Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kubuda 2:11-25

Kubuda 2:11-25 SCLB

Rimwe zuva, Mosesi akura, zvakaitika kuti akaenda kundoona vanhu verudzi rwake vaHebheru. Akaona mabasa anorema avaiitiswa, akaonawo muIjipiti achirova muHebheru. Mosesi akaringa-ringa ndokuona kuti hapana mumwe munhu akanga aripo, ndokubva auraya muIjipiti uyu ndokumufushira mujecha. Mangwana acho, Mosesi akaenda kwakare, ndokuona vaHebheru vaviri vachirwa. Mosesi akatsiura akanga akanganisa achiti, “Ko uri kurovereiko hama yako?” Murume iyeyo akati, “Ndiani akakuita ishe nomutongi wedu iwe? Heya unoda kundiuraya sezvawakaita muIjipiti uya nhai!” Mosesi akatya akati, “Inga zvandakaita zviya zvava kutozikanwa!” Farao akazozvinzwa akada kuuraya Mosesi. Asi Mosesi akatiza, akandogara munyika yeMidhiani. Akasvika pakanga paine tsime, ndokugara zvake pasi. Zvino muMidhiani maiva nomupristi, akanga ana vana vake vasikana vanomwe. Vasikana ivava vakauya vakateka mvura vakaizadza mainwira zvipfuwo kuitira kuti zvinwe. Kwakauyawo vamwe vafudzi vakavadzinganisa. Asi Mosesi akasimuka akandonunura vasikana ava, akanwisa zvipfuwo zvavo. Pavakadzokera kuna baba vavo Reueri baba ivavo vakati, “Ko nhasi makurumidziswa nei kudai?” Vakati, “Tanunurwawo nomumwe muIjipiti, adzinga vafudzi. Atotitekerawo mvura akapa zvipfuwo zvedu kuti zvinwe.” Baba vakati kuvana vavo, “Ko zvino munhu wacho ari kupi? Mamusiyireiko? Endai mumudaidze awane chokudya.” Mosesi akagutsikana kugara nomurume uyu. Iye akazopa Mosesi mwana wake Zipora kuti ave mukadzi wake. Zipora akabereka mwana mukomana, Mosesi akatumidza mwana wake zita rokuti Gerishomu achiti, “Ini ndiri mutorwa zvangu munyika yavamwe.” Nokufamba kwamazuva mambo weIjipiti akafa. VaIsiraeri vakaramba vachidandaura nenhamo youranda. Vakachema vachida kununurwa. Kuchema kwavo nhamo youranda kwakasvika kudenga kuna Mwari. Mwari akanzwa kudandaura kwavo nenhamo ndokurangarira chitenderano chaakaita naAbhurahamu naIsaki naJakobho. Mwari akatarisa vaIsiraeri akaita hanya navo.

Verenga chikamu Kubuda 2