Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ekisodho 5:1-21

Ekisodho 5:1-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Shure kwaizvozvo Mozisi naAroni vakaenda kuna Faro vakati, “Zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri: ‘Rega vanhu vangu vaende, kuti vanondiitira mutambo kurenje.’ ” Faro akati, “Jehovha ndianiko, kuti ndigomuteerera uye ndigorega vaIsraeri vachienda? Handimuzivi Jehovha iyeye uye handidi kurega vaIsraeri vachienda.” Ipapo vakati, “Mwari wavaHebheru akasangana nesu. Zvino tiregei tifambe rwendo rwamazuva matatu kurenje kuti tinobayira zvipiriso kuna Jehovha Mwari wedu, kuti arege kutirova namatambudziko kana nomunondo.” Asi mambo weIjipiti akati, “Mozisi naAroni, munobvisireiko vanhu pabasa ravo? Dzokerai kubasa renyu!” Ipapo Faro akati, “Tarirai, vanhu vawanda zvino munyika, uye muri kuvakonesa kushanda.” Musi mumwe chetewo Faro akarayira vatariri vebasa navakuru vakuru vavanhu achiti, “Imi hamuchazovigiri vanhu uswa hwokuita zvidhina; varegei vandozviunganidzira uswa pachavo. Asi vanofanira kuita zvidhina zvakaenzana pakuwanda nezvavaisimboita kare; musazvitapudza. Isimbe; ndokusaka vachichema vachiti, ‘Tiregei tiende kundobayira kuna Mwari wedu.’ Itai kuti basa rinyanye kuomera vanhu kuitira kuti varambe vachishanda uye varege kuteerera kunhema.” Ipapo vatariri vebasa navakuru vakuru vakabuda vakandoti kuvanhu, “Zvanzi naFaro, ‘Handichazokupaizve uswa. Endai mundozvitsvakira uswa kana kupi zvako kwamungahuwana, asi basa renyu haritapudzwi kana napaduku.’ ” Saka vanhu vakapararira muIjipiti yose kundounganidza mashanga kuti vaashandise pachinzvimbo chouswa. Vatariri vebasa vakaramba vachivamanikidza vachiti, “Pedzai basa ramakatarirwa pazuva rimwe nerimwe, sezvamaiita pamaiwana uswa.” Vakuru vakuru vavaIsraeri vakanga vagadzwa navatariri vebasa vaFaro vakarohwa uye vakabvunzwa kuti, “Seiko musina kupedza basa renyu rezvidhina zvanezuro nezvanhasi, sezvamaichiita kare pamaipuwa uswa.” Ipapo vakuru vakuru vavaIsraeri vakaenda nechichemo kuna Faro vakati, “Seiko muchibata varanda venyu nenzira yakadai? Varanda venyu havapiwi uswa, asi tinonzi, ‘Itai zvidhina!’ Varanda venyu vari kurohwa, asi mhosva ndeyavanhu venyu.” Faro akati, “Simbe, ndizvo zvamuri imi, muri simbe! Ndokusaka muchingoramba muchiti, ‘Tiregei tindobayira kuna Jehovha.’ Zvino chiendai kubasa. Hamuzombopiwi kana uswa, asi munofanira kuita basa renyu rezvidhina zvakakwana.” Vakuru vakuru vavaIsraeri vakaona kuti vapinda mudambudziko pavakaudzwa kuti, “Hamufaniri kutapudza uwandu hwezvidhina zvamakatarirwa pazuva rimwe.” Pavakabva pana Faro, vakawana Mozisi naAroni vakavamirira, uye vakati, “Jehovha ngaakutarirei uye akutongei! Matiita chinhu chinonhuhwa kuna Faro namachinda ake uye maisa munondo muruoko rwavo kuti vatiuraye.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 5

Ekisodho 5:1-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Shure kwaizvozvo Mosesi naAroni vakaenda, vakati kuna Farao, “Zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, ‘Tendera vanhu vangu kuenda, kuti vandiitire mutambo murenje.’ ” Farao akati, “Jehovha ndiye aniko, kuti nditeerere izwi rake, kuti nditendere vaIsiraeri kuenda? Handimuzivi iye Jehovha, neni handingatenderi vaIsiraeri kuenda.” Vakati, “Mwari wavaHebheru akasangana nesu; dotitenderai kuenda rwendo rwamazuva matatu murenje, tindobayira Jehovha Mwari wedu; kuti arege kutirova nedenda kana nomunondo.” Ipapo mambo weIjipiti akati kwavari, “Imi Mosesi naAroni, munotsautsireiko vanhu pamabasa avo? Endai kumirimo yenyu.” Farao akati, “Tarirai, vanhu venyika ino vatova vazhinji, zvino imi moda kuvazorodza pamirimo yavo.” Nomusi iwoyo Farao akaraira varairi vamabasa avanhu, navatariri vavo, akati, “Musaramba muchipa vanhu uswa hwokuita zvitina nahwo, sezvamakaita kusvikira zvino; ngavaende vandozviunganidzira uswa vega. Asi zvitina zvavakaita kusvikira zvino, muvatarire izvozvo; musazvitapudza, nokuti havana chavanobata, saka vanodana, vachiti, ‘Titenderei tindobayira Mwari wedu.’ Varume ngavawedzerwe basa rinorema, varemerwa naro; kuti varege kurangarira mashoko enhema.” Ipapo varairi vamabasa avanhu navatariri vavo vakabuda, vakataura navanhu, vakati, “Zvanzi naFarao, ‘Handichakupiyi uswa. Endai mega mundozvitorera uswa pamungauwana, nokuti basa renyu haritapudzwi.’ ” Zvino vanhu vakapararira kunyika yose yeIjipiti kuzounganidza mashanga panzvimbo youswa. Varairi vamabasa vakavakurudzira, vachiti, “Pedzai basa renyu, mabasa amaifanira kuita mazuva ose muchino uswa.” Navatariri vavana vaIsiraeri, vakanga vaiswa pamusoro pavo navarairi vaFarao, vaisirohwa, zvichinzi, “Makaregerei kupedza basa renyu razuro neranhasi muchiita zvitina sezvamakaita kusvikira zvino?” Zvino vatariri vavana vaIsiraeri vakauya vachichema kuna Farao, vachiti, “Munoitireiko kudaro navaranda venyu? Varanda venyu havapiwi uswa, asi vanoti kwatiri, ‘Itai zvitina’; tarirai varanda venyu vanorohwa, asi mhaka iri kuvanhu venyu.” Asi iye akati, “Hamuna chamunobata, hamuna chamunobata, saka munoti, ‘Titenderei kundobayira Jehovha.’ Naizvozvo endai zvino, mubate, nokuti hamuchapiwi uswa, asi munofanira kupedza zvitina zvakatarwa.” Zvino vatariri vavana vaIsiraeri vakaona kuti vari panjodzi, zvazvakanzi, “Hamungatapudzi pazvitina zvenyu, zvamunofanira kuita mazuva ose.” Vakasangana naMosesi naAroni, vakanga vamire panzira pakubuda kwavo pamberi paFarao; vakati kwavari, “Jehovha ngaakutarirei akutongei, nokuti matinyadzisa pamberi paFarao navaranda vake, mukaisa munondo muruoko rwavo wokutiuraya nawo.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 5

