Ezekieri 44
44
Basa reSuo Guru rokumabvazuva
1Akazondidzosera kuSuo Guru rokunze kweNzvimbo Inoera rakatarisa kumabvazuva rakanga rakapfigwa. 2Tenzi akati kwandiri, “Suo Guru iri richaramba rakapfigwa. Harifaniri kumbozarurwa. Hapana anofanira kumbopinda nepo nokuti Tenzi, Mwari weIsiraeri ndipo paapinda napo. Naizvozvo rinofanira kugara rakapfigwa. 3Jinda chete, ndiro ringagarepo zvaro richidya chingwa pana Tenzi. Richapinda nenzira yokukamba kapamusuo kapaSuo Guru rigobuda nenzira imwecheteyo.”
Mirao yokubvumira munhu kupinda muTemberi
4Akandiunza nenzira yokuSuo Guru rokuchamhembe kumberi kweTemberi. Ini ndikatarisa ndikaona kupenya kwokuvapo kwaTenzi kwakazara muTemberi yaTenzi ndikawira pasi nouso. 5Tenzi ndokubva ati kwandiri, “Iwe mwanakomana womunhu pfundira mumwoyo mako ucherechedze nemeso ako unzwe nenzeve dzako zvose zvandichakutaurira zvinonangana nemirao yose yeTemberi yaTenzi nemirao yayo yose, uzvichengetedze mumwoyo mako kuti ndavanani vanobvumirwa kupinda pamusuo weTemberi uye kuti ndavanaani vasingabvumirwi muNzvimbo Inoera. 6Uti kuvapanduki, imba yaIsiraeri, zvanzi naTenzi Mwari imi vemba yaIsiraeri zvose zvounyangadzi hwenyu hwakan'ora ngazvipere, 7zvokubvumira vatorwa, vanhu vane mwoyo nomuviri isina kudzingiswa kuti vave muNzvimbo yangu Inoera vachiin'oresa pamunopira kwandiri zvokudya zvangu namafuta neropa. Makatyora chitenderano changu pamusoro pezvounyangadzi hwenyu. 8Panze pokuti imi muite basa rokuchengeta munzvimbo yangu inoera makatoisa imi vatorwa kuti ivo ndivo vave nebasa rokuchengetedza muNzvimbo yangu Inoera.
9“Naizvozvo zvanzi naTenzi Mwari hapana mutorwa asina kudzingiswa mumwoyo kana pamuviri wake, pavatorwa vose zvavo vari pakati pavaIsiraeri anobvumirwa kupinda muNzvimbo yangu Inoera.
Chirango chinotemerwa vaRevhi vakatadza
10“Asi vaRevhi vakaenda kure neni, vachirasika kwandiri, vachitevera zvifananidzo zvavo zvokunamata paye pakaenda Isiraeri mutome vachawanawo mubayiro wokurangwa. 11Kushanda muNzvimbo Inoera vachashandawo zvavo, vachitarirawo zvapamisuo mikuru yapaTemberi; vachishandawo muTemberi, vachibayawo chibayiro chomupiro wokupisa, nechibayiro chavanhu. Vachaita mabasa vachibatsira vanhu. 12Pamusana pokuti vakavaitira mabasa pamberi pezvifananidzo zvavo zvokunamata vakave chipingamupinyi chokuipa kuimba yaIsiraeri saka ndakapika kuti vachawana mubayiro wavo wokurangwa. Ndizvo zviri kutaura Tenzi. 13Havafaniri kusvika pedyo neni vachindiitira basa roupristi kana kusvika pane zvinhu zvangu zvose zvinoera, kana pedyo nezvinhu zvinoeresesa asi kutoti vanofanira kunyara nazvo pamusana pounyangadzi hwavo hwakan'ora. 14Kunyange zvakadaro zvavo ndichavasarudza kuti vaite basa rokuchengetedza muTemberi, kuita mabasa omo anofanira kuitwa imomo.
