Ekisodho 34:1-35
Ekisodho 34:1-35 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Zvivezere mahwendefa maviri amabwe akafanana nookutanga, kuti ndinyore pamahwendefa mashoko aya akanga ari pamahwendefa okutanga awaputsa. Gara wazvigadzira mangwanani, ukwire mugomo reSinai mangwanani, umire pamberi pangu pamusoro pegomo. Asi mumwe munhu ngaarege kukwira newe, uye ngakurege kuonekwa munhu pagomo rose, namakwai nemombe ngazvirege kufura pamberi pegomo iri.” Ipapo Mosesi akaveza mahwendefa maviri akafanana nookutanga, akamuka mangwanani, akakwira mugomo reSinai, sezvaakanga arairwa naJehovha, akabata mahwendefa maviri muruoko rwake. Jehovha akaburuka ari mugomo, akamirapo naye, akadana zita raJehovha. Jehovha akapfuura pamberi pake, akadanidzira, achiti, “Jehovha, Jehovha, Mwari azere nyasha nengoni, anononoka kutsamwa, ane tsitsi huru nezvokwadi, anochengetera vane zviuru zvamazana nyasha dzake, anovakanganwira zvakaipa zvavo nokudarika kwavo nezvivi zvavo, asi asingapembedzi munhu ane mhosva, anorova vana nokuda kwezvakaipa zvamadzibaba avo, navana vavana vavo kusvikira kurudzi rwechitatu norwechina.” Ipapo Mosesi akakurumidza kukotamisa musoro wake pasi, akapfugama. Akati, “Ishe, kana ndakawana nyasha kwamuri, Ishe ngaafambe pakati pedu, nokuti vanhu ava vane mitsipa mikukutu; tikanganwirei henyu zvakaipa zvedu nezvivi zvedu, mutigamuchirei, tive nhaka yenyu.” Jehovha akati, “Tarira, ndinoita sungano newe; ndichaita pamberi pavanhu vako zvinoshamisa, zvisina kumboitwa panyika yose, kana kundudzi dzose; kuti vanhu vose vauri pakati pavo vaone basa raJehovha, nokuti ndinoita chinhu chinotyisa newe. Rangarira zvandinokuraira nhasi: Tarira, ndodzinga pamberi pako vaAmori, navaKenani, navaHeti, navaPerezi, navaHivhi, navaJebhusi. Chenjera kuti urege kuita sungano navanhu vagere munyika iyo kwaunoenda, kuti zvirege kuva musungo kwauri; asi munofanira kuputsa atari dzavo, nokuputsanya mabwe emifananidzo yavo, nokutema matanda avo avanonamata nawo; nokuti usapfugamira vamwe vamwari, nokuti Jehovha, ane zita rinonzi Anegodo, ndiMwari anegodo; kuti urege kuita sungano navanhu vagere munyika iyo, zvino kana ivo vopata vachitevera vamwari vavo, vachibayira vamwari vavo, mumwe akudane kuti udye nyama yezvibayiro zvake; iwe ukatorera vanakomana vako vakunda vavo, zvino kana vakunda vavo vopata vachitevera vamwari vavo, vapatise vanakomana vakowo vatevere vamwari vavo. “Usazviitira vamwari vakaumbwa. Uite mutambo wezvingwa zvisina kuviriswa. Unofanira kudya zvingwa zvisina kuviriswa mazuva manomwe, sezvandakakuraira nenguva yakatarwa pamwedzi weAbhibhi, nokuti wakabuda paIjipiti pamwedzi weAbhibhi. “Zvose zvinotanga kuzarura chizvaro ndezvangu, napazvipfuwo zvako zvikono zvose zvinotanga kuzarura chizvaro, kana pamombe kana pamakwai; mwana wokutanga wembongoro unofanira kuudzikinura negwayana; kana usingadi kuudzikinura, unofanira kuvhuna mutsipa wawo. Matangwe ose pavanakomana vako unofanira kuvadzikinura. Kurege kuva nomunhu anouya pamberi pangu asina chinhu. “Unofanira kubata mazuva matanhatu, asi nezuva rechinomwe uzorore, nenguva yokurima neyokukohwa uzorore. Unofanira kurangarira mutambo wamavhiki, wezvitsva zvekoroni inokohwiwa, nomutambo wokuunganidza pakupera kwegore. “Varume vako vose ngavauye pamberi paShe Mwari, iye Mwari waIsiraeri, katatu negore. Nokuti ndichadzinga ndudzi pamberi pako, ndikurise miganhu yako; hakungavi nomunhu achachiva nyika yako, kana achikwira katatu pagore kuti azviratidze pamberi paJehovha, Mwari wako. “Usauya neropa rechibayiro changu pamwechete nechingwa chakaviriswa; uye chibayiro chomutambo wePasika ngachirege kuvata usiku kusvikira mangwana. Zvokutanga zvezvitsva zvomunda wako unofanira kuuya nazvo kumba kwaJehovha Mwari wako. Usabika mbudzana mumukaka wamai vayo.” Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Nyora mashoko iwaya, nokuti ndaita sungano newe navaIsiraeri sezvinoreva mashoko iwaya.” Akavako kuna Jehovha mazuva ana makumi mana nousiku unamakumi mana; wakanga asingadyi zvokudya kana kunwa mvura. Akanyora pamahwendefa mashoko esungano, iyo mirairo ine gumi. Zvino Mosesi wakati achiburuka pagomo reSinai, Mosesi akabata mahwendefa maviri echipupuriro mumaoko ake, Mosesi wakanga asingazivi, achiburuka pagomo, kuti ganda rechiso chake rakanga richibwinya zvaakanga ataura naye. Zvino Aroni navana vaIsiraeri vose vakati vachiona Mosesi, vakaona ganda rechiso chake richibwinya, vakatya kuswedera kwaari; ipapo Mosesi akavadana, Aroni navakuru vose veungano vakadzokera kwaari, Mosesi akataura navo. Pashure vana vaIsiraeri vose vakaswedera, iye akavaraira zvose zvaakanga audzwa naJehovha pagomo reSinai. Zvino Mosesi wakati apedza kutaura navo akaisa chifukidzo pachiso chake. Asi kana Mosesi opinda pamberi paJehovha kundotaura naye, waibvisa chifukidzo kusvikira achibuda; zvino wobuda, ndokuudza vana vaIsiraeri zvarairwa. Vana vaIsiraeri vakaona chiso chaMosesi, kuti ganda rechiso chaMosesi raibwinya; zvino Mosesi wodzoserazve chifukidzo pachiso chake, kusvikira opinda kundotaura naye.
Ekisodho 34:1-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Veza mafendefa maviri akafanana nookutanga aye, ndinyore paari mazwi akanga ari pamafendefa okutanga aye awakaputsa. Gadzirira mangwanani, ukwire mangwanani iwayo mugomo reSinai, uuye pandiri pamusoro pegomo ipapo. Usakwiremo nomumwe. Hapana munhu anofanira kuonekwa ari mugomo imomo mose. Musarege mombe kana zvimwe zvipfuwo zvichifura mujinga megomo iroro.” Zvino Mosesi akaveza mafendefa maviri akafanana nookutanga aye. Akafumomuka akakwira mugomo reSinai sokuudzwa kwaakanga aitwa naTenzi, akatakurawo mafendefa maviri aye mumaoko. Tenzi akaburuka ari mugore ndokusvikomira naye. Pakarepo Tenzi akadoma zita rake rokuti, “Yahweh.” Tenzi akazopfuura napaiva naMosesi akadetemba zita rake achiti: “Yahweh, Yahweh Mwari ane tsitsi, ane mwoyo wakanaka, ane mwoyo murefu, azere nomwoyochena wakawanda wakavimbika, azere kutendeseka. Anoitira zviuru nezviuru zvavanhu mwoyochena anoregerera zvitadzo, achiregererawo kukanganisa nouipi, asi haamborega zvake munhu anokodzera kurangwa asina kurangwa. Anoranga vana navana vavo, achivarangira zvakaipa zvamadzibaba avo, achitevedza zvizvarwa zvavo, kunyange kusvikira kune chechitatu nechechina.” Ipapo Mosesi akakurumidza kugwadama pasi akanamata. Akati, “Tenzi kana muchifadzwa neni, ndinokumbira kuti imi Tenzi tiende muri pakati pedu kunyange zvazvo vari tsvuuramuromo dzavanhu, tiregerereiwo zvitadzo zvedu, nouipi hwedu mutigamuchire senhaka yenyu.” Mwari akati, “Chinzwa ndava kuita chitenderano nemi. Ndichaita zvishamiso vanhu vako vachiona, zvishamiso zvisina kumboitwa pasi pose kunyange pakati pendudzi dzipi nedzipi zvadzo. Vanhu vose vamuchange mugere pakati pavo vachaona basa rangu ini Tenzi nokuti zvandichaita newe zvinhu zvinotyisa. Chengeta zvandinokuudza nhasi. Chinzwa, ndichaita kuti vaAmori navaKanani navaHiti navaPerizi navaHivhi navaJebhusi vakutizei. Chenjerai kuti murege kuita chitendarano navanhu vagere kunyika iyoyo kwamuri kuenda kungadaro kukava kuzviteyera musungo pakati penyu. Munofanira kuputsa atari dzavo, muparadzewo shongwe dzavo, mutemere pasi micherechedzo yamwari wavo, Ashera. “Ndinodaro nokuti hamufanire kunamata mumwe mwari, nokuti Tenzi zita rake ndiNyashanje; ndiMwari aneshanje. Mungadaro mukaita chitenderano navanhu vagere munyika iyoyo, pavanenge voita unzenza hwokupira zvibayiro zvavo kuna vamwari vavo mumwe angadaro akakukokai mukazodya chibayiro chake, uye moroorera vana venyu vakadzi kuvanasikana vavo. Varoora venyu ivavo vanozoita unzenza hwokunamata