Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Mwoyo waFarao mukukutu, haadi kutendera vanhu kuenda. Enda kuna Farao mangwanani; tarira, achabuda achienda kumvura, iwe undomira pamhenderekedzo dzorwizi kuti usangane naye, wakabata muruoko rwako tsvimbo iya yakashanduka nyoka. Ugoti kwaari, ‘Jehovha, Mwari wavaHebheru, akandituma kwauri,’ achiti, ‘Tendera vanhu vangu kuenda vandinamate murenje; zvino tarira, kusvikira zvino hauna kunditeerera.’ Zvanzi naJehovha, ‘Uchaziva kuti ndini Jehovha nechinhu ichi: Tarira ndicharova mvura iri murwizi netsvimbo iri muruoko rwangu, ikashanduka ropa.’ Hove dziri murwizi dzichafa, rwizi ruchanhuwa; vaIjipiti vachanetswa nokutsvaka kunwa mvura yorwizi.”
Jehovha akatiwo kuna Mosesi, “Uti kuna Aroni, ‘Tora tsvimbo yako, utambanudzire ruoko rwako pamusoro pemvura yavaIjipiti, pamusoro penzizi dzavo, napamusoro pehova dzavo, napamusoro pamadziva avo, napamusoro pamakungwa avo ose,’ zvishanduke ropa; rivepo panyika yose yeIjipiti, mumidziyo yamatanda nemidziyo yamabwe.”
Mosesi naAroni vakaita sezvavakarairwa naJehovha, vakasimudza tsvimbo, vakarova mvura yakanga iri murwizi pamberi paFarao napamberi pavaranda vake, mvura yose yomurwizi ikashanduka ropa. Hove dzomurwizi dzikafa, rwizi rukanhuwa, vaIjipiti vakasagona kunwa mvura yorwizi; ropa rikavapo panyika yose yeIjipiti. N'anga dzeIjipiti dzikaitawo saizvozvo nouroyi hwadzo; asi mwoyo waFarao wakaomeswa, akasavateerera, sezvakanga zvarehwa naJehovha. Ipapo Farao akadzoka, akapinda mumba make; haana kurangarira nechinhu ichiwo. VaIjipiti vose vakachera nhivi dzorwizi vachitsvaka mvura yokunwa; nokuti vakanga vasingagoni kunwa mvura yorwizi.
Mazuva manomwe akapera kubva pakurohwa kworwizi naJehovha.