Vapristi
15“Asi vapristi vechiRevhi, vanakomana vokwaZadhoki vanoita basa rokuchengetedza Nzvimbo yangu Inoera pakatetereka vanhu veIsiraeri mutome vachibva kwandiri, ndivo vachauya kwandiri vachindishandira. Ndivo vachandiitira basa rokupira kwandiri mafuta neropa. Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. 16Ivava ndivo vachapinda muNzvimbo yangu Inoera, uye ndivo vachasvika paAtari yangu kuzondishandira. Ndivo vachandiitira basa rokuchengetedza zvinhu. 17Pavanopinda paSuo Guru renhandare yomukati, vanofanira kupfeka hanzu dzerineni. Havafaniri kuva nechii zvacho chewuru pavari pavanenge vachiita basa kumisuo mikuru yomunhandare yomukati nomuTemberi. 18Vanofanira kupfeka nguwani dzerineni mumusoro mavo, muchiuno mavo vakasungira mabhurukwa erineni. Havafaniri kupfeka chose chose chinokonzera dikita. 19Uye pavanobuda kunhandare yokunze kuvanhu, vanofanira kubvisa magemenzi avanga vachishanda vakapfeka voarongedza mudzimba dzinoera vopfeka mamwe magemenzi nokuti vangadaro vakaitisa vanhu zvinhu zvino muko namagemenzi avo iwayo. 20Havafaniri kuveura musoro wavo kana kurega vhudzi ravo richireba. Chavo chete kugerwa vachichekererwa vhudzi ravo. 21Hapana mupristi anofanira kunwa waini paanopinda munhandare yomukati. 22Havafaniri kuroora chirikadzi kana mukadzi akarambwa, asi mhandara chete yorudzi rwemba yaIsiraeri kana chirikadzi yomupristi. 23Vanofanira kudzidzisa vanhu vangu mutsauko wezvinoera nezvisingaeri vachivaratidza kusiyanisa zvakan'ora nezvisina kun'ora. 24Panenge paita gakava, ivava ndivo vachava vatongi vacho vachitonga maererano nemirawo yangu. Vanofanira kuchengeta mitemo yangu nemirao yangu pamazuva angu makuru akatarwa uye vanofanira kueresa maSabata angu. 25Havafaniri kuzvin'oresa nokuenda pedyo nechitunha chomunhu kusiya chete nechitunha chababa kana chaamai kana chomwanakomana kana chomwanasikana kunyange chomukoma kana munun'una kana chehanzvadzisikana isina kuroorwa vanogona zvavo kuzvin'oresa. 26Asi kana azvichenura#44:26 Azvichenura: RechiSiria rinoti kana an'ora. ngavamuverengere mazuva manomwe.#44:26 Manomwe: RechiSiria rinoisa mamwe mazwi okuti, “Agozobva achenurwa.” 27Pazuva raanosipinda muNzvimbo Inoera, munhandare yomukati kundoshanda muNzvimbo Inoera, anofanira kupira mupiro wake wokupirira zvitadzo. Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari.
28“Havafaniri kuva nenhaka, ini ndini nhaka yavo. Saka usavape nyika muIsiraeri, ini ndini nyika yavo. 29Vanofanira kudya mupiro wembesanwa nomupiro wokupirira zvitadzo nomupiro wokuripira mhosva nechose zvacho chinenge chateketererwa kuna Mwari muIsiraeri, chichava chavo. 30Michero yose yokutanga yemhando dzose zvadzo nomupiro wose wemhando dzose pazvinhu zvose zvamunopira zvichava zvavapristi. Munofanirawo kupa kumupristi upfu hwakamanzika kuitira kuti imba yako iwane chikomborero. 31Vapristi havafaniri kudya chinhu chipi nechipi chakafa choga, ingava shiri kana mhuka yafa yoga kana yabvamburwa-bvamburwa.”
Zvasarudzwa nguva ino
Ezekieri 44: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.