vamwari vavo vachizokwezverawo vana venyu kunamata vamwari vavo. “Usatore utare uchizviumbira vamwari. “Unofanira kuchengeta mazuva makuru echingwa chisina mbiriso. Mumwedzi waAbhibhi unofanira kudya chingwa chisina mbiriso kwamazuva manomwe sokukuudza kwandakaita nokuti imi makabuda muIjipiti mumwedzi waAbhibhi. “Dangwe rose rechikomana nderangu. Zvipfuwo zvose zvikono zvinotanga kuberekwa zvingave zvemombe kana zvezvimwe zvipfuwo ndezvangu. Dangwe redhongi unofanira kurinunura nehwayana. Kana usina kurinunura unofanira kurityora mutsipa waro. Matangwe enyu ose echirume avanhu ngaanunurwe. “Ngaparege kuva nomunhu anouya kwandiri akangobata zvake maoko. “Kwamazuva matanhatu, shanda zvako, asi pazuva rechinomwe unofanira kuzorora, pangave pakurima kana pakukohwa. “Chengeta mazuva makuru anonzi mazuva aMavhiki, mazuva ekoroni yokutanga. Chengetawo mazuva okupemberera kukohwa pakupera kwegore. Vanhurume vose vanofanira kuuya katatu pagore kuna Tenzi Mwari, Mwari weIsiraeri. Ndinodaro nokuti ndichaita kuti ndudzi dzavanhu dzikutizei ndigokudza-kudza nyika yenyu zvokuti pamunouya katatu kwandiri hapana anozoita ruchiva rwokuda kukutorerai. “Rega kupira ropa rechibayiro changu pamwechete nechingwa chine mbiriso. Nyama inosara pazuva guru rePasika ngairege kufuma mangwana acho ichiripo. “Pambesa dzenyu dzokutanga kukohwa munofanira kutora dzokutangisisa dzacho muuye nadzo kuimba yaTenzi, Mwari wenyu. Musabike mbudzana nomukaka waamai vayo.” Tenzi akaudza Mosesi kuti, “Nyora mashoko aya andareva nokuti ndiwo hwaro hwechitenderano chandakaita newe neIsiraeri.” Mosesi akagara mugomo reSinai siku nesikati kwamazuva makumi mana aina Tenzi, asina chaainwa kana kudya. Mwari akanyora pamafendefa mitemo gumi yechitenderano. Mosesi akazoburuka mugomo reSinai, paaiburuka mugomo akanga akatakura mumaoko mafendefa maviri eMitemo gumi. Asi haana kuziva kuti chiso chake chakanga chava kupenya pamusana pokutaura kwaakanga aita naMwari. Aroni navaIsiraeri vose vakatarisa Mosesi, onei ganda rouso hwake riri kupenya, vakabva vatya kusvika pedyo naye. Asi Mosesi akavadaidza. Aroni navakuru vakuru vose vegungano vakadzokera kwaari, Mosesi ndokutaura navo. VaIsiraeri vose vakazouyawo pedyo, Mosesi ndokuvapa mitemo yose yaakanga apiwa naTenzi mugomo reSinai. Mosesi akati apedza kutaura navo akatora mucheka akafukidza chiso chake. Mosesi aiti kana opinda kundotaura naTenzi, aibvisa mucheka uyu kusvikira abudamo. Paaibuda aiudza vaIsiraeri zvose zvaainge audzwa naTenzi. VaIsiraeri vaiona kuti chiso chaMosesi chiri kupenya, naizvozvo Mosesi aitora mucheka ofukidza chiso chake pakare kusvikira, nguva yaaindotaura naMwari zvakare.
Ekisodho 34:1-35 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jehovha akati kuna Mozisi, “Veza matombo maviri amahwendefa akaita seokutanga, uye ndichanyora paari mashoko akanga ari pamahwendefa okutanga, awakaputsa. Ugadzirire mangwanani, uye ipapo ugouya pamusoro peGomo reSinai. Uzviise kwandiri iwe ipapo pamusoro pegomo. Hapana munhu anofanira kuuya newe kana kuonekwa papi zvapo pamusoro peGomo; kunyange makwai kana mombe zvinopfuura pamberi pegomo.” Saka Mozisi akaveza mahwendefa maviri amabwe akaita seokutanga uye akakwira pamusoro pegomo reSinai mangwanani-ngwanani, sezvaakanga arayirwa naJehovha; uye akatakura mahwendefa maviri amabwe mumaoko ake. Ipapo Jehovha akaburuka kwaari ari mugore akamira naye ipapo uye akazivisa zita rake, Jehovha. Uye akapfuura napamberi paMozisi, achizivisa achiti, “Jehovha, Jehovha, Mwari ane tsitsi nenyasha, anononoka kutsamwa, azere norudo uye akatendeka, anoitira rudo kuzviuru zvamazana, uye achikanganwira zvakaipa, kumukira nechivi. Asi haaregi ane mhosva asingarangwi; anoranga vana navana vavo nokuda kwechivi chamadzibaba avo kusvikira kuchizvarwa chechitatu