Ekisodho 5:1-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Mosesi naAroni vakazoenda kuna Farao vakapira nyaya yavo vachiti, “Zvanzi naTenzi, Mwari vavaIsiraeri, regai vanhu vangu vaende kurenje kundondiitira mabiko.” Asi Farao akati, “Ko Tenzi iyeyo ndiani chaizvoizvo wandinganzi ini nditeerere, ndigorega vaIsiraeri vachienda? Tenzi wacho handimuzivi. Saka ini handibvumirewo vaIsiraeri kuenda.” Ivowo vakapindura vachiti, “Mwari wevaHebheru akasangana nesu. Dai mukatirega zvenyu tifambe rwendo rwamazuva matatu tichienda kurenje tindopira Tenzi, Mwari wedu mipiro. Kana tikarega kuzviita angatiuraye nedenda kana kutiparadza nehondo.” Mambo weIjipiti akati, “Ko iwe Mosesi newe Aroni, imhaka yei muchifurira vaIsiraeri kuti varege kuita basa ravo? Imi dzokerai kubasa.” Farao akati, “Imi muri kuona kuti iye zvino vanhu vechirudzi mawanda muno ndopamava kutoda zvenyu kutadzisa vanhu kuita basa.” Musi iwoyo Farao akaudza vaIjipiti vaishandisa vaIsiraeri basa, navamwe vaIsiraeri vaitungamirira vamwe pabasa achiti, “Chiregai kunge muchapa vanhu ava mashanga okukanyisa zvidhina sezvamanga muchiita. Varegei vazvitsvakire mashanga voga. Asi mugwazo wezvidhina wavakatemerwa ngaurambe wakadaro, musautapudze kunyange napaduku pose. Vanhu ava itsimbe, ndokusaka vachichema vachiti, ‘Regai tiende kundopira Mwari wedu zvibayiro.’ Remedzai vanhu ava nebasa kuti vaite basa varege kuteerera zvokunyepa izvo.” VaIjipiti vaya vaishandisa vaIsiraeri basa pamwechete navamwe vaIsiraeri vaitungamirira vamwe pabasa vakandotaurira vaIsiraeri kuti, “Zvanzi naFarao, ‘Handichakupai mashanga. Endai mundozvitsvakira moga chero kupi zvako kwamungaawanire. Asi mugwazo wenyu uchangoramba wakadaro.’ ” Saizvozvo vaIsiraeri vakaita fararira nenyika yose yeIjipiti vachitsvaka zvidzitsi zvamashanga muminda. Vaya vaishandisa vaIsiraeri vakaramba vachivaomesera vachiti, “Pedzai mugwazo wenyu wezuva roga roga sezvamaingoita muchapiwa mashanga.” VaIjipiti vaya vaishandisa vaIsiraeri vakarova vaIsiraeri vaye vakanga vasarudzwa kutungamirira vamwe pabasa vachiti, “Chii chakutadzisai kupedza mugwazo wenyu wezvidhina wanhasi sezvamaimboita?” VaIsiraeri ava vaitungamirira vamwe pabasa vakandochema kuna Farao vachiti, “Changamire, ko matifungira zvipiko? Isu varanda venyu hatichapiwi mashanga, asi kunyange zvakadaro, tinongonzi, ‘Kanyai zvidhina!’ Chionaika kuti tiri kurohwa isu, asi mhosva iri yavanhu venyu.” Mambo akati, “Muri nyope chaidzo, tsimbe dzavanhu. Ho-o-o, ndosaka muchiti, ‘Regai tiende tindopira zvibayiro kuna Tenzi nhai.’ Chibvai pano! Dzokerai kubasa! Mashanga hamupiwe! Mugwazo wezvidhina wamakapiwa unofanira kupera.” VaIsiraeri ava vokutungamirira vamwe pabasa, vakaona kuti vatova munjodzi huru pavakanzi, “Mugwazo wenyu wezvidhina wamazuva ose hauzotapudzwa.” Pakarepo vakasangana naMosesi naAroni vakanga vakavamirira kuti vaonane navo pakubuda kwavo vachibva pana Farao. Vakavati, “Tenzi ngaakuonei, aone zvaangaite nemi nokuti imi mazotivengesa kwazvo naFarao namakurukota ake. Makaisa bakatwa mumaoko avo kuti vatiuraye zvavo naro.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 5

