Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kubuda 7:14-25

Kubuda 7:14-25 SCLB

Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Farao aomesa mwoyo ari kuramba kuti vaIsiraeri vaende. Iwe enda kuna Farao mangwanani undosangana naye paachaenda kurwizi kuna Nairi. Umumirire pamahombekombe arwo wakabata mumaoko tsvimbo yako iya yakambosanduka ikava nyoka. Undoti kwaari, ‘Tenzi, Mwari wavaHebheru, akandituma kwamuri neshoko rinoti rega vanhu vangu vaende kundondinamata murenje. Asika, kusvikira pari nhasi hauna kunditeerera.’ Zvino, zvanzi naTenzi, ‘Muchazoziva kuti ini ndini Tenzi nokuda kwezvandichaita zvino. Ndicharova mvura iri muna Nairi netsvimbo yandakabata, mvura ichasanduka ichiva ropa. Hove dzose dzirimo dzichafa, mvura yacho ichanhuhwa kuti kutu. Saka vaIjipiti vachasema kunwa mvura yomuna Nairi.’ ” Tenzi akatiwo kuna Mosesi, “Iti kuna Aroni, ‘Tora tsvimbo yako uitambanudzire pamusoro pemvura yose yeIjipiti, pamusoro penzizi dzavo nemigero yavo namadhamu avo namadziva avo ose isanduke ive ropa. Richava ropa chete munyika yose yeIjipiti, mumidziyo yakavezwa nomumidziyo yamabwe.’ ” Mosesi naAroni vakaita zvakanga zvataurwa naTenzi. Aroni akasimudza tsvimbo iya akarova mvura yomuna Nairi Farao namachinda ake vachiona, mvura yose yomurwizi ikasanduka ikava ropa. Hove dzaiva muna Nairi dzakafa, Nairi rukava gutukutu kunhuhwa vaIjipiti vakatadza kunwa mvura yacho. Munyika yose yeIjipiti rakanga rangove ropa chete. Asi n'anga dzeIjipiti dzakagonawo kuita izvozvo namashiripiti adzo. Naizvozvo Farao akaramba akaomesa mwoyo, achiramba kuteerera Mosesi naAroni, sokutaura kwakanga kwaita Tenzi. Farao akabva adzokera zvake kumba kwake asina hanya kunyange nezvizvi. VaIjipiti vose vakandochera matsime munhivi dzaNairi vachitsvaka mvura yokunwa. Mvura yomurwizi yakanga isisanwiki. Kwakapera mazuva manomwe ose Tenzi arova mvura yomuna Nairi.

Verenga chikamu Kubuda 7