Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kubuda 9:8-26

Kubuda 9:8-26 SCLB

Tenzi akataurira Mosesi naAroni achiti, “Endai munokore dota muchoto, Mosesi arimwaye mudenga Farao achiona. Dota racho richambumuka richipararira nenyika yose yeIjipiti. Vanhu nezvipfuwo vachaita mamota anoputika achiita maronda anotyisa.” Saizvozvo vakatora dota pachoto vakaenda naro kuna Farao. Mosesi akamwaya dota riya mudenga rikabva raitisa vanhu nemhuka mamota. N'anga dziya dzakatadza kusvika paiva naMosesi nokuti naidzowo n'anga dzacho pamwechete navaIjipiti vose vakanga vanyenga mamota. Asi Tenzi akaita kuti Farao aomese mwoyo. Farao akaramba kuteerera Mosesi naAroni sokutaura kwakamboita Tenzi kuna Mosesi. Tenzi akataurira Mosesi kuti, “Mangwana, fumira kuna Farao undoti, ‘Zvanzi naTenzi, Mwari wevaHebheru rega vanhu vangu vaende kundondinamata nokuti rwendo runo kana ukasadaro ndichakuonesa nhamo dzinokurwadza mwoyo iwe pamwechete namachinda ako navanhu vako. Ndipo pauchazoziva kuti pasi pano pose, hapana mumwe akaita seni. Pari zvino ndingadai ndakatounza zvangu denda raizorova iwe navanhu vako muchitodai makapera mose pasi pano. Asi ini ndakakurega uri mupenyu ndichida kukuratidza simba rangu, uye kuti mukurumbira wangu unzwike pasi pose. Iwe uri kuramba uchingozvikudza zvako, hausiri kuda kubvumidza vanhu vangu kuenda. Chinzwa, mangwana nenguva dzino ndichanayisa chimvuramahwe chinotyisa, chisati chamboonekwazve muIjipiti kubvira pakuvamba kwayo kusvikira iye zvino. Saka zvino tuma vanhu vakokorodze zvipfuwo zvako, vaunganidzewo zvinhu zvako zvose zviri kunze. Vanhu vose nezvipfuwo zvose zvichazenge zviri kunze, zvisina kuiswa mudzimba, zvicharohwa nechimvuramahwe zvikafa.’ ” Mamwe machinda aFarao akatya zvakarehwa naTenzi, akaudza varanda vawo kuti vatenhere zvipfuwo mudzimba naivowo vauye kumba kuzohwanda. Asi vamwe vakanga vasina hanya nezvakarehwa naTenzi, vakarega zvavo varanda vavo nezvipfuwo zvavo zviri kumafuro. Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Simudza ruoko rwako unongedze kudenga chimvuramahwe chinaye munyika yose yeIjipiti, chichiwira pavanhu napazvipfuwo napasora rose romunyika yeIjipiti.” Mosesi ndokubva anongedza tsvimbo yake kudenga. Tenzi akaunza kutinhira kukuru nechivhuramahwe, mheni dzikarova pasi. Tenzi akanayisa chimvuramahwe panyika yeIjipiti. Kwakaita chivhuramahwe ipapo, mheni ichingovaima mukati mechivhuramahwe imomo, chivhuramahwe chakawanda kwazvo, chisati chambonaya kudaro munyika yose yeIjipiti kubvira payakavamba kuva norudzi rwaigaramo. Chivhuramahwe chakarova munyika yose yeIjipiti. Chakarova zvinhu zvose zvaiva kumafuro, vanhu nezvipfuwo nezvirimwa zvose muminda nokutyoranisa miti yose musango. Asi kudunhu reGosheni kwaigara vaIsiraeri, ndiko kwoga kusina kusvika chivhuramahwe.

Verenga chikamu Kubuda 9