nechechina.” Mozisi akakotamira pasi akanamata. Akati, “Haiwa Jehovha, kana ndawana nyasha pamberi penyu, ipapo Jehovha ngaaende nesu. Kunyange vanhu ava vane mitsipa mikukutu, regererai henyu kuipa kwedu nechivi chedu, uye mutitore senhaka yenyu.” Ipapo akati, “Ndava kuita sungano newe. Ndichaita zvishamiso pamberi pavanhu vako zvisina kumboitwa kare mundudzi dzipi zvadzo munyika yose. Vanhu vaunogara pakati pavo vachaona kuti basa randichakuitira ini, Jehovha rinotyisa sei. Uteerere zvandinokurayira nhasi. Ndichadzinga pamberi pako vaAmori, vaKenani, vaHiti, vaPerezi, vaHivhi navaJebhusi. Uchenjerere kuti urege kuita sungano naavo vagere munyika yamunoenda kuti varege kuva musungo pakati penyu. Putsirai aritari dzavo pasi, pwanyai matombo avo anoyera uye muteme matanda avo aAshera. Musanamata vamwe vamwari vapi zvavo, nokuti Jehovha, iye ane zita rinonzi Godo, ndiye Mwari ane godo. “Uchenjerere kuti urege kuita sungano naavo vanogara munyika; nokuti pavanenge voita ufeve hwavo kuna vamwari vavo uye vakabayira kwavari, vachakukokai uye muchadya zvibayiro zvavo. Uye pamunosarudza vamwe vanasikana vavo kuti vave vakadzi vavanakomana venyu uye vanasikana avo vakaita ufeve navamwari vavo, vachatungamirira vanakomana venyu kuita zvimwe chetezvo. “Musaita zvifananidzo zvakaumbwa. “Mupemberere Mutambo weZvingwa Zvisina Mbiriso. Mudye chingwa chisina mbiriso kwamazuva manomwe, sezvandakurayirai. Muite izvi panguva yakatarwa mumwedzi waAbhibhi, nokuti mumwedzi iwoyo makabuda muIjipiti. “Chibereko chose chinotanga kuzarura chizvaro ndechangu, kusanganisira matangwe ose makono ezvipfuwo zvako, dzingava mombe kana makwai. Udzikinure dangwe rembongoro negwayana, asi kana usingaridzikinuri, urivhune mutsipa waro. Udzikinure matangwe ose kuvanakomana venyu. “Hapana munhu anofanira kumira pamberi pangu asina chinhu. “Mubate basa mazuva matanhatu, asi nezuva rechinomwe munofanira kuzorora; kunyange munguva dzokurima nedzokukohwa munofanira kuzorora. “Mupemberere Mutambo weMavhiki nezvibereko zvokutanga zvegorosi yakohwewa, uye Mutambo woKuunganidza pakupera kwegore. Katatu pagore, varume vose vanofanira kumira pamberi paIshe Jehovha, Mwari waIsraeri. Ndichadzinga ndudzi pamberi penyu uye ndichakurisa nyika yenyu, uye hakuna munhu achachiva nyika yenyu pamunokwidzako katatu gore rimwe nerimwe, kuti mumire pamberi paJehovha Mwari wenyu. “Musapa kwandiri ropa rezvibayiro pamwe chete nechinhu chipi zvacho chine mbiriso, uye musarega chimwe chezvibayiro zvoMutambo wePasika chichisara kusvikira mangwanani. “Muuyise zvakaisvonaka zvezvibereko zvevhu renyu zvokutanga kuimba yaJehovha Mwari wenyu. “Musabika mbudzana mumukaka wamai vayo.” Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Nyora mashoko aya, nokuti maererano namashoko aya ndaita sungano newe uye neIsraeri.” Mozisi akanga ariko kuna Jehovha kwamazuva makumi mana nousiku makumi mana, asingadyi chingwa kana kunwa mvura. Uye akanyora pamahwendefa mashoko esungano, iyo Mirayiro Gumi. Mozisi akati aburuka muGomo reSinai aine mahwendefa maviri eChipupuriro mumaoko ake, akanga asingazivi kuti chiso chake chaibwinya nokuti akanga ataura naJehovha. Aroni navaIsraeri vose pavakaona Mozisi, chiso chake chakanga chichibwinya, uye vakatya kuswedera pedyo naye. Asi Mozisi akavadana; uye Aroni navatungamiri vose vavanhu vakadzokera kwaari, uye akataura navo. Shure kwaizvozvo vaIsraeri vose vakaswedera pedyo naye akavapa mirayiro yose yaakanga apiwa naJehovha muGomo reSinai. Mozisi akati apedza kutaura navo, akaisa chifukidzo pachiso chake. Asi pose paaipinda paKuvapo kwaJehovha kuti ataure naye, aibvisa chifukidzo kusvikira abuda kunze. Uye aiti paaibuda achiudza vaIsraeri zvaainge arayirwa, vaiona kuti chiso chake chakanga chichibwinya. Ipapo Mozisi aizoisazve chifukidzo pachiso chake kusvikira apinda kundotaura naJehovha.
