Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ekisodho 2:11-25

Ekisodho 2:11-25 SNA2002

Zvino namazuva iwayo Mosesi akura, akaenda kundoona hama dzake, akandotarira mirimo yavo; akaona muIjipiti achirova muHebheru, mumwe wehama dzake. Akaringa-ringa, zvino achiona kuti hapana munhu aripo, akauraya muIjipiti, akamuviga mujecha. Akabudazve nezuva rechipiri, akaona varume vaviri vaHebheru vachirwa; akati kuna iye waiva nemhosva, “Unorovereiko munhu wokwako?” Iye akati, “Ndianiko akakuita ishe nomutongi wedu? Unoda kundiuraya ini sezvawakauraya uya muIjipiti kani?” Mosesi akatya, akati, “Zvirokwazvo, chinhu ichi chazikanwa.” Zvino Farao akati anzwa chinhu icho, akatsvaka kuuraya Mosesi. Asi Mosesi akatiza pamberi paFarao, akandogara kunyika yeMidhiani, akagara pasi patsime. Zvino mupristi weMidhiani akanga ana vakunda vanomwe; ivo vakauya kuzochera mvura, vakazadza zvinwiro, kuti vanwise makwai ababa vavo. Vafudzi vakauya, vakavadzingapo, asi Mosesi akasimuka, akavabatsira, akanwisa makwai avo. Zvino vakati vachisvika kuna Rueri, baba vavo, ivo vakati, “Makurumidza kudzoka seiko nhasi?” Vakati, “MuIjipiti akatirwira pamaoko avafudzi, akaticherera mvura, akanwisa makwai.” Akati kuvakunda vake, “Zvino aripiko? Munhu uyu mamusiyirei? Mudanei, adye zvokudya.” Mosesi akatenda kugara nomunhu uyo; akapa Mosesi mukunda wake Zipora. Akabereka mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Geshomi, nokuti akati, “Ndakanga ndiri mutorwa munyika yavamwe.” Zvino mazuva mazhinji akati apfuura, mambo weIjipiti akafa, vana vaIsiraeri vakagomera nokuda kwouranda hwavo, vakadanidzira, kudanidzira kwavo kukasvika kuna Mwari nokuda kwouranda. Mwari akanzwa kugomba kwavo, Mwari akarangarira sungano yake naAbhurahamu, naIsaka, naJakobho. Mwari akaona vana vaIsiraeri, Mwari akavarangarira.

Verenga chikamu Ekisodho 2