Ekisodho 5:15-23
Ekisodho 5:15-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo vakuru vakuru vavaIsraeri vakaenda nechichemo kuna Faro vakati, “Seiko muchibata varanda venyu nenzira yakadai? Varanda venyu havapiwi uswa, asi tinonzi, ‘Itai zvidhina!’ Varanda venyu vari kurohwa, asi mhosva ndeyavanhu venyu.” Faro akati, “Simbe, ndizvo zvamuri imi, muri simbe! Ndokusaka muchingoramba muchiti, ‘Tiregei tindobayira kuna Jehovha.’ Zvino chiendai kubasa. Hamuzombopiwi kana uswa, asi munofanira kuita basa renyu rezvidhina zvakakwana.” Vakuru vakuru vavaIsraeri vakaona kuti vapinda mudambudziko pavakaudzwa kuti, “Hamufaniri kutapudza uwandu hwezvidhina zvamakatarirwa pazuva rimwe.” Pavakabva pana Faro, vakawana Mozisi naAroni vakavamirira, uye vakati, “Jehovha ngaakutarirei uye akutongei! Matiita chinhu chinonhuhwa kuna Faro namachinda ake uye maisa munondo muruoko rwavo kuti vatiuraye.” Mozisi akadzokera kuna Jehovha akati, “Haiwa Jehovha, mauyisireiko dambudziko pamusoro pavanhu ava? Ndizvo zvamakanditumira here? Kubva pandakaenda kuna Faro kuti ndinotaura muzita renyu, iye akauyisa dambudziko pamusoro pavanhu ava, uye imi hamuna kutongonunura vanhu venyu napaduku.”
Ekisodho 5:15-23 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vatariri vavana vaIsiraeri vakauya vachichema kuna Farao, vachiti, “Munoitireiko kudaro navaranda venyu? Varanda venyu havapiwi uswa, asi vanoti kwatiri, ‘Itai zvitina’; tarirai varanda venyu vanorohwa, asi mhaka iri kuvanhu venyu.” Asi iye akati, “Hamuna chamunobata, hamuna chamunobata, saka munoti, ‘Titenderei kundobayira Jehovha.’ Naizvozvo endai zvino, mubate, nokuti hamuchapiwi uswa, asi munofanira kupedza zvitina zvakatarwa.” Zvino vatariri vavana vaIsiraeri vakaona kuti vari panjodzi, zvazvakanzi, “Hamungatapudzi pazvitina zvenyu, zvamunofanira kuita mazuva ose.” Vakasangana naMosesi naAroni, vakanga vamire panzira pakubuda kwavo pamberi paFarao; vakati kwavari, “Jehovha ngaakutarirei akutongei, nokuti matinyadzisa pamberi paFarao navaranda vake, mukaisa munondo muruoko rwavo wokutiuraya nawo.” Ipapo Mosesi akadzokera kuna Jehovha, akati, “Ishe, maitireiko vanhu ava zvakaipa? Manditumireiko? Nokuti kubva panguva yandakaenda nayo kuna Farao kundotaura nezita renyu, iye akaitira vanhu ava zvakaipa; hamuna kutongorwira vanhu venyu.”
Ekisodho 5:15-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
VaIsiraeri ava vaitungamirira vamwe pabasa vakandochema kuna Farao vachiti, “Changamire, ko matifungira zvipiko? Isu varanda venyu hatichapiwi mashanga, asi kunyange zvakadaro, tinongonzi, ‘Kanyai zvidhina!’ Chionaika kuti tiri kurohwa isu, asi mhosva iri yavanhu venyu.” Mambo akati, “Muri nyope chaidzo, tsimbe dzavanhu. Ho-o-o, ndosaka muchiti, ‘Regai tiende tindopira zvibayiro kuna Tenzi nhai.’ Chibvai pano! Dzokerai kubasa! Mashanga hamupiwe! Mugwazo wezvidhina wamakapiwa unofanira kupera.” VaIsiraeri ava vokutungamirira vamwe pabasa, vakaona kuti vatova munjodzi huru pavakanzi, “Mugwazo wenyu wezvidhina wamazuva ose hauzotapudzwa.” Pakarepo vakasangana naMosesi naAroni vakanga vakavamirira kuti vaonane navo pakubuda kwavo vachibva pana Farao. Vakavati, “Tenzi ngaakuonei, aone zvaangaite nemi nokuti imi mazotivengesa kwazvo naFarao namakurukota ake. Makaisa bakatwa mumaoko avo kuti vatiuraye zvavo naro.” Mosesi akaendazve kuna Tenzi akandoti, “Nhai Tenzi, ko makaitira vanhu venyu zvakaipa zvikadai nemhosva yeiko? Ko zvino makanditumireiko kuno? Tarisai muone kubvira pamusi wandakaenda kuna Farao kundomuudza zvamakareva, Farao akabva atangawo kuitira vanhu venyu utsinye. Asi imi hamuna zvenyu kana kumbonunura vanhu venyu.”
Ekisodho 5:15-23 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋatariri ʋaʋana ʋaIsraeri ʋakaʋuya ʋacicema kunaFarao, ʋaciti: Munoitireiko kuɗaro naʋaranda ʋenyu? Ʋaranda ʋenyu haʋapiwi ʋuswa, asi ʋanoti kwatiri: Itai ɀitina; tarirai ʋaranda ʋenyu ʋanorobga, asi mhaka iri kuʋanhu ʋenyu. Asi iye akati: Hamuna‐camunoɓata, hamuna‐camunoɓata, saka munoti: Titenderei kundoɓayira Jehova. Naiɀoɀo endai ɀino, muɓate, nokuti hamucapiwi ʋuswa, asi munofanira kupedza ɀitina ɀakatarwa. Ɀino ʋatariri ʋaʋana ʋaIsraeri ʋakaʋona kuti ʋari panjodzi, ɀaɀakanzi: Hamuŋgatapudzi paɀitina ɀenyu, ɀamunofanira kuita mazuʋa ose. Ʋakasoŋgana naMosesi naAroni, ʋakaŋga ʋamire panzira pakuɓuɗa kwaʋo pamberi paFarao; ʋakati kwaʋari: Jehova ŋgaakutarirei akutoŋgei, nokuti matinyadzisa pamberi paFarao naʋaranda ʋake, Mukaisa munondo muruʋoko rwaʋo wokutiʋuraya nawo. Ipapo Mosesi akadzokera kunaJehova, akati: Ishe, maitireiko ʋanhu aʋa ɀakaipa? Manditumireiko? Nokuti kubva paŋguʋa yandakaenda nayo kunaFarao kundotaura nezita renyu, iye wakaitira ʋanhu aʋa ɀakaipa; hamuna‐kutoŋgorwira ʋanhu ʋenyu.
Ekisodho 5:15-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)