Rimwe zuva, Mosesi akura, zvakaitika kuti akaenda kundoona vanhu verudzi rwake vaHebheru. Akaona mabasa anorema avaiitiswa, akaonawo muIjipiti achirova muHebheru. Mosesi akaringa-ringa ndokuona kuti hapana mumwe munhu akanga aripo, ndokubva auraya muIjipiti uyu ndokumufushira mujecha. Mangwana acho, Mosesi akaenda kwakare, ndokuona vaHebheru vaviri vachirwa. Mosesi akatsiura akanga akanganisa achiti, “Ko uri kurovereiko hama yako?” Murume iyeyo akati, “Ndiani akakuita ishe nomutongi wedu iwe? Heya unoda kundiuraya sezvawakaita muIjipiti uya nhai!” Mosesi akatya akati, “Inga zvandakaita zviya zvava kutozikanwa!” Farao akazozvinzwa akada kuuraya Mosesi. Asi Mosesi akatiza, akandogara munyika yeMidhiani. Akasvika pakanga paine tsime, ndokugara zvake pasi.
Verenga chikamu Kubuda 2
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Kubuda 2:11-15
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo