Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ezekieri 43

43
Kudzoka kwaTenzi muTemberi yake
1Mushure maizvozvo akaenda neni kuSuo Guru rakatarisa kumabvazuva 2onei kupenya kwokuvapo kwaMwari weIsiraeri kuchibva kumabvazuva uye kutinhira kwokuuya kwake kwainge kuwunga kwamafashamo emvura uyewo nyika yakabva yati ngwe-e kuchena nembiri yake. 3Zvino chiratidzo chandakaona chakanga chakafanana nechiratidzo chandakanga ndamboona paakauya kuzoparadza guta, chakaitawo sechiratidzo chandakamboona ndiri pedyo nerwizi rweKebhari. Ndakawira pasi nouso. 4Kupenya kwokuvapo kwaTenzi pakwakapinda muTemberi nokuSuo Guru rakatarisa kumabvazuva, 5Mweya akandisumudza akaenda neni kunhandare yomukati, ndiye onei kupenya kwokuvapo kwaTenzi kwakazadza Temberi.
6Murume uya paakanga amire neni kudaro ndakanzwa mumwe aitaura kwandiri ari muTemberi. 7Akanditi, “Iwe mwanakomana womunhu, ino iyi ndiyo nzvimbo yechigaro changu choumambo nechitambarariko chetsoka dzangu. Ndimo mandichagara pakati pavanhu veIsiraeri nokusingaperi. Imba yaIsiraeri haichazombofa yakan'oresa zita rangu rinoera, ivo kana madzimambo avo nounzenza hwavo kana nezvitunha#43:7 Nezvitunha: Kana kuti zvifananidzo. zvamadzimambo avo. 8Vanoita izvi nokuisa misuo yavo pamusuo pangu namagwatidziro avo akatarisana namagwatidziro angu, nechidziro chiricho choga chatakaganhurana, ivo neni. Vakan'oresa zita rangu rinoera zvinosemesa zvavo zvavakaita, ndokusaka ndakavaroromesa nehasha dzangu. 9Zvino ngavakande pasi kunamata kwavo zvifananidzo ikoku, uye zvitunha zvamadzimambo vakande kure neni, iniwo ndichagara pakati pavo nokusingaperi.
10“Zvino iwe mwanakomana womunhu tsanangurira imba yaIsiraeri nezveTemberi nokutarisika kwayo namamiriro ayo kuitira kuti vanyare uipi hwavo. 11Kana vakazonyara pana zvose zvavakaita, vatsanangurire nezveTemberi, mamiriro ayo, paibudwa napo nepaipindwa napo nokutarisika kwayo kwose. Uvazivisewo mitemo yayo yose nemirao yayo yose uinyore vachiona nameso avo kuitira kuti vachengete nokuita zvose zvinorehwa nemitemo yayo yose pamwechete nemirao yayo yose. 12Uno uyu ndomutemo weTemberi unoti: Nharaunda yose yapamusoro pegomo chaipo inzvimbo inofanira kuereswa kwazvo. Iwoyo ndomutemo weTemberi.”
Atari
13Uku ndokupimwa kwakaitwa atari ichierwa namamita, (mita racho iroro rimwechete richiita zana ramasendimita rina masendimita mana). Pasi payo pakaita masendimita makumi mashanu namaviri kureba kuenda mudenga, ichiitawo masendimita makumi mashanu namaviri kufara, iine bhande rinoita makumi maviri amasendimita ana masendimita mashanu kureba kuitenderera. Uhu ndohurefu hweatari iyoyo kukwira mudenga, 14kubvira pasi payo pavhu apa kusvika pachimbimbi chapazasi pakaita mita rimwechete, paine upamhi hunoita hafu yemita, kubvirawo pachimbimbi chidiki kusvikira pachimbimbi chikuru chacho pachiita mamita maviri chiine upamhi hunosvika chikamu chehafu yemita. 15Kouya choto cheatari iyoyo chaiita mamita maviri uye kubvirawo pachoto chapaatari ichocho paine zvinenge nyanga zvina zvinoita chikamu chehafu yemita kureba kuenda mudenga. 16Choto cheatari iyoyo chakanga chino mativi mana akaenzana, urefu hwacho hwaiita mamita matanhatu upamhi hwacho huri mamita matanhatuwo. 17Chimbimbi chawo chakanga china mativi mana akaenzana, urefu hwacho huri mamita manomwe, upamhi hwachowo huri mamita manomwe chiine bhandi rakachitenderera rinoita masendimita makumi maviri namashanu. Pasiwo pacho pakaita hafu yemita kupatenderera. Matanho apaatari akanga akatarisa kumabvazuva.
Kuturirwa kweatari mumaoko maTenzi
18Akazonditi, “Iwe mwanakomana womunhu zvanzi naTenzi Mwari mirao yapaatari ndeyiyi iyi: Pazuva rainovakirwa kupirira pairi mupiro yokupisa uye nokusasa ropa pairi 19unofanira kupa vapristi vechiRevhi vemhuri yokwaZadhoki ivo vanoswedera kwandiri kuzondishandira, handira yomupiro wokupirira zvitadzo. Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. 20Unofanirawo kutora rimwe ropa rayo urizore pane zvinenge nyanga zvina zviya zvepaatari napamakona mana echimbimbi urizorewo pabhandi kuritenderera. Ndokuchenura kwauchaita atari nokuipfupirira. 21Uyewo unofanira kutora handira yomupiro wokupirira zvitadzo inofanira kundopisirwa panzvimbo yacho yakasarudzwa iri yapaTemberi ipapo asi kuri nechokunze kweNzvimbo Inoera. 22Zvino pazuva repiri unofanira kupira gotora risina chinoshoreka pariri romupiro wokupfupira zvitadzo, atari ichabva yachenurwa sokuchenurwa kwainoitwa nehandira. 23Kana wapedza kuichenura, unofanira kuzopira handira isina chinoshoreka pairi nechihondohwe chomudanga chisina chinoshoreka. 24Unofanira kuuya nazvo pana Tenzi, vapristi vanofanira kudzimwaya-mwaya munyu vagodzipira somupiro wokupisa kuna Tenzi. 25Kwamazuva manomwe unofanira kuita kuti pave nembudzi yomupiro wokupirira zvitadzo uyewo nehandira nehondohwe zvomudanga zvisina chinoshoreka, ndozvinofanira kuitwa. 26Kwamazuva manomwe vanofanira kupfupirira atari vaichenure, nokudaro inoereswa. 27Kana vazopedza mazuva iwaya, ipapo kubvira pazuva resere zvichienda mberi vapristi vachange vachipira paatari mipiro yenyu yokupisa nemipiro yenyu yokuwadzana, ndichakugamuchirai” ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari.

Zvasarudzwa nguva ino

Ezekieri 43: SCLB

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda