Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ezekieri 39

39
Kukurirwa kwaGogu
1“Iwe mwanakomana womunhu porofita kuna Gogu uti, zvanzi naTenzi Mwari chiona, ndanangana newe Gogu, jinda guru rokuMesheki nokuTubhari. 2Ndichakupishinudza ndigokutinhira mberi ndikuunze kubva kwokupedzesera chaiko kudivi rokuchamhembe ndigokutungamirira kundorwisa makomo eIsiraeri. 3Ipapo ndicharova uta hwako muruoko rworuboshwe ndigokudonhedzesa miseve muruoko rwako rworudyi. 4Uchafira mumakomo meIsiraeri, iyewe nemhomho dzako idzodzo navanhu vaunenge unavo. Ndichakuita nyama yamagora kushiri dzinodya nyama dzorudzi norudzi uye kuzvikara zvesango kuti udyiwe. 5Uchafira musango zvamo nokuti ndini iyeni ndakataura, ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. 6Ndichatumira moto kuna Magogu nokuvanhu vakazvigarira havo munyika dzokumahombekombe kwegungwa. Ndipo pavachaziva kuti ndini Tenzi. 7Zita rangu rinoera, ndichaita kuti riziikanwe pakati pavanhu vangu vaIsiraeri. Handizorega zita rangu richin'oreswa zvakare. Ipapo marudzi ndipo paachaziva kuti ndini Tenzi, Anoera muIsiraeri. 8Hero rouya uye zvichatoitika, ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. Ndiro zuva riya randaireva.
9“Vagari vamaguta eIsiraeri vachabuda vakavesera zvombo zvokurwa moto vachizvipisa. Zvose zvinoti nhoo duku nenhoo huru, nouta namapfumo, netsvimbo nemiseve. Vachazvivesera moto kwamakore manomwe 10zvokuti havazoda huni musango kana kundodzitema musango. Moto wavo vachauvesa nezvombo zvavo izvozvo zvehondo. Vanenge votopamba vanhu vakambovapamba vachitorera zvinhu vanhu vaya vakambovatorerawo zvinhu, ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari.
Kuvigwa kwaGogu
11“Pazuva iroro ndichapa Gogu nzvimbo yokuviga vanhu muIsiraeri, nzvimbo yeBani reVerwendo#39:11 ReVerwendo: Ibani reAbharimu muchiHebheru. kumabvazuva kwegungwa uchadzivirira verwendo nokuti imomo ndomunenge makavigwa Gogu nemhomho yake yose. Ichange yava kunzi, ‘Baniremhomhoyokwagogu.’ 12Kwemwedzi minomwe, imba yaIsiraeri ichange ichingovaviga kuitira kuti ichenure nyika. 13Vanhu vose venyika iyoyi vachavaviga zvichivawanisa mukurumbira pazuva randicharatidza mbiri yangu. Ndizvo zviri kureva Tenzi Mwari. 14Vachatsaura varume vanoramba varipo vokuviga vanenge vasaririra pamusoro payo nyika kuitira kuti ichenurwe, mushure memwedzi minomwe iyoyo ndomavachange vachitsvaga saizvozvo. 15Ivava pavanenge vachienda nomunyika kudaro, anenge angoona pfupa romunhu anobva aisa mucherechedzo pedyo naro kusvikira vokuviga vaya variviga muBaniremhomhoyokwagogu. 16(Gutawo rinonzi Mhomho richange riripowo.) Ndokuchenura kwavachaita nyika iyoyo.
17“Asi iwe mwanakomana womunhu zvanzi naTenzi Mwari taura kushiri dzemhando dzose nokumhuka dzose dzesango kuti unganai muuye, kokorodzanai kumativi ose kumabiko echibayiro andiri kukugadzirirai, mabiko makuru echibayiro pamakomo eIsiraeri. Muchadya nyama nokunwa ropa. 18Muchatodya zvenyu nyama yamagamba muchinwa ropa ramachinda apanyika ndovanenge vari hondohwe nehwayana nembudzi nehandira dzacho vose zvavo vari ivo zvipfuwo zvacho zvakakodzwa zveBhashani. 19Muchatodya zvenyu mafuta kusvikira maguta mugonwa ropa kusvikira matoraradza pamabiko echibayiro andiri kukugadzirirai. 20Pateburu yangu ipapo muchaguta nokudya mabhiza navatasvi vacho namagamba avarwi navarwi vemhando nemhando. Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari.
Kudzorwa kumusha kwenhapwa dzeIsiraeri
21“Ndicharatidza mbiri yangu kumarudzi avanhu uye marudzi ose achaona kutonga kwangu kwandinenge ndaita nesimba randakasevenzesa pavari namaoko angu. 22Imba yaIsiraeri ichaziva kuti ndini Tenzi, Mwari wavo kubvira musi iwoyo zvichienda mberi. 23Marudziwo avanhu achaziva kuti imba yaIsiraeri yakaenda kuutapwa pamusana pouipi hwavo nokuti havana kutendeka kwandiri zvokuti ndakazvivanza uso kwavari ndikavaisa mumaoko avavengi vavo ndokubva vose vaurayiwa nehondo yebakatwa. 24Ndakaita kwavari maererano nokun'ora kwavo uye nokukanganisa kwavo ndikazvivanza uso kwavari.”
25Naizvozvo zvanzi naTenzi Mwari, “Zvino ndava kudzosera pakare makomborero okwaJakobho ndichiitira tsiye nyoro imba yaIsiraeri yose uye ndichaitira shanje zita rangu rinoera. 26Vachakanganwa kunyadziswa kwavo nokusatendeka kwose kwavakandiitira pavachange vagara havo munyika yavo pasina chinovawana pasina anovatyityidzira. 27Izvozvo ndinenge ndavadzosa vabva kumarudzi ndavakokorodza kunyika dzavavengi vavo uye nemavari ndaratidza kuera kwangu marudzi namarudzi avanhu achiona. 28Ndipo pavachaziva kuti ini ndini Tenzi, Mwari wavo nokuti ndakambovaendesa kuutapwa pakati pamarudzi acho ndikabva ndazovakokorodza munyika yavo chaiyo. Hapana wandichasiya ikoko. 29Uye handichazozvivanzazve uso kwavari pandichadururira Mweya wangu pamba yaIsiraeri” ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari.

Zvasarudzwa nguva ino

Ezekieri 39: SCLB

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda