Ezekieri 38
38
Gogu, shamhu yaMwari
1Izwi raTenzi rakauya kwandiri richiti, 2“Iwe mwanakomana womunhu chitarisana naGogu wokunyika yokwaMagogu, iye muchinda mukuru wokuMesheki nokuTubhari uporofite kwaari uchiti, 3zvanzi naTenzi Mwari, chinzwa, ndanangana newe, iyewe Gogu muchinda mukuru wokuMesheki nokuTubhari. 4Ndichakupishinutsa ndikuise zvirauro mushaya dzako. Ndichakuunza nehondo yako yose, namabhiza navatasvi vacho vose zvavo vakapakata zvombo zvehondo zvinenge zviri gurumwandira guru ravanhu vose vaine nhoo huru nediki vachivhevhetesa mapakatwa, 5vePezhia neItiopia neRibhiya vanavowo vose vane nhoo neheremendi 6uye Gomera nemhomho dzake dzese neBhetitogarima vekwokupedzesera chaiko kuchamhembe nemhomhowo dzake dzose, gurusvusvu chairo raunenge unaro. 7Gadzirira ugare wakagadzirira iwe nehondo yevarwi yawakaunganidzana nayo, iyewe uve ndiwe wokuvachengetedza. 8Mushure memazuva mazhinji uchataurirwa zvaunofanira kuti uite, mushure memakore achauya uchandorwisa nyika inenge yambozororawo hondo, nyika yavanhu vanenge vakokorodzwa kubva kumarudzi akawanda mumakomo eIsiraeri yainge yava renje rokugara rakadaro. Vanhu vayo vakakokorodzwa kubva kumarudzi, pari zvino votogarawo zvavo vasina chinovawana vose zvavo. 9Uchauya uchisvika sedutu remhepo uchinge guti raputira nyika, iwewe nemhomho dzako uine gurusvusvu ravanhu.”
10Zvanzi naTenzi Mwari, “Nezuva iroro uchapindwa nepfungwa mumwoyo mako ugoronga mano akaipa. 11Uchati regai ndiende kundorwisa nyika ine misha iri pachena zvapo ndichingoyerekana ndasvikira vanhu vakazvigarira havo vose vagere vasina rusvingo kana zvihuri kunyange misuo mikuru 12kundopamba zvinhu nokutakura zvinhu zvokupamba nokurwisa matongo ava kugara vanhu navanhu vaya vakakokorodzwa kubva kunamamwe marudzi avanhu vane mombe nezvinhu, vagere pakatikati penyika. 13VeShebha neDhedhani navanhu vemhindu dzokutengeserana vokuTashishi nemisha yayo vachati kwauri, ‘Mauya here kuzopamba zvinhu? Maunganidzira hondo yenyu kuzotakura zvinhu zvokupamba, kutakura sirivha nendarama nokuzotora zvipfuwo nezvinhu nokuzopamba zvinhu zvakawanda here?’
14“Naizvozvo, chinzwa, iwe mwanakomana womunhu chiporofita uti kuna Gogu zvanzi naTenzi Mwari. ‘Pazuva iroro vanhu vangu veIsiraeri, pavanenge vakazvigarira zvavo, uchasimuka 15wobuda mumana rako, kubva kwokupedzesera chaiko kuchamhembe, iyewe navanhu vazhinji vaunenge unavo, vose zvavo vachange vakatasva mabhiza vari gurusvusvu guru ravanhu, hondo huru. 16Uchauya kuzorwisa vanhu vangu vaIsiraeri segore raputira nyika iyoyi. Mumazuva achauya ndichakuunza kuzorwisa nyika yangu kuitira kuti marudzi vandizive pandichaonesa kuera kwangu nemairi iwe Gogu ivo vachiona nameso avo.’
17“Zvanzi naTenzi Mwari handiti ndiwe here wandaireva kubvira pasichigare nomuromo wavaranda vangu vaporofita veIsiraeri vakaporofita mumazuva iwayo kwamakore kuti ndichakuunza kuzovarwisa.” 18Zvanzi naTenzi Mwari, “Pazuva iroro richauya Gogu kuzorwisa nyika yeIsiraeri, ndichaviruka nehasha. 19Ndizvo zvandiri kutaura izvozvo ndiine shanje ndakaviruka nehasha nezuvaro pachaita kundengendeka kukuru munyika yeIsiraeri. 20Hove dzegungwa neshiri dzedenga nemhuka dzesango nezvose zvinokambaira nokuzvova napasi navanhu vose zvavo vari panyika zvichahuta kudedera nokuvapo kwangu. Makomo achawisirwa pasi hunguruhwe dzamatombo dzichitozomokera pasi madziro ose achikoromokera pasi. 21Ndichatumira Gogu kose kose. Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. Vanhu vose vachabayana namabakatwa hama nehama. 22Ndichamuranga nedenda nokudeurwa kweropa; ndichimubaya iye nemhomho dzake dzavanhu navanhu vazhinji vaanavo; bvachapfacha remvura nechimvuramahwe nomoto nesarufa. 23Ndokuratidza kwandichaita ukuru hwangu nokuera kwangu ndichiita kuti ndizivikanwe namarudzi avanhu. Ndipo pavachaziva kuti ndini Tenzi.”
Zvasarudzwa nguva ino
Ezekieri 38: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.