Zvino namazuva iwayo Mosesi akura, akaenda kundoona hama dzake, akandotarira mirimo yavo; akaona muIjipiti achirova muHebheru, mumwe wehama dzake. Akaringa-ringa, zvino achiona kuti hapana munhu aripo, akauraya muIjipiti, akamuviga mujecha. Akabudazve nezuva rechipiri, akaona varume vaviri vaHebheru vachirwa; akati kuna iye waiva nemhosva, “Unorovereiko munhu wokwako?” Iye akati, “Ndianiko akakuita ishe nomutongi wedu? Unoda kundiuraya ini sezvawakauraya uya muIjipiti kani?” Mosesi akatya, akati, “Zvirokwazvo, chinhu ichi chazikanwa.” Zvino Farao akati anzwa chinhu icho, akatsvaka kuuraya Mosesi. Asi Mosesi akatiza pamberi paFarao, akandogara kunyika yeMidhiani, akagara pasi patsime.
Verenga chikamu Ekisodho 2
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ekisodho 2:11-15
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo