Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ekisodho 5:15-23

Ekisodho 5:15-23 SNA2002

Zvino vatariri vavana vaIsiraeri vakauya vachichema kuna Farao, vachiti, “Munoitireiko kudaro navaranda venyu? Varanda venyu havapiwi uswa, asi vanoti kwatiri, ‘Itai zvitina’; tarirai varanda venyu vanorohwa, asi mhaka iri kuvanhu venyu.” Asi iye akati, “Hamuna chamunobata, hamuna chamunobata, saka munoti, ‘Titenderei kundobayira Jehovha.’ Naizvozvo endai zvino, mubate, nokuti hamuchapiwi uswa, asi munofanira kupedza zvitina zvakatarwa.” Zvino vatariri vavana vaIsiraeri vakaona kuti vari panjodzi, zvazvakanzi, “Hamungatapudzi pazvitina zvenyu, zvamunofanira kuita mazuva ose.” Vakasangana naMosesi naAroni, vakanga vamire panzira pakubuda kwavo pamberi paFarao; vakati kwavari, “Jehovha ngaakutarirei akutongei, nokuti matinyadzisa pamberi paFarao navaranda vake, mukaisa munondo muruoko rwavo wokutiuraya nawo.” Ipapo Mosesi akadzokera kuna Jehovha, akati, “Ishe, maitireiko vanhu ava zvakaipa? Manditumireiko? Nokuti kubva panguva yandakaenda nayo kuna Farao kundotaura nezita renyu, iye akaitira vanhu ava zvakaipa; hamuna kutongorwira vanhu venyu.”

Verenga chikamu Ekisodho 5