTenzi iri muJerusaremu akaita kuti mwoyochena wake usvikewo kwandiri ndionekwewo somunhu namambo namakurukota ake ndionekwewo somunhu nevakuru vakuru chaivo vepamusoro vokwamambo. Zvakabva zvandikurudzirawo nokuti ruoko rwaTenzi Mwari wangu rwaiva pandiri ndikakokorodza varume vechiIsiraeri vakuru vakuru ndikakwira kuenda navo.”
Ezira 7:11-28 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ndiwo mashoko eŋwadi iyo mambo Artashasta yaakapa Ezra muprista nomunyori, iye munyori wamashoko emirairo yaJehova neɀaakatemera Israeri: Artashasta mambo wamadzimambo, kunaEzra muprista, munyori womurairo waMŋari wokuɗeŋga, wakakwana, namamŋe mashoko akaɗai. Ini ndinotema cireʋo, kuti ʋanhu ʋose ʋaIsraeri, naʋaprista ʋaʋo, naʋaRevi, ʋari paʋushe bgaŋgu, ʋanoɗa nokuɗa kwaʋo kuenda Jerusarema, ŋgaʋaende haʋo newe. Ɀawatumŋa namambo namakurukota ake manomŋe kundobvunzisisa pamsoro paJuda neJerusarema, seɀakarebga nomurairo waMŋari wako uri muruʋoko rwako; nokuenda nesirveri nendarama yakapiwa namambo namakurukota ake nokuɗa kwaʋo Mŋari waIsraeri, iye ugere Jerusarema, nesirveri nendarama yose yauŋgawana parutiʋi rwenyika yose yeBabironi, pamŋe cete neɀipo ɀaʋanhu ɀaʋacapa nokuɗa kwaʋo, neɀaʋaprista, ɀaʋacapa imba yaMŋari waʋo iri paJerusarema nomŋoyo yaʋo; ɀino unofanira kukurumidza kuteŋga nemari iyo nzombe, namakondobge, namakwaiana, pamŋe cete neɀipiriso ɀaɀo ɀoʋupfu, neɀinoɗururwa, ugoɀiisa paartari paimba yaMŋari wenyu iri Jerusarema. Kana iri sirveri nendarama yakasara, itai naɀo seɀamunofuŋga, iwe nehama dzako, seɀinoɗikanwa naMŋari wenyu. Nemidziyo yaunopiwa kundoɓata nayo paimba yaMŋari wako, uiise pamberi paMŋari weJerusarema. Neɀimŋe ɀinhu ɀipi neɀipi ɀinoɗikanwa paimba yaMŋari wako, ɀaunofanira kuripa, uɀiripe ucitora paimba yefuma yamambo. Ini, iyeni mambo Artashasta, ndinoraira ʋaceŋgeti ʋose ʋefuma mhiri kworwizi, ndiciti: Ɀose Ezra muprista, munyori womurairo waMŋari wokuɗeŋga, ɀaanokumbira kwamuri, ŋgaɀiitwe nokukurumidza, kuȿikira pamatarenta esirveri anezana, neɀiyero ɀinezana ɀeɀiyo, namabati ewaini anezana, namabati amafuta anezana, nomunyu usiŋgaʋereŋgwi. Ɀose ɀinorairwa naMŋari wokuɗeŋga, ŋgaɀiitirwe ɀakanaka imba yaMŋari wokuɗeŋga; nokuti ʋushe bgamambo nobgaʋanakomana ʋake ʋucatsamŋirweiko? Tinokuziʋisai ʋo, kuti kana ʋari ʋaprista ʋose, naʋaRevi, naʋaimbi, naʋarindi ʋemikoʋa, naʋaNetinimi, naʋaranda ʋeimba iyi yaMŋari, haʋaŋgaripiswi mutero, kana ɀipo, kana muripo wenzira. Ɀino iwe Ezra, nenjere dzaMŋari wako, dzawakapiwa iwe, cigadza ʋatambi ʋemhoȿa, naʋatoŋgi, ʋaŋgatoŋgera ʋanhu ʋose ʋari mhiri kworwizi mhaka dzaʋo, ʋaʋe ʋanhu ʋanoziʋa mirairo yaMŋari wako, ugodzidzisa mumŋe nomumŋe usiŋgaiziʋi. Aninani, usiŋgaɗi kuita murairo waMŋari wako, nomurairo wamambo, ŋgaakurumidze kupiwa mhaka, kana yorufu, kana yokudziŋgwa, kana yokutorerwa nhumbi dzake, kana yokusuŋgwa mutoroŋgo. Jehova Mŋari wamadziɓaɓa eɗu ŋgaakudzwe, iye wakaisa cinhu cakaɗai mumŋoyo wamambo, kuti anatse imba yaJehova iri Jerusarema; iye wakandinzwisa tsitsi pamberi pamambo, napamberi pamakurukota ake, napamberi pamacinda ose anesimba amambo. Ini ndikasimbiswa nokuti ruʋoko rwaJehova Mŋari waŋgu rwakaŋga ruri pamsoro paŋgu, ndikakoka ʋarume ʋakuru pakati paIsraeri, kuti ʋaende neni.
Ezira 7:11-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)