Mosesi naAroni vakazoenda kuna Farao vakapira nyaya yavo vachiti, “Zvanzi naTenzi, Mwari vavaIsiraeri, regai vanhu vangu vaende kurenje kundondiitira mabiko.”
Asi Farao akati, “Ko Tenzi iyeyo ndiani chaizvoizvo wandinganzi ini nditeerere, ndigorega vaIsiraeri vachienda? Tenzi wacho handimuzivi. Saka ini handibvumirewo vaIsiraeri kuenda.”
Ivowo vakapindura vachiti, “Mwari wevaHebheru akasangana nesu. Dai mukatirega zvenyu tifambe rwendo rwamazuva matatu tichienda kurenje tindopira Tenzi, Mwari wedu mipiro. Kana tikarega kuzviita angatiuraye nedenda kana kutiparadza nehondo.”
Mambo weIjipiti akati, “Ko iwe Mosesi newe Aroni, imhaka yei muchifurira vaIsiraeri kuti varege kuita basa ravo? Imi dzokerai kubasa.” Farao akati, “Imi muri kuona kuti iye zvino vanhu vechirudzi mawanda muno ndopamava kutoda zvenyu kutadzisa vanhu kuita basa.”
Musi iwoyo Farao akaudza vaIjipiti vaishandisa vaIsiraeri basa, navamwe vaIsiraeri vaitungamirira vamwe pabasa achiti, “Chiregai kunge muchapa vanhu ava mashanga okukanyisa zvidhina sezvamanga muchiita. Varegei vazvitsvakire mashanga voga. Asi mugwazo wezvidhina wavakatemerwa ngaurambe wakadaro, musautapudze kunyange napaduku pose. Vanhu ava itsimbe, ndokusaka vachichema vachiti, ‘Regai tiende kundopira Mwari wedu zvibayiro.’ Remedzai vanhu ava nebasa kuti vaite basa varege kuteerera zvokunyepa izvo.”
VaIjipiti vaya vaishandisa vaIsiraeri basa pamwechete navamwe vaIsiraeri vaitungamirira vamwe pabasa vakandotaurira vaIsiraeri kuti, “Zvanzi naFarao, ‘Handichakupai mashanga. Endai mundozvitsvakira moga chero kupi zvako kwamungaawanire. Asi mugwazo wenyu uchangoramba wakadaro.’ ” Saizvozvo vaIsiraeri vakaita fararira nenyika yose yeIjipiti vachitsvaka zvidzitsi zvamashanga muminda. Vaya vaishandisa vaIsiraeri vakaramba vachivaomesera vachiti, “Pedzai mugwazo wenyu wezuva roga roga sezvamaingoita muchapiwa mashanga.” VaIjipiti vaya vaishandisa vaIsiraeri vakarova vaIsiraeri vaye vakanga vasarudzwa kutungamirira vamwe pabasa vachiti, “Chii chakutadzisai kupedza mugwazo wenyu wezvidhina wanhasi sezvamaimboita?”
VaIsiraeri ava vaitungamirira vamwe pabasa vakandochema kuna Farao vachiti, “Changamire, ko matifungira zvipiko? Isu varanda venyu hatichapiwi mashanga, asi kunyange zvakadaro, tinongonzi, ‘Kanyai zvidhina!’ Chionaika kuti tiri kurohwa isu, asi mhosva iri yavanhu venyu.”
Mambo akati, “Muri nyope chaidzo, tsimbe dzavanhu. Ho-o-o, ndosaka muchiti, ‘Regai tiende tindopira zvibayiro kuna Tenzi nhai.’ Chibvai pano! Dzokerai kubasa! Mashanga hamupiwe! Mugwazo wezvidhina wamakapiwa unofanira kupera.” VaIsiraeri ava vokutungamirira vamwe pabasa, vakaona kuti vatova munjodzi huru pavakanzi, “Mugwazo wenyu wezvidhina wamazuva ose hauzotapudzwa.”
Pakarepo vakasangana naMosesi naAroni vakanga vakavamirira kuti vaonane navo pakubuda kwavo vachibva pana Farao. Vakavati, “Tenzi ngaakuonei, aone zvaangaite nemi nokuti imi mazotivengesa kwazvo naFarao namakurukota ake. Makaisa bakatwa mumaoko avo kuti vatiuraye zvavo naro.”