Ekisodho 5:1-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Shure kwaiɀoɀo Mosesi naAroni ʋakaenda, ʋakati kunaFarao: Ɀanzi naJehova, Mŋari waIsraeri: Tendera ʋanhu ʋaŋgu kuenda, kuti ʋandiitire mutambo murenje. Farao akati: Jehova ndiye aniko, kuti nditerere inzwi rake, kuti nditendere ʋaIsraeri kuenda? Handimuziʋi iye Jehova, neni handiŋgatenderi ʋaIsraeri kuenda. Ʋakati: Mŋari waʋaHeberu wakasoŋgana nesu; ɗotitenderai kuenda rwendo rwamazuʋa matatu murenje, tindoɓayira Jehova Mŋari weɗu; kuti arege kutiroʋa neɗenda kana nomunondo. Ipapo mambo weEgipita akati kwaʋari: Imi Mosesi naAroni, munotsausireiko ʋanhu pamaɓasa aʋo? Endai kumirimo yenyu. Farao akati: Tarirai, ʋanhu ʋenyika ino ʋatoʋa ʋazhinji, ɀino imi moɗa kuʋazorodza pamirimo yaʋo. Nomusi iwoyo Farao akaraira ʋarairi ʋamaɓasa aʋanhu, naʋatariri ʋaʋo, akati: Musaramba mucipa ʋanhu ʋuswa bgokuita ɀitina nabgo, seɀamakaita kuȿikira ɀino; ŋgaʋaende ʋandoɀiʋuŋganidzira ʋuswa ʋamene. Asi ɀitina ɀaʋakaita kuȿikira ɀino, muʋatarire iɀoɀo; musaɀitapudza, nokuti haʋana‐caʋanoɓata, saka ʋanoɗana, ʋaciti: Titenderei tindoɓayira Mŋari weɗu. Ʋarume ŋgaʋawedzerwe ɓasa rinorema, ʋaremerwe naro; kuti ʋarege kuraŋgarira mashoko enhema. Ipapo ʋarairi ʋamabasa aʋanhu naʋatariri ʋaʋo ʋakaɓuɗa, ʋakataura naʋanhu, ʋakati: Ɀanzi naFarao: Handicakupiyi ʋuswa. Endai mumene mundoɀitorera ʋuswa pamuŋgaʋuwana, nokuti ɓasa renyu haritapudzwi. Ɀino ʋanhu ʋakapararira kunyika yose yeEgipita kuzoʋuŋganidza mashaŋga panɀimbo yoʋuswa. Ʋarairi ʋamaɓasa ʋakaʋakurudzira, ʋaciti: Pedzai ɓasa renyu, maɓasa amaifanira kuita mazuʋa ose mucinoʋuswa. Naʋatariri ʋaʋana ʋaIsraeri, ʋakaŋga ʋaiswa pamsoro paʋo naʋarairi ʋaFarao, ʋaisirobga, ɀicinzi: Makaregerei kupedza ɓasa renyu razuro neranhasi muciita ɀitina seɀamakaita kuȿikira ɀino? Ɀino ʋatariri ʋaʋana ʋaIsraeri ʋakaʋuya ʋacicema kunaFarao, ʋaciti: Munoitireiko kuɗaro naʋaranda ʋenyu? Ʋaranda ʋenyu haʋapiwi ʋuswa, asi ʋanoti kwatiri: Itai ɀitina; tarirai ʋaranda ʋenyu ʋanorobga, asi mhaka iri kuʋanhu ʋenyu. Asi iye akati: Hamuna‐camunoɓata, hamuna‐camunoɓata, saka munoti: Titenderei kundoɓayira Jehova. Naiɀoɀo endai ɀino, muɓate, nokuti hamucapiwi ʋuswa, asi munofanira kupedza ɀitina ɀakatarwa. Ɀino ʋatariri ʋaʋana ʋaIsraeri ʋakaʋona kuti ʋari panjodzi, ɀaɀakanzi: Hamuŋgatapudzi paɀitina ɀenyu, ɀamunofanira kuita mazuʋa ose. Ʋakasoŋgana naMosesi naAroni, ʋakaŋga ʋamire panzira pakuɓuɗa kwaʋo pamberi paFarao; ʋakati kwaʋari: Jehova ŋgaakutarirei akutoŋgei, nokuti matinyadzisa pamberi paFarao naʋaranda ʋake, Mukaisa munondo muruʋoko rwaʋo wokutiʋuraya nawo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 5

Ekisodho 5:1-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)