Ekisodho 34:1-35 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Zvivezere mahwendefa maviri amabwe akafanana nookutanga, kuti ndinyore pamahwendefa mashoko aya akanga ari pamahwendefa okutanga awaputsa. Gara wazvigadzira mangwanani, ukwire mugomo reSinai mangwanani, umire pamberi pangu pamusoro pegomo. Asi mumwe munhu ngaarege kukwira newe, uye ngakurege kuonekwa munhu pagomo rose, namakwai nemombe ngazvirege kufura pamberi pegomo iri.” Ipapo Mosesi akaveza mahwendefa maviri akafanana nookutanga, akamuka mangwanani, akakwira mugomo reSinai, sezvaakanga arairwa naJehovha, akabata mahwendefa maviri muruoko rwake. Jehovha akaburuka ari mugomo, akamirapo naye, akadana zita raJehovha. Jehovha akapfuura pamberi pake, akadanidzira, achiti, “Jehovha, Jehovha, Mwari azere nyasha nengoni, anononoka kutsamwa, ane tsitsi huru nezvokwadi, anochengetera vane zviuru zvamazana nyasha dzake, anovakanganwira zvakaipa zvavo nokudarika kwavo nezvivi zvavo, asi asingapembedzi munhu ane mhosva, anorova vana nokuda kwezvakaipa zvamadzibaba avo, navana vavana vavo kusvikira kurudzi rwechitatu norwechina.” Ipapo Mosesi akakurumidza kukotamisa musoro wake pasi, akapfugama. Akati, “Ishe, kana ndakawana nyasha kwamuri, Ishe ngaafambe pakati pedu, nokuti vanhu ava vane mitsipa mikukutu; tikanganwirei henyu zvakaipa zvedu nezvivi zvedu, mutigamuchirei, tive nhaka yenyu.” Jehovha akati, “Tarira, ndinoita sungano newe; ndichaita pamberi pavanhu vako zvinoshamisa, zvisina kumboitwa panyika yose, kana kundudzi dzose; kuti vanhu vose vauri pakati pavo vaone basa raJehovha, nokuti ndinoita chinhu chinotyisa newe. Rangarira zvandinokuraira nhasi: Tarira, ndodzinga pamberi pako vaAmori, navaKenani, navaHeti, navaPerezi, navaHivhi, navaJebhusi. Chenjera kuti urege kuita sungano navanhu vagere munyika iyo kwaunoenda, kuti zvirege kuva musungo kwauri; asi munofanira kuputsa atari dzavo, nokuputsanya mabwe emifananidzo yavo, nokutema matanda avo avanonamata nawo; nokuti usapfugamira vamwe vamwari, nokuti Jehovha, ane zita rinonzi Anegodo, ndiMwari anegodo; kuti urege kuita sungano navanhu vagere munyika iyo, zvino kana ivo vopata vachitevera vamwari vavo, vachibayira vamwari vavo, mumwe akudane kuti udye nyama yezvibayiro zvake; iwe ukatorera vanakomana vako vakunda vavo, zvino kana vakunda vavo vopata vachitevera vamwari vavo, vapatise vanakomana vakowo vatevere vamwari vavo. “Usazviitira vamwari vakaumbwa. Uite mutambo wezvingwa zvisina kuviriswa. Unofanira kudya zvingwa zvisina kuviriswa mazuva manomwe, sezvandakakuraira nenguva yakatarwa pamwedzi weAbhibhi, nokuti wakabuda paIjipiti pamwedzi weAbhibhi. “Zvose zvinotanga kuzarura chizvaro ndezvangu, napazvipfuwo zvako zvikono zvose zvinotanga kuzarura chizvaro, kana pamombe kana pamakwai; mwana wokutanga wembongoro unofanira kuudzikinura negwayana; kana usingadi kuudzikinura, unofanira kuvhuna mutsipa wawo. Matangwe ose pavanakomana vako unofanira kuvadzikinura. Kurege kuva nomunhu anouya pamberi pangu asina chinhu. “Unofanira kubata mazuva matanhatu, asi nezuva rechinomwe uzorore, nenguva yokurima neyokukohwa uzorore. Unofanira kurangarira mutambo wamavhiki, wezvitsva zvekoroni inokohwiwa, nomutambo wokuunganidza pakupera kwegore. “Varume vako vose ngavauye pamberi paShe Mwari, iye Mwari waIsiraeri, katatu negore. Nokuti ndichadzinga ndudzi pamberi pako, ndikurise miganhu yako; hakungavi nomunhu achachiva nyika yako, kana achikwira katatu pagore kuti azviratidze pamberi paJehovha, Mwari wako. “Usauya neropa rechibayiro changu pamwechete nechingwa chakaviriswa; uye chibayiro chomutambo wePasika ngachirege kuvata usiku kusvikira mangwana. Zvokutanga zvezvitsva zvomunda wako unofanira kuuya nazvo kumba kwaJehovha Mwari wako. Usabika mbudzana mumukaka wamai vayo.” Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Nyora mashoko iwaya, nokuti ndaita sungano newe navaIsiraeri sezvinoreva mashoko iwaya.” Akavako kuna Jehovha mazuva ana makumi mana nousiku unamakumi mana; wakanga asingadyi zvokudya kana kunwa mvura. Akanyora pamahwendefa mashoko esungano, iyo mirairo ine gumi. Zvino Mosesi wakati achiburuka pagomo reSinai, Mosesi akabata mahwendefa maviri echipupuriro mumaoko ake, Mosesi wakanga asingazivi, achiburuka pagomo, kuti ganda rechiso chake rakanga richibwinya zvaakanga ataura naye. Zvino Aroni navana vaIsiraeri vose vakati vachiona Mosesi, vakaona ganda rechiso chake richibwinya, vakatya kuswedera kwaari; ipapo Mosesi akavadana, Aroni navakuru vose veungano vakadzokera kwaari, Mosesi akataura navo. Pashure vana vaIsiraeri vose vakaswedera, iye akavaraira zvose zvaakanga audzwa naJehovha pagomo reSinai. Zvino Mosesi wakati apedza kutaura navo akaisa chifukidzo pachiso chake. Asi kana Mosesi opinda pamberi paJehovha kundotaura naye, waibvisa chifukidzo kusvikira achibuda; zvino wobuda, ndokuudza vana vaIsiraeri zvarairwa. Vana vaIsiraeri vakaona chiso chaMosesi, kuti ganda rechiso chaMosesi raibwinya; zvino Mosesi wodzoserazve chifukidzo pachiso chake, kusvikira opinda kundotaura naye.
Ekisodho 34:1-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Veza mafendefa maviri akafanana nookutanga aye, ndinyore paari mazwi akanga ari pamafendefa okutanga aye awakaputsa. Gadzirira mangwanani, ukwire mangwanani iwayo mugomo reSinai, uuye pandiri pamusoro pegomo ipapo. Usakwiremo nomumwe. Hapana munhu anofanira kuonekwa ari mugomo imomo mose. Musarege mombe kana zvimwe zvipfuwo zvichifura mujinga megomo iroro.” Zvino Mosesi akaveza mafendefa maviri akafanana nookutanga aye. Akafumomuka akakwira mugomo reSinai sokuudzwa kwaakanga aitwa naTenzi, akatakurawo mafendefa maviri aye mumaoko. Tenzi akaburuka ari mugore ndokusvikomira naye. Pakarepo Tenzi akadoma zita rake rokuti, “Yahweh.” Tenzi akazopfuura napaiva naMosesi akadetemba zita rake achiti: “Yahweh, Yahweh Mwari ane tsitsi, ane mwoyo wakanaka, ane mwoyo murefu, azere nomwoyochena wakawanda wakavimbika, azere kutendeseka. Anoitira zviuru nezviuru zvavanhu mwoyochena anoregerera zvitadzo, achiregererawo kukanganisa nouipi, asi haamborega zvake munhu anokodzera kurangwa asina kurangwa. Anoranga vana navana vavo, achivarangira zvakaipa zvamadzibaba avo, achitevedza zvizvarwa zvavo, kunyange kusvikira kune chechitatu nechechina.” Ipapo Mosesi akakurumidza kugwadama pasi akanamata. Akati, “Tenzi kana muchifadzwa neni, ndinokumbira kuti imi Tenzi tiende muri pakati pedu kunyange zvazvo vari tsvuuramuromo dzavanhu, tiregerereiwo zvitadzo zvedu, nouipi hwedu mutigamuchire senhaka yenyu.” Mwari akati, “Chinzwa ndava kuita chitenderano nemi. Ndichaita zvishamiso vanhu vako vachiona, zvishamiso zvisina kumboitwa pasi pose kunyange pakati pendudzi dzipi nedzipi zvadzo. Vanhu vose vamuchange mugere pakati pavo vachaona basa rangu ini Tenzi nokuti zvandichaita newe zvinhu zvinotyisa. Chengeta zvandinokuudza nhasi. Chinzwa, ndichaita kuti vaAmori navaKanani navaHiti navaPerizi navaHivhi navaJebhusi vakutizei. Chenjerai kuti murege kuita chitendarano navanhu vagere kunyika iyoyo kwamuri kuenda kungadaro kukava kuzviteyera musungo pakati penyu. Munofanira kuputsa atari dzavo, muparadzewo shongwe dzavo, mutemere pasi micherechedzo yamwari wavo, Ashera. “Ndinodaro nokuti hamufanire kunamata mumwe mwari, nokuti Tenzi zita rake ndiNyashanje; ndiMwari aneshanje. Mungadaro mukaita chitenderano navanhu vagere munyika iyoyo, pavanenge voita unzenza hwokupira zvibayiro zvavo kuna vamwari vavo mumwe angadaro akakukokai mukazodya chibayiro chake, uye moroorera vana venyu vakadzi kuvanasikana vavo. Varoora venyu