Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kubuda 5:15-23

Kubuda 5:15-23 SCLB

VaIsiraeri ava vaitungamirira vamwe pabasa vakandochema kuna Farao vachiti, “Changamire, ko matifungira zvipiko? Isu varanda venyu hatichapiwi mashanga, asi kunyange zvakadaro, tinongonzi, ‘Kanyai zvidhina!’ Chionaika kuti tiri kurohwa isu, asi mhosva iri yavanhu venyu.” Mambo akati, “Muri nyope chaidzo, tsimbe dzavanhu. Ho-o-o, ndosaka muchiti, ‘Regai tiende tindopira zvibayiro kuna Tenzi nhai.’ Chibvai pano! Dzokerai kubasa! Mashanga hamupiwe! Mugwazo wezvidhina wamakapiwa unofanira kupera.” VaIsiraeri ava vokutungamirira vamwe pabasa, vakaona kuti vatova munjodzi huru pavakanzi, “Mugwazo wenyu wezvidhina wamazuva ose hauzotapudzwa.” Pakarepo vakasangana naMosesi naAroni vakanga vakavamirira kuti vaonane navo pakubuda kwavo vachibva pana Farao. Vakavati, “Tenzi ngaakuonei, aone zvaangaite nemi nokuti imi mazotivengesa kwazvo naFarao namakurukota ake. Makaisa bakatwa mumaoko avo kuti vatiuraye zvavo naro.” Mosesi akaendazve kuna Tenzi akandoti, “Nhai Tenzi, ko makaitira vanhu venyu zvakaipa zvikadai nemhosva yeiko? Ko zvino makanditumireiko kuno? Tarisai muone kubvira pamusi wandakaenda kuna Farao kundomuudza zvamakareva, Farao akabva atangawo kuitira vanhu venyu utsinye. Asi imi hamuna zvenyu kana kumbonunura vanhu venyu.”

Verenga chikamu Kubuda 5