Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kubuda 36:1-38

Kubuda 36:1-38 SCLB

“Bhezarieri naOhoriabhu vanofanira kushanda navose vakapiwa naTenzi ruzivo noungwaru hwokuita mabasa ose okuvaka Nzvimbo Inoera, sezvakanzi naTenzi zviitwe.” Mosesi akadaidza Bhezarieri naOhoriabhu nenyanzvi dzose dzakanga dzapiwa njere naTenzi dzaivawo nechido chokubatsira pabasa, kuti vazoita basa. Vakagamuchira zvipo zvose izvozvo kuna Mosesi zvakanga zvaunzwa navaIsiraeri kuzoitisa basa romuNzvimbo Inoera. Izvozvo vaIsiraeri vainge vachingofumouya nazvo. Nokudaro nyanzvi dzamabasa akasiyana-siyana dzakauya kubasa romuNzvimbo Inoera dzichibva kumabasa adzo akare. Nyanzvi idzodzi dzakazotaurira Mosesi kuti, “Vanhu vari kungoramba vachiunza zvipo zvebasa rakanzi naTenzi riitwe, asi zvipo zvacho zvawandisa.” Mosesi akatuma chirevo mumatendhe chokuti, “Ngapachirega kunge pachave nomurume kana mukadzi anouya nechipo chokushandisa muNzvimbo Inoera.” Naizvozvo vanhu vakarega kuunza zvipo izvozvo, nokuti zvipo zvakanga zvaunzwa kare zvakanga zvatokwana kuitisa basa iroro, zvichitopfuuridza. Varume vose vaiva noruzivo rwokuita mabasa pakati penyanzvi dzakanga dzauya, vakagadzira tendhe rinoera vachiritenderedza namachira makuru okudzikatirisa gumi namaviri, erineni akanakisisa newuru yeruvara rwedenga neyeruvara rwehute netsvuku, akarukirirwa zvakanakisisa makerubhu. Machira acho ose akanga akaenzana, urefu hwawo hwaiita mamita gumi namaviri, hwasha hwawo huchiita mamita maviri. Pamachira iwayo, akasonanidza mashanu pawo oga, akasonanidzawo mamwe acho mashanu ari pawo oga. Akaita zvishwe zvomucheka weruvara rwedenga pamupendero wejira rokunzekunze pamachira aye okutanga, akaitawo saizvozvo pamupendero wokunzekunze pamachira aye echipiri. Akaita zvishwe makumi mashanu pamachira aye okutanga, akaitawo zvimwe zvishwe makumi mashanu pamupendero wejira rokunzekunze pamachira echipiri. Zvishwe izvozvo zvaiva pamachira iwayo zvakanga zvakatarisana. Akagadzira zvikochekero zvendarama makumi mashanu, ndokubatanidza machira makuru okudzikatirisa maviri aye nezvikochekero izvozvo rikava tendhe rimwechete. Akagadzirawo machira okudzikatirisa gumi nerimwechete emvere dzembudzi okuisa padenga retendhe rinoera. Akagadzira machira acho ose akaenzana, kureba kwawo kwaiva mamita gumi nematatu, hwasha hwawo hwaiva mamita maviri. Akabatanidza pamwechete machira mashanu pawo oga, ndokubatanidzawo pamwechete mamwe machira matanhatu pawo oga. Akaita zvishwe makumi mashanu pamupendero wejira rokunzekunze pamachira aye okutanga, akaitawo zvimwe zvishwe makumi mashanu pamupendero wejira rokunzekunze pamachira aye echipiri. Akagadzira zvikochekero makumi mashanu zvomundarira zvokubatanidza nazvo machira maviri iwayo pamwechete kuita zijira rimwechete. Akagadzira dahunha repadenga retendhe rinoera namatehwe ehondohwe akasukwa akatsvukiswa, neetahashi. Akaveza mapango omuunga okumisa chengo chetendhe rinoera. Urefu hwebango rimwe nerimwe hwaiva mamita mana, hwasha hwaro huchiita masendimita makumi matanhatu. Bango roga roga raiva nezviga zviviri zvokuribatanidza nerimwe. Akaita izvozvi namapango ose etendhe rinoera. Aya ndiwo mavezero aakaita mapango etendhe rinoera. Akaveza mapango makumi maviri okumisa divi retendhe rinoera rokumaodzanyemba. Akagadzirawo zvigadzikiro zvesirivha makumi mana zvokumisa mapango iwayo. Pabango rimwe nerimwe paiva nezvigadzikiro zviviri, zvakanga zvakagumana musana pasi pezviga zviya zvamapango. Kudivi rimwe retendhe, rokuchamhembe, akagadzira makumi maviri amapango okumisa tendhe, akagadzirawo zvigadzikiro zvawo zvesirivha makumi mana achiisa zvigadzikiro zviviri pasi pebango roga roga. Akaveza mapango matanhatu okumisa chengo chetendhe cheseri chokumadokero. Akaveza mapango maviri maviri okumisa mumakona maviri eshure kwetendhe. Mapango maviri akaamisa asina kubatana nechepasi pawo, asi kumusoro akaabatanidza necheparingi rokutanga, ndozvaakaaita ose ari maviri maviri pamakona iwayo maviri. Saka chengo chetendhe cheshure chaiva namapango akavezwa masere aiva nezvigadzikiro zvawo zvesirivha gumi nezvitanhatu zviri zviviri zviviri pasi pebango roga roga. Akagadzira mbariro dzomuunga shanu dzorumwe rutivi, shanu dzorumwewo rutivi, neshanu dzorumwewo rutivi rweseri kwetendhe rinoera kumadokero. Akagadzira rumbariro rwokuisa pakati napakati pamapango akavezwa ruchiapoteredza kusvika kunze nokunze. Akanamira ndarama mapango iwayo nembariro ndokuisa maringi endarama pamapango okubata mbariro idzodzo ndokunamira mbariro idzodzo ndarama. Akagadzira jira rokudzikatirisa nerineni yakanakisisa yeruvara rwedenga neruvara rwehute nerutsvuku yakarukirirwa makerubhu. Akarigadzirira mapango mana akavezwa omuunga akaanamira nendarama, nezvipikiri zvawo zvendarama akaagadzirira zvigadzikiro zvawo zvina zvesirivha. Akagadzirawo jira rokudzikatirisa pamusuo wetendhe rinoera, rerineni rakanakisisa rakarukirirwa zvakanakisisa newuru yeruvara rwedenga neyeruvara rwehute netsvuku. Akagadzirawo mapango aro mashanu akaanamira ndarama pane zvapamusoro pawo, zvipikiri zvawo zvaiva zvendarama. Asi zvigadzikiro zvawo zvishanu zvaiva zvendarira.

Verenga chikamu Kubuda 36