ivavo vanozoita unzenza hwokunamata vamwari vavo vachizokwezverawo vana venyu kunamata vamwari vavo. “Usatore utare uchizviumbira vamwari. “Unofanira kuchengeta mazuva makuru echingwa chisina mbiriso. Mumwedzi waAbhibhi unofanira kudya chingwa chisina mbiriso kwamazuva manomwe sokukuudza kwandakaita nokuti imi makabuda muIjipiti mumwedzi waAbhibhi. “Dangwe rose rechikomana nderangu. Zvipfuwo zvose zvikono zvinotanga kuberekwa zvingave zvemombe kana zvezvimwe zvipfuwo ndezvangu. Dangwe redhongi unofanira kurinunura nehwayana. Kana usina kurinunura unofanira kurityora mutsipa waro. Matangwe enyu ose echirume avanhu ngaanunurwe. “Ngaparege kuva nomunhu anouya kwandiri akangobata zvake maoko. “Kwamazuva matanhatu, shanda zvako, asi pazuva rechinomwe unofanira kuzorora, pangave pakurima kana pakukohwa. “Chengeta mazuva makuru anonzi mazuva aMavhiki, mazuva ekoroni yokutanga. Chengetawo mazuva okupemberera kukohwa pakupera kwegore. Vanhurume vose vanofanira kuuya katatu pagore kuna Tenzi Mwari, Mwari weIsiraeri. Ndinodaro nokuti ndichaita kuti ndudzi dzavanhu dzikutizei ndigokudza-kudza nyika yenyu zvokuti pamunouya katatu kwandiri hapana anozoita ruchiva rwokuda kukutorerai. “Rega kupira ropa rechibayiro changu pamwechete nechingwa chine mbiriso. Nyama inosara pazuva guru rePasika ngairege kufuma mangwana acho ichiripo. “Pambesa dzenyu dzokutanga kukohwa munofanira kutora dzokutangisisa dzacho muuye nadzo kuimba yaTenzi, Mwari wenyu. Musabike mbudzana nomukaka waamai vayo.” Tenzi akaudza Mosesi kuti, “Nyora mashoko aya andareva nokuti ndiwo hwaro hwechitenderano chandakaita newe neIsiraeri.” Mosesi akagara mugomo reSinai siku nesikati kwamazuva makumi mana aina Tenzi, asina chaainwa kana kudya. Mwari akanyora pamafendefa mitemo gumi yechitenderano. Mosesi akazoburuka mugomo reSinai, paaiburuka mugomo akanga akatakura mumaoko mafendefa maviri eMitemo gumi. Asi haana kuziva kuti chiso chake chakanga chava kupenya pamusana pokutaura kwaakanga aita naMwari. Aroni navaIsiraeri vose vakatarisa Mosesi, onei ganda rouso hwake riri kupenya, vakabva vatya kusvika pedyo naye. Asi Mosesi akavadaidza. Aroni navakuru vakuru vose vegungano vakadzokera kwaari, Mosesi ndokutaura navo. VaIsiraeri vose vakazouyawo pedyo, Mosesi ndokuvapa mitemo yose yaakanga apiwa naTenzi mugomo reSinai. Mosesi akati apedza kutaura navo akatora mucheka akafukidza chiso chake. Mosesi aiti kana opinda kundotaura naTenzi, aibvisa mucheka uyu kusvikira abudamo. Paaibuda aiudza vaIsiraeri zvose zvaainge audzwa naTenzi. VaIsiraeri vaiona kuti chiso chaMosesi chiri kupenya, naizvozvo Mosesi aitora mucheka ofukidza chiso chake pakare kusvikira, nguva yaaindotaura naMwari zvakare.
Ekisodho 34:1-35 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Ɀiʋezere mahwendefa maʋiri amabge akafanana nookutaŋga, kuti ndinyore pamabwendefa mashoko aya akaŋga ari pamahwendefa okutaŋga awaputsa. Gara waɀigadzira maŋgwanani, ukwire mugomo reSinai maŋgwanani, umire pamberi paŋgu pamsoro pegomo. Asi mumŋe munhu ŋgaarege kukwira newe, ʋuye ŋgakurege kuʋonekwa munhu pagomo rose, namakwai neŋombe ŋgaɀirege kufura pamberi pegomo iri. Ipapo Mosesi akaʋeza mahwendefa maʋiri akafanana nookutaŋga, akamuka maŋgwanani, akakwira mugomo reSinai, seɀaakaŋga arairwa naJehova, akaɓata mahwendefa maʋiri muruʋoko rwake. Jehova akaɓuruka ari mugomo, akamira’po naye, akaɗana zita raJehova. Jehova akapfuʋura pamberi pake, akaɗanidzira, aciti: Jehova, Jehova, Mŋari uzere nyasha neŋgoni, unononoka kutsamŋa, unetsitsi huru neɀokwaɗi. unoceŋgetera ʋaneɀuru ɀamazana nyasha dzake, unoʋakaŋganwira ɀakaipa ɀaʋo nokuɗarika kwaʋo neɀiʋi ɀaʋo, asi usiŋgapembedzi munhu unemhoȿa, unoroʋa ʋana nokuɗa kweɀakaipa ɀamadziɓaɓa aʋo, naʋana ʋaʋana ʋaʋo kuȿikira kurudzi rwecitatu norwecinna. Ipapo Mosesi