Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Veza mafendefa maviri akafanana nookutanga aye, ndinyore paari mazwi akanga ari pamafendefa okutanga aye awakaputsa. Gadzirira mangwanani, ukwire mangwanani iwayo mugomo reSinai, uuye pandiri pamusoro pegomo ipapo. Usakwiremo nomumwe. Hapana munhu anofanira kuonekwa ari mugomo imomo mose. Musarege mombe kana zvimwe zvipfuwo zvichifura mujinga megomo iroro.” Zvino Mosesi akaveza mafendefa maviri akafanana nookutanga aye. Akafumomuka akakwira mugomo reSinai sokuudzwa kwaakanga aitwa naTenzi, akatakurawo mafendefa maviri aye mumaoko.
Tenzi akaburuka ari mugore ndokusvikomira naye. Pakarepo Tenzi akadoma zita rake rokuti, “Yahweh.” Tenzi akazopfuura napaiva naMosesi akadetemba zita rake achiti:
“Yahweh, Yahweh Mwari ane tsitsi,
ane mwoyo wakanaka,
ane mwoyo murefu,
azere nomwoyochena wakawanda wakavimbika,
azere kutendeseka.
Anoitira zviuru nezviuru zvavanhu mwoyochena
anoregerera zvitadzo,
achiregererawo kukanganisa nouipi,
asi haamborega zvake munhu
anokodzera kurangwa asina kurangwa.
Anoranga vana navana vavo,
achivarangira zvakaipa zvamadzibaba avo,
achitevedza zvizvarwa zvavo,
kunyange kusvikira kune chechitatu nechechina.”
Ipapo Mosesi akakurumidza kugwadama pasi akanamata. Akati, “Tenzi kana muchifadzwa neni, ndinokumbira kuti imi Tenzi tiende muri pakati pedu kunyange zvazvo vari tsvuuramuromo dzavanhu, tiregerereiwo zvitadzo zvedu, nouipi hwedu mutigamuchire senhaka yenyu.”
Mwari akati, “Chinzwa ndava kuita chitenderano nemi. Ndichaita zvishamiso vanhu vako vachiona, zvishamiso zvisina kumboitwa pasi pose kunyange pakati pendudzi dzipi nedzipi zvadzo. Vanhu vose vamuchange mugere pakati pavo vachaona basa rangu ini Tenzi nokuti zvandichaita newe zvinhu zvinotyisa. Chengeta zvandinokuudza nhasi. Chinzwa, ndichaita kuti vaAmori navaKanani navaHiti navaPerizi navaHivhi navaJebhusi vakutizei. Chenjerai kuti murege kuita chitendarano navanhu vagere kunyika iyoyo kwamuri kuenda kungadaro kukava kuzviteyera musungo pakati penyu. Munofanira kuputsa atari dzavo, muparadzewo shongwe dzavo, mutemere pasi micherechedzo yamwari wavo, Ashera.
“Ndinodaro nokuti hamufanire kunamata mumwe mwari, nokuti Tenzi zita rake ndiNyashanje; ndiMwari aneshanje. Mungadaro mukaita chitenderano navanhu vagere munyika iyoyo, pavanenge voita unzenza hwokupira zvibayiro zvavo kuna vamwari vavo mumwe angadaro akakukokai mukazodya chibayiro chake, uye moroorera vana venyu vakadzi kuvanasikana vavo. Varoora venyu ivavo vanozoita unzenza hwokunamata vamwari vavo vachizokwezverawo vana venyu kunamata vamwari vavo.
“Usatore utare uchizviumbira vamwari.
“Unofanira kuchengeta mazuva makuru echingwa chisina mbiriso. Mumwedzi waAbhibhi unofanira kudya chingwa chisina mbiriso kwamazuva manomwe sokukuudza kwandakaita nokuti imi makabuda muIjipiti mumwedzi waAbhibhi.
“Dangwe rose rechikomana nderangu. Zvipfuwo zvose zvikono zvinotanga kuberekwa zvingave zvemombe kana zvezvimwe zvipfuwo ndezvangu. Dangwe redhongi unofanira kurinunura nehwayana. Kana usina kurinunura unofanira kurityora mutsipa waro. Matangwe enyu ose echirume avanhu ngaanunurwe.
“Ngaparege kuva nomunhu anouya kwandiri akangobata zvake maoko.
“Kwamazuva matanhatu, shanda zvako, asi pazuva rechinomwe unofanira kuzorora, pangave pakurima kana pakukohwa.
“Chengeta mazuva makuru anonzi mazuva aMavhiki, mazuva ekoroni yokutanga. Chengetawo mazuva okupemberera kukohwa pakupera kwegore. Vanhurume vose vanofanira kuuya katatu pagore kuna Tenzi Mwari, Mwari weIsiraeri. Ndinodaro nokuti ndichaita kuti ndudzi dzavanhu dzikutizei ndigokudza-kudza nyika yenyu zvokuti pamunouya katatu kwandiri hapana anozoita ruchiva rwokuda kukutorerai.
“Rega kupira ropa rechibayiro changu pamwechete nechingwa chine mbiriso. Nyama inosara pazuva guru rePasika ngairege kufuma mangwana acho ichiripo.
“Pambesa dzenyu dzokutanga kukohwa munofanira kutora dzokutangisisa dzacho muuye nadzo kuimba yaTenzi, Mwari wenyu. Musabike mbudzana nomukaka waamai vayo.”
Tenzi akaudza Mosesi kuti, “Nyora mashoko aya andareva nokuti ndiwo hwaro hwechitenderano chandakaita newe neIsiraeri.” Mosesi akagara mugomo reSinai siku nesikati kwamazuva makumi mana aina Tenzi, asina chaainwa kana kudya. Mwari akanyora pamafendefa mitemo gumi yechitenderano.
Mosesi akazoburuka mugomo reSinai, paaiburuka mugomo akanga akatakura mumaoko mafendefa maviri eMitemo gumi. Asi haana kuziva kuti chiso chake chakanga chava kupenya pamusana pokutaura kwaakanga aita naMwari. Aroni navaIsiraeri vose vakatarisa Mosesi, onei ganda rouso hwake riri kupenya, vakabva vatya kusvika pedyo naye. Asi Mosesi akavadaidza. Aroni navakuru vakuru vose vegungano vakadzokera kwaari, Mosesi ndokutaura navo. VaIsiraeri vose vakazouyawo pedyo, Mosesi ndokuvapa mitemo yose yaakanga apiwa naTenzi mugomo reSinai. Mosesi akati apedza kutaura navo akatora mucheka akafukidza chiso chake. Mosesi aiti kana opinda kundotaura naTenzi, aibvisa mucheka uyu kusvikira abudamo. Paaibuda aiudza vaIsiraeri zvose zvaainge audzwa naTenzi. VaIsiraeri vaiona kuti chiso chaMosesi chiri kupenya, naizvozvo Mosesi aitora mucheka ofukidza chiso chake pakare kusvikira, nguva yaaindotaura naMwari zvakare.