Kubuda 36
36
1“Bhezarieri naOhoriabhu vanofanira kushanda navose vakapiwa naTenzi ruzivo noungwaru hwokuita mabasa ose okuvaka Nzvimbo Inoera, sezvakanzi naTenzi zviitwe.”
Vanhu vanounza zvipo zvizhinji
2Mosesi akadaidza Bhezarieri naOhoriabhu nenyanzvi dzose dzakanga dzapiwa njere naTenzi dzaivawo nechido chokubatsira pabasa, kuti vazoita basa. 3Vakagamuchira zvipo zvose izvozvo kuna Mosesi zvakanga zvaunzwa navaIsiraeri kuzoitisa basa romuNzvimbo Inoera. Izvozvo vaIsiraeri vainge vachingofumouya nazvo. 4Nokudaro nyanzvi dzamabasa akasiyana-siyana dzakauya kubasa romuNzvimbo Inoera dzichibva kumabasa adzo akare. 5Nyanzvi idzodzi dzakazotaurira Mosesi kuti, “Vanhu vari kungoramba vachiunza zvipo zvebasa rakanzi naTenzi riitwe, asi zvipo zvacho zvawandisa.”
6Mosesi akatuma chirevo mumatendhe chokuti, “Ngapachirega kunge pachave nomurume kana mukadzi anouya nechipo chokushandisa muNzvimbo Inoera.” Naizvozvo vanhu vakarega kuunza zvipo izvozvo, 7nokuti zvipo zvakanga zvaunzwa kare zvakanga zvatokwana kuitisa basa iroro, zvichitopfuuridza.
Kugadzirwa kwetendhe rinoera
(Kub 26:1–37)
8Varume vose vaiva noruzivo rwokuita mabasa pakati penyanzvi dzakanga dzauya, vakagadzira tendhe rinoera vachiritenderedza namachira makuru okudzikatirisa gumi namaviri, erineni akanakisisa newuru yeruvara rwedenga neyeruvara rwehute netsvuku, akarukirirwa zvakanakisisa makerubhu. 9Machira acho ose akanga akaenzana, urefu hwawo hwaiita mamita gumi namaviri, hwasha hwawo huchiita mamita maviri. 10Pamachira iwayo, akasonanidza mashanu pawo oga, akasonanidzawo mamwe acho mashanu ari pawo oga. 11Akaita zvishwe zvomucheka weruvara rwedenga pamupendero wejira rokunzekunze pamachira aye okutanga, akaitawo saizvozvo pamupendero wokunzekunze pamachira aye echipiri. 12Akaita zvishwe makumi mashanu pamachira aye okutanga, akaitawo zvimwe zvishwe makumi mashanu pamupendero wejira rokunzekunze pamachira echipiri. Zvishwe izvozvo zvaiva pamachira iwayo zvakanga zvakatarisana. 13Akagadzira zvikochekero zvendarama makumi mashanu, ndokubatanidza machira makuru okudzikatirisa maviri aye nezvikochekero izvozvo rikava tendhe rimwechete.
14Akagadzirawo machira okudzikatirisa gumi nerimwechete emvere dzembudzi okuisa padenga retendhe rinoera. 15Akagadzira machira acho ose akaenzana, kureba kwawo kwaiva mamita gumi nematatu, hwasha hwawo hwaiva mamita maviri. 16Akabatanidza pamwechete machira mashanu pawo oga, ndokubatanidzawo pamwechete mamwe machira matanhatu pawo oga. 17Akaita zvishwe makumi mashanu pamupendero wejira rokunzekunze pamachira aye okutanga, akaitawo zvimwe zvishwe makumi mashanu pamupendero wejira rokunzekunze pamachira aye echipiri. 18Akagadzira zvikochekero makumi mashanu zvomundarira zvokubatanidza nazvo machira maviri iwayo pamwechete kuita zijira rimwechete. 19Akagadzira dahunha repadenga retendhe rinoera namatehwe ehondohwe akasukwa akatsvukiswa, neetahashi. 20Akaveza mapango omuunga okumisa chengo chetendhe rinoera. 21Urefu hwebango rimwe nerimwe hwaiva mamita mana, hwasha hwaro huchiita masendimita makumi matanhatu. 22Bango roga roga raiva nezviga zviviri zvokuribatanidza nerimwe. Akaita izvozvi namapango ose etendhe rinoera. 23Aya ndiwo mavezero aakaita mapango etendhe rinoera. Akaveza mapango makumi maviri okumisa divi retendhe rinoera rokumaodzanyemba. 24Akagadzirawo zvigadzikiro zvesirivha makumi mana zvokumisa mapango iwayo. Pabango rimwe nerimwe paiva nezvigadzikiro zviviri, zvakanga zvakagumana musana pasi pezviga zviya zvamapango. 25Kudivi rimwe retendhe, rokuchamhembe, akagadzira makumi maviri amapango okumisa tendhe, 26akagadzirawo zvigadzikiro zvawo zvesirivha makumi mana achiisa zvigadzikiro zviviri pasi pebango roga roga. 27Akaveza mapango matanhatu okumisa chengo chetendhe cheseri chokumadokero. 28Akaveza mapango maviri maviri okumisa mumakona maviri eshure kwetendhe. 29Mapango maviri akaamisa asina kubatana nechepasi pawo, asi kumusoro akaabatanidza necheparingi rokutanga, ndozvaakaaita ose ari maviri maviri pamakona iwayo maviri. 30Saka chengo chetendhe cheshure chaiva namapango akavezwa masere aiva nezvigadzikiro zvawo zvesirivha gumi nezvitanhatu zviri zviviri zviviri pasi pebango roga roga.
31Akagadzira mbariro dzomuunga shanu dzorumwe rutivi, 32shanu dzorumwewo rutivi, neshanu dzorumwewo rutivi rweseri kwetendhe rinoera kumadokero. 33Akagadzira rumbariro rwokuisa pakati napakati pamapango akavezwa ruchiapoteredza kusvika kunze nokunze. 34Akanamira ndarama mapango iwayo nembariro ndokuisa maringi endarama pamapango okubata mbariro idzodzo ndokunamira mbariro idzodzo ndarama.
35Akagadzira jira rokudzikatirisa nerineni yakanakisisa yeruvara rwedenga neruvara rwehute nerutsvuku yakarukirirwa makerubhu. 36Akarigadzirira mapango mana akavezwa omuunga akaanamira nendarama, nezvipikiri zvawo zvendarama akaagadzirira zvigadzikiro zvawo zvina zvesirivha. 37Akagadzirawo jira rokudzikatirisa pamusuo wetendhe rinoera, rerineni rakanakisisa rakarukirirwa zvakanakisisa newuru yeruvara rwedenga neyeruvara rwehute netsvuku. 38Akagadzirawo mapango aro mashanu akaanamira ndarama pane zvapamusoro pawo, zvipikiri zvawo zvaiva zvendarama. Asi zvigadzikiro zvawo zvishanu zvaiva zvendarira.
Zvasarudzwa nguva ino
Kubuda 36: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.