akakurumidza kukotamisa musoro wake pasi, akafugama. Akati: Ishe, kana ndakawana nyasha kwamuri, Ishe ŋgaafambe pakati peɗu, nokuti ʋanhu aʋa ʋanemitsipa mikukutu; tikaŋganwirei henyu ɀakaipa ɀeɗu neɀiʋi ɀeɗu, mutigamucirei, tiʋe nhaka yenyu. Jehoʋa akati: Tarira, ndinoita suŋgano newe; ndicaita pamberi paʋanhu ʋako ɀinoshamisa, ɀisina‐kumboitwa panyika yose, kana kundudzi dzose; kuti ʋanhu ʋose ʋauri pakati paʋo ʋaʋone ɓasa raJehova, nokuti ndinoita cinhu cinotyisa newe. Raŋgarira ɀandinokuraira nhasi: Tarira, ndodziŋga pamberi pako ʋaAmori, naʋaKanani, naʋaHeti, naʋaPerezi, naʋaHivi, naʋaJebusi. Cenjera kuti urege kuita suŋgano naʋanhu ʋagere munyika iyo kwaunoenda, kuti ɀirege kuʋa musuŋgo kwauri; asi munofanira kuputsa artari dzaʋo, nokuputsanya mabge emifananidzo yaʋo, nokutema matanda aʋo aʋanonamata nawo; nokuti usafugamira ʋamŋe ʋamŋari, nokuti Jehova, unezita rinonzi Unegoɗo, ndiMŋari unegoɗo; kuti urege kuita suŋgano naʋanhu ʋagere munyika iyo, ɀino kana iʋo ʋopata ʋaciteʋera ʋamŋari ʋaʋo, ʋaciɓayira ʋamŋari ʋaʋo, mumŋe akuɗane kuti udye nyama yeɀiɓayiro ɀake; iwe ukatorera ʋanakomana ʋako ʋakunda ʋaʋo, ɀino kana ʋakunda ʋaʋo ʋopata ʋaciteʋera ʋamŋari ʋaʋo, ʋapatise ʋanakomana ʋako ʋo ʋateʋere ʋamŋari ʋaʋo. Usaɀiitira ʋamŋari ʋakaʋumbga. Uite mutambo weɀiŋgwa ɀisina‐kuʋiriswa. Unofanira kudya ɀiŋgwa ɀisina‐kuʋiriswa mazuʋa manomŋe, seɀandakakuraira neŋguʋa yakatarwa pamŋedzi weAbibi, nokuti wakaɓuɗa paEgipita pamŋedzi weAbibi. Ɀose ɀinotaŋga kuzarura ciɀaro ndeɀaŋgu, napaɀipfuwo ɀako ɀikono ɀose ɀinotaŋga kuzarura ciɀaro, kana paŋombe kana pamakwai; mŋana wokutaŋga wemboŋgoro unofanira kuudzikinura negwaiana; kana usiŋgaɗi kuudzikinura, unofanira kuvuna mutsipa wawo. Mataŋgwe ose paʋanakomana ʋako unofanira kuʋadzikinura. Kurege kuʋa nomunhu unoʋuya pamberi paŋgu asinecinhu. Unofanira kuɓata mazuʋa matanhatu, asi nezuʋa recinomŋe uzorore, neŋguʋa yokurima neyokukohwa uzorore. Unofanira kuraŋgarira mutambo wamaviki, weɀitȿa ɀekoroni inokohwiwa, nomutambo wokuʋuŋganidza pakupera kwegore. Ʋarume ʋako ʋose ŋgaʋaʋuye pamberi paShe Mŋari, iye Mŋari waIsraeri, katatu negore. Nokuti ndicadziŋga ndudzi pamberi pako, ndikurise miganhu yako; hakuŋgaʋi nomunhu ucaciʋa nyika yako, kana ucikwira katatu pagore kuti uɀiratidze pamberi paJehova, Mŋari wako. Usaʋuya neropa reciɓayiro caŋgu pamŋe cete neciŋgwa cakaʋiriswa; ʋuye ciɓayiro comutambo wepaseka ŋgacirege kuʋata ʋusiku kuȿikira maŋgwana. Ɀokutaŋga ɀeɀitȿa ɀomunda wako unofanira kuʋuya naɀo kumba kwaJehova Mŋari wako. Usaɓika mbudzana mumukaka wamai ʋayo. Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Nyora mashoko iwaya, nokuti ndaita suŋgano newe naʋaIsraeri seɀinoreʋa mashoko iwaya. Akaʋa’ko kunaJehova mazuʋa anamakumi manna noʋusiku ʋunamakumi manna; wakaŋga asiŋgadyi ɀokudya, kana kunwa mvura. Akanyora pamahwendefa mashoko esuŋgano, iyo mirairo inegumi. Ɀino Mosesi wakati aciɓuruka pagomo reSinai, Mosesi akaɓata mahwendefa maʋiri ecipupuriro mumaʋoko ake, Mosesi wakaŋga asiŋgaziʋi, aciɓuruka pagomo, kuti ganda reciso cake rakaŋga ricibginya ɀaakaŋga ataura naye. Ɀino Aroni naʋana ʋaIsraeri ʋose ʋakati ʋaciʋona Mosesi, ʋakaʋona ganda reciso cake ricibginya, ʋakatya kusweɗera kwaari; ipapo Mosesi akaʋaɗana, Aroni naʋakuru ʋose ʋeʋuŋgano ʋakadzokera kwaari, Mosesi akataura naʋo. Pashure ʋana ʋaIsraeri ʋose ʋakasweɗera, iye akaʋaraira ɀose ɀaakaŋga aʋudzwa naJehova pagomo reSinai. Ɀino Mosesi wakati apedza kutaura naʋo akaisa cifukidzo paciso cake. Asi kana Mosesi opinda pamberi paJehova kundotaura naye, waibvisa cifukidzo kuȿikira aciɓuɗa; ɀino woɓuɗa, ndokuʋudza ʋana ʋaIsraeri ɀarairwa. Ʋana ʋaIsraeri ʋakaʋona ciso caMosesi, kuti ganda reciso caMosesi raibginya; ɀino Mosesi wodzosera ɀe cifukidzo paciso cake, kuȿikira opinda